Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 3:57

[1] Mutumwa wechishanu akaridza hwamanda yake, ndikaona nyeredzi yakanga yawira panyika ichibva kudenga. Nyeredzi yakapiwa kiyi yegomba rakadzika zvisina mugumo.

[2] Akati azarura gomba rakadzika zvisina mugumo, utsi hwakabuda mariri soutsi hunobva muvira guru romoto. Zuva nomwedzi zvakasvibiswa noutsi hwaibva mugomba rakadzika zvisina mugumo.

[3] Uye muutsi makabuda mhashu dzikauya panyika uye dzikapiwa simba rakaita serezvinyavada zvenyika.

[4] Dzakaudzwa kuti dzirege kuparadza uswa hwenyika kana zvirimwa, kana miti ipi zvayo, asi vanhu vaya chete vakanga vasina chisimbiso chaMwari pahuma dzavo.

[5] Hadzina kupiwa simba rokuvauraya, asi kungovarwadzisa chete kwemwedzi mishanu. Uye kurwadziwa kwavo kwakanga kwakaita sokworumborera rwechinyavada pachinoruma munhu.

[6] Mumazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangaruwani; vachashuva kufa asi kufa kuchavanzvenga.

[7] Mhashu dzakanga dzakaita samabhiza agadzirirwa kundorwa. Pamisoro yadzo dzakanga dzakapfeka zvinhu zvinenge korona yegoridhe, uye zviso zvadzo zvakaita sezvavanhu.

[8] Bvudzi radzo rakanga rakaita sebvudzi romukadzi, uye meno adzo akanga akaita semeno eshumba.

[9] Dzakanga dzine zvidzitiro zvechipfuva zvakaita sezvidzitiro zvesimbi, uye mubvumo wamapapiro wakanga wakaita sokutinhira kwengoro namabhiza mazhinji ari kumhanyira kundorwa.

[10] Dzakanga dzine miswe norumborera sorwezvinyavada, uye mumiswe yadzo dzakanga dzine simba rokurwadzisa vanhu kwemwedzi mishanu.

[11] Dzakanga dzino mutumwa wegomba rakadzika zvisina mugumo, samambo wadzo, zita rake muchiHebheru ndiAbhadhoni, uye muchiGiriki, ndiAporioni.

[12] Nhamo yokutanga yapfuura; dzimwe nhamo mbiri dziri kutevera.

[13] Mutumwa wechitanhatu akaridza hwamanda yake, ndikanzwa inzwi richibuda munyanga dzearitari yegoridhe iri pamberi paMwari.

[14] Rakati kumutumwa wechitanhatu akanga ane hwamanda, “Sunungura vatumwa vana, vakasungwa parwizi rukuru Yufuratesi.”

[15] Uye vatumwa vana vakanga vakagadzirirwa zveawa yacho iyoyo, zuva iroro, mwedzi iwoyo, negore iroro, vakasunungurwa kuti vauraye chikamu chimwe chete muzvitatu chamarudzi avanhu.

[16] Kuwanda kwavarwi vamabhiza kwaiva mamiriyoni mazana maviri. Ndakanzwa kuwanda kwavo.

[17] Mabhiza navatasvi vandakaona muchiratidzo changu vakanga vakadai: Zvidzitiro zvavo zvechipfuva zvakanga zviri zvitsvuku, nezvitema, uye zviri yero sesafuri. Misoro yamabhiza yakanga yakafanana nemisoro yeshumba, uye mumuromo mazvo maibuda moto, noutsi nesafuri.

[18] Chikamu chimwe chete muzvitatu chamarudzi avanhu chakaurayiwa namatambudziko matatu omoto, utsi nesafuri zvakabuda mumiromo yawo.

[19] Simba ramabhiza rakanga riri mumiromo yawo nomumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakanga yakaita senyoka, ine misoro yaayiruma nayo.

[20] Vakasara vavanhu vasina kuurayiwa namatambudziko aya havana kutendeuka pabasa ramaoko avo; havana kurega kunamata madhimoni, nokunamata zvifananidzo zvegoridhe, sirivha, nendarira, matombo namatanda, zvifananidzo zvisingagoni kuona, kunzwa kana kufamba.

[21] Uye havana kutendeuka muumhondi hwavo, pauroyi hwavo, napaupombwe hwavo, kana kuba kwavo.

Zvakazarurwa — Chapters