Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 3:54

[1] “Kumutumwa wekereke iri muSadhisi nyora kuti: i1 Aya ndiwo mashoko aiye akabata mweya minomwe yaMwari nenyeredzi nomwe. i1 Ndinoziva mabasa ako; unonzi uri mupenyu, asi wakafa.

[2] Muka! Simbisa zvakasara zvoda kufa, nokuti handina kuwana mabasa ako akakwana pamberi paMwari wangu.

[3] Naizvozvo, rangarira zvawakagamuchira nezvawakanzwa; uzviteerere, uye utendeuke. Asi kana usingapepuki, ndichauya sembavha, uye haungazivi nguva yandichauya nayo kwauri. i1

[4] Asi una vanhu vashoma muSadhisi vasina kusvibisa nguo dzavo. Vachafamba neni, vakapfeka nguo chena, nokuti ndivo vakafanira.

[5] Anokunda achaita saivo, achashongedzwa nguo chena. Handingazodzimi zita rake kubva mubhuku roupenyu, asi ndichapupura zita rake pamberi paBaba vangu navatumwa vavo.

[6] Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.

[7] “Kumutumwa wekereke iri muFiradherifia nyora kuti: i1 Aya ndiwo mashoko aiye mutsvene wechokwadi, iye akabata kiyi yaDhavhidhi. Chaanozarura hakuna munhu anopfiga, chaanopfiga hakuna munhu anochizarura. i1

[8] Ndinoziva mabasa ako. Tarira, ndaisa pamberi pako mukova wakazaruka usingagoni kupfigwa nomunhu. Ndinoziva kuti une simba shoma, asi wakachengeta shoko rangu uye hauna kuramba zita rangu.

[9] Ndichaita kuti avo vari vesinagoge raSatani, vanozviti vaJudha kunyange vasiri ivo, asi varevi venhema, ndichaita kuti vauye uye vawire pasi petsoka dzako uye vagoziva kuti ndakakuda.

[10] Sezvo wakachengeta murayiro wangu kuti utsunge nomwoyo murefu, ndichakuchengetawo panguva yokuedzwa iri kusvika pamusoro penyika yose kuzoedza avo vanogara panyika. i1

[11] Ndiri kukurumidza kuuya. Batisisa icho chaunacho, kuti kurege kuva nomunhu anokutorera korona yako.

[12] Uyo anokunda ndichamuita mbiru mutemberi yaMwari wangu. Haazombobudimo. Ndichanyora paari zita raMwari wangu nezita reguta raMwari wangu, Jerusarema idzva, riri kuburuka richibva kudenga kuna Mwari; uye ndichanyorawo paari zita rangu idzva.

[13] Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe, zvinoreva Mweya kukereke.

[14] “Kumutumwa wekereke iri muRaodhikea nyora kuti: i1 Aya ndiwo mashoko aiye Ameni, chapupu chakatendeka uye chechokwadi, mutongi wezvisikwa zvaMwari. i1

[15] Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori kana kupisa. Ndaida kuti uve chimwe chaizvozvi!

[16] Saka nokuda kwokuti unodziya zvishoma, haupisi kana kutonhora, ndava kuda kukusvipa kubva mumuromo mangu.

[17] Unoti, ‘Ndakapfuma; ndakawana pfuma uye handina chandinoshayiwa.’ Asi hauzivi kuti une nhamo, unonzwisa urombo, uri murombo, uri bofu uye hauna kusimira.

[18] Ndinokupa zano kuti utenge kwandiri goridhe rakanatswa nomoto, kuti upfume; uye uve nenguo chena dzokupfeka, kuitira kuti ufukidze nyadzi dzokusasimira kwako; nechizoro chokuisa mumeso ako, kuitira kuti ugone kuona. i1

[19] Avo vandinoda ndinovatsiura uye ndinovaranga. Saka shingaira, utendeuke.

[20] Ndiri pano! Ndimire pamusuo ndichigogodza. Kana munhu akanzwa inzwi rangu akazarura musuo, ndichapinda ndigodya naye, uye iye neni. i1

[21] Kuno uyo anokunda, ndichamutendera kuti agare neni pachigaro changu choushe, sezvandakakunda uye ndikagara naBaba vangu pachigaro chavo choushe.

[22] Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.”

Zvakazarurwa — Chapters