Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 4:34

[1] Ipapo mutumwa akandiratidza rwizi rwemvura youpenyu, inoonekera sekristaro, ruchiyerera kubva pachigaro chaMwari necheGwayana

[2] pakati penzira huru yeguta. Parutivi rumwe norumwe rwerwizi pakanga pano muti woupenyu, waibereka mhando gumi nembiri dzomuchero, ichibereka michero yayo pamwedzi woga woga. Mashizha omuti uyu ndeokuporesa ndudzi.

[3] Hakuchazovazve nokutukwa. Chigaro choushe chaMwari necheGwayana zvichava muguta, uye varanda vake vachamushumira.

[4] Vachaona chiso chake, uye zita rake richava pahuma dzavo.

[5] Usiku hahuchazovapozve. Havachazotsvaki chiedza chomwenje kana chiedza chezuva, nokuti Ishe Mwari achavapa chiedza. Uye vachatonga nokusingaperi-peri.

[6] Mutumwa akati kwandiri, “Mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi. Ishe, Mwari wemweya yavaprofita, akatuma mutumwa wake kuzoratidza varanda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.”

[7] “Tarirai, ndinokurumidza kuuya! Akaropafadzwa uyo anochengeta mashoko ouprofita huri mubhuku iri.”

[8] Ini Johani, ndini ndakanzwa uye ndikaona zvinhu izvi. Uye ndakati ndazvinzwa uye ndazviona, ndakawira pasi kuti ndinamate ndiri patsoka dzomutumwa akanga andiratidza zvinhu izvi.

[9] Asi akati kwandiri, “Rega kudaro! Ndiri muranda pamwe chete newe uye nehama dzako vaprofita navose vanochengeta mashoko ebhuku iri. Namata Mwari!”

[10] Ipapo akati kwandiri, “Usanamira mashoko ouprofita hwebhuku iri, nokuti nguva yaswedera.

[11] Anotadza ngaarambe achitadza, anonyangadza ngaarambe achinyangadza; anoita zvakarurama ngaarambe achiita zvakarurama; uye mutsvene ngaarambe ari mutsvene.”

[12] “Tarirai, ndiri kukurumidza kuuya! Mubayiro wangu ndinawo, uye ndichapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.

[13] Ndini Arifa naOmega, wokutanga newokupedzisira, kutanga nokuguma.

[14] “Vakaropafadzwa avo vanosuka nguo dzavo, kuti vave nesimba rokuuya kumuti woupenyu uye vagopinda muguta napasuo.

[15] Kunze ndiko kune imbwa, vaya vanoita zvouroyi, mhombwe, mhondi, vanonamata zvifananidzo navose vanoda nhema uye vachidziita.

[16] “Ini Jesu, ndatuma mutumwa wangu kuti akupe uchapupu uhu hwekereke. Ndini mudzi worudzi rwaDhavhidhi, Nyamasase inopenya.”

[17] Mweya nomwenga vanoti, “Uya!” Uye anonzwa ngaati, “Uyai!” Ani naani ane nyota, ngaauye; uye ani naani anoda, ngaatore chipo chemvura youpenyu asingatengi.

[18] Ndinoyambira mumwe nomumwe anonzwa mashoko ouprofita hwebhuku iri ndichiti: Kana munhu upi zvake akawedzera chinhu chipi zvacho kwaari, Mwari achawedzera kwaari matambudziko akanyorwa mubhuku iri.

[19] Uye, kana munhu upi zvake akatapudza mashoko kubva mubhuku iri rouprofita, Mwari achabvisa kubva kwaari mugove wake pamuti woupenyu nomuguta dzvene, izvo zvakanyorwa mubhuku iri.

[20] Uyo anopupura zvinhu izvi anoti, “Hongu, ndinokurumidza kuuya.” Ameni. Uyai, Ishe Jesu.

[21] Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive navanhu vaMwari. Ameni.

Zvakazarurwa — Chapters