Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 2:18

[1] Ipapo ndakaona mumwe mutumwa ane simba achiburuka kubva kudenga. Akanga akafukidzwa mugore, nomuraravungu pamusoro pake; chiso chake chakanga chakaita sezuva, uye makumbo ake akanga akaita sembiru dzomoto.

[2] Akanga akabata bhuku duku rakapetwa, rakanga rakazaruka muruoko rwake. Akaisa rutsoka rwake rworudyi pagungwa uye rworuboshwe rwakatsika panyika,

[3] uye akadanidzira nenzwi guru sokuomba kweshumba. Akati adanidzira, inzwi rokutinhira kunomwe rakataura.

[4] Uye kutinhira kunomwe kwakati kwataura, ndakanga ndava kuda kunyora; asi ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti, “Namira zvarehwa nokutinhira kunomwe uye usazvinyora pasi.”

[5] Ipapo mutumwa wandakanga ndaona amire pagungwa napanyika akasimudzira ruoko rwake rworudyi kudenga.

[6] Uye akapika naiye anogara nokusingaperi-peri, iye akasika matenga nezvose zviri maari, nyika nezvose zviri mairi, uye negungwa nezvose zviri mariri, akati, “Hapachazombovizve nokunonoka!

[7] Asi pamazuva ayo mutumwa wechinomwe paanenge oda kuridza hwamanda yake, chakavanzika chaMwari chichapedziswa, sezvaakazivisa varanda vake ivo vaprofita.”

[8] Ipapo inzwi randakanga ndanzwa richibva kudenga rakataurazve kwandiri richiti, “Enda, utore bhuku rakapetwa rakazarurwa muruoko rwomutumwa amire pagungwa napanyika.”

[9] Saka ndakaenda kumutumwa ndikamukumbira kuti andipe bhuku duku rakapetwa. Akati kwandiri, “Tora uridye. Richavavisa dumbu rako, asi mumuromo mako richatapira souchi.”

[10] Ndakatora bhuku duku rakapetwa kubva muruoko rwomutumwa ndikaridya. Raitapira sokutapira kunoita uchi mumukanwa mangu, asi ndakati ndaridya, mudumbu mangu makavava.

[11] Ipapo ndakaudzwa kuti, “Unofanira kuprofitazve pamusoro pavanhu vazhinji, ndudzi, ndimi namadzimambo.”

Zvakazarurwa — Chapters