[1] Ipapo ndakanzwa inzwi guru richibva mutemberi richiti: kuvatumwa vanomwe, “Endai, mundodurura ndiro nomwe dzehasha dzaMwari panyika.”
[2] Mutumwa wokutanga akaenda akandodurura ndiro yake panyika, maronda akaipa, anorwadza akabuda muvanhu vakanga vano mucherechedzo wechikara uye vachinamata mufananidzo wacho.
[3] Mutumwa wechipiri akadurura ndiro yake pagungwa, rikashanduka rikava ropa seromunhu akafa, uye zvipenyu zvose zvomugungwa zvikafa.
[4] Mutumwa wechitatu akadurura ndiro yake panzizi nomumatsime emvura, zvikava ropa.
[5] Ipapo ndakanzwa mutumwa aichengeta mvura achiti: “Imi makarurama mukutonga uku, imi muripo uye makanga muripo, Mutsvene Oga, nokuti makatonga saizvozvo;
[6] nokuti vakateura ropa ravatsvene venyu navaprofita, uye mavapa ropa kuti vanwe sezvavakafanirwa nazvo.”
[7] Uye ndakanzwa aritari ichipindura ichiti: “Hongu, Ishe Mwari Wamasimba Ose kutonga kwenyu kwakarurama uye ndokwechokwadi.”
[8] Mutumwa wechina akadurura ndiro yake pazuva, zuva rikapiwa simba rokupisa vanhu nomoto.
[9] Vakapiswa nokupisa kukuru vakatuka zita raMwari, iye akanga ane simba pamusoro pamatambudziko aya, asi vakaramba kutendeuka kuti vamukudze.
[10] Mutumwa wechishanu akadurura ndiro yake pamusoro pechigaro choushe chechikara, umambo hwacho hukakandwa murima. Vanhu vakatsenga rurimi mukurwadziwa
[11] vakatuka Mwari wokudenga nokuda kwokurwadziwa kwavo namaronda avo, asi vakaramba kutendeuka pane zvavakanga vaita.
[12] Mutumwa wechitanhatu akadurura ndiro yake parwizi rukuru Yufuratesi, mvura yarwo ikapwa kuti nzira yamadzimambo okumabvazuva ivepo.
[13] Ipapo ndakaona mweya yakaipa mitatu yakanga yakaita samatafi; yakabuda mumuromo meshato, mumuromo mechikara nomumuromo momuprofita wenhema.
[14] Iyi ndiyo mweya yamadhimoni inoita zvishamiso nezviratidzo, uye inobuda ichienda kumadzimambo enyika yose, kundovaunganidza kuti vandorwa pazuva guru raMwari Wamasimba Ose.
[15] “Tarirai ndinouya sembavha? Akaropafadzwa uyo anogara akasvinura uye anochengeta nguo dzake, kuti arege kufamba akashama achinyadziswa nokusapfeka nguo.”
[16] Ipapo vakaunganidza madzimambo pamwe chete panzvimbo inonzi nechiHebheru Arimagedhoni.
[17] Mutumwa wechinomwe akadurura ndiro yake mudenga, mutemberi mukabuda inzwi guru richibva pachigaro choushe, richiti, “Zvaitwa!”
[18] Ipapo kwakava nokupenya kwemheni, maungira okutinhira mabhananʼana, maungira okutinhira, nokudengenyeka kwenyika kukuru. Hakuna kumbova nokudengenyeka kwenyika kwakadaro kubva pakutanga kwavanhu kugara panyika; kwaiva kudengenyeka kukuru kwazvo.
[19] Guta guru rakatsemuka rikaita mapandi matatu uye maguta endudzi akakoromoka. Mwari akarangarira Bhabhironi guta guru akaripa mukombe uzere newaini yokutsamwa kwehasha dzake.
[20] Zvitsuwa zvose zvakatiza uye makomo haana kugona kuwanikwa.
[21] Kudenga kwakabva chimvuramabwe chikuru chaiva neibwe rairema tarenda uye ibwe rimwe nerimwe rakawira pavanhu. Uye vakatuka Mwari nokuda kwedambudziko rechimvuramabwe, nokuti dambudziko iri rakanga rakaipa kwazvo.