Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 4:11

[1] Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari kuti aratidze varanda vake zvinofanira kuitika nokukurumidza. Akazvizivisa nokutumira kwaakaita mutumwa wake kumuranda wake Johani,

[2] iye anopupura zvose zvaakaona, iro shoko raMwari uye nouchapupu hwaJesu Kristu.

[3] Akaropafadzwa uyo anoverenga mashoko ouprofita uhu, uye vakaropafadzwa avo vanohunzwa uye vagochengeta pamwoyo yavo zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedyo.

[4] Johani, kukereke nomwe dziri mudunhu reEzhia: Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna iye aripo, uye akanga aripo, naiye achazouya, nokumweya minomwe iri pamberi pechigaro chake choushe,

[5] nokuna Jesu Kristu, iye chapupu chakatendeka, dangwe kubva kuvakafa, nomutongi wamadzimambo enyika. Kuna iye anotida uye akatisunungura kubva kuzvivi zvedu neropa rake,

[6] uye akatiita ushe nouprista kuti tishumire Mwari naBaba vake, ngaave nokubwinya nesimba nokusingaperi-peri! Ameni.

[7] Tarirai, ari kuuya namakore, uye meso ose achamuona, kunyange naivo vakamubaya; uye marudzi ose enyika achachema nokuda kwake. Saka zvichaita saizvozvo! Ameni.

[8] “Ndini Arifa naOmega,” ndizvo zvinotaura Ishe Mwari, “iye aripo, akanga aripo, uye achazouya, Wamasimba Ose.”

[9] Ini Johani, hama yenyu nomufambidzani wenyu mumatambudziko, muumambo, nomukutsungirira nomwoyo murefu wedu muna Jesu, ndakanga ndiri pachitsuwa chePatimosi nokuda kweshoko raMwari uye nouchapupu hwaJesu.

[10] Pazuva raShe, ndakanga ndiri muMweya, uye ndikanzwa mushure mangu inzwi guru rinenge rehwamanda,

[11] richiti, “Nyora mubhuku rakapetwa zvaunoona ugozvitumira kukereke nomwe: dzokuEfeso, Simina, Pegamo, Tiatira, Sadhisi, Firadherifia neRaodhikea.”

[12] Ndakatendeuka ndikatarisa kuti ndione inzwi rakanga richitaura kwandiri. Uye ndakatendeuka ndikaona zvigadziko zvemwenje,

[13] uye pakati pezvigadziko zvemwenje pakanga pano mumwe akanga “akaita somwanakomana womunhu,” akafuka nguo yaisvika kutsoka dzake uye ane bhanhire regoridhe pachipfuva chake.

[14] Musoro wake nebvudzi rake zvakanga zvakachena samakushe, zvakachena sechando, uye meso ake akanga akaita somurazvo womoto.

[15] Tsoka dzake dzakanga dzakaita sendarira inopenya muvira romoto, uye inzwi rake rakanga rakaita somubvumo wemvura zhinji.

[16] Akanga akabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi, uye mumuromo make makabuda munondo unopinza, unocheka mativi ose. Chiso chake chakanga chakaita sezuva rinopenya nokupenya kwaro kwose.

[17] Pandakamuona, ndakawira patsoka dzake kunge ndafa. Ipapo akaisa ruoko rwake rworudyi pamusoro pangu akati, “Usatya. Ndini Wokutanga neWokupedzisira.

[18] Ndini iye Mupenyu; ndakanga ndafa, uye tarira, ndiri mupenyu nokusingaperi-peri! Uye ndakabata kiyi dzorufu neHadhesi.

[19] “Naizvozvo, nyora zvawaona, zviripo zvino nezvichazoitika shure kwaizvozvi.

[20] Chakavanzika chenyeredzi nomwe dzawaona muruoko rwangu rworudyi nechezvigadziko zvinomwe zvemwenje ndechichi: Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vekereke nomwe, uye zvigadziko zvinomwe zvemwenje ndidzo kereke nomwe.

Zvakazarurwa — Chapters