[1] Jesu akapinda mugwa akayambuka ndokusvika kuguta rokwake.
[2] Vamwe varume vakauya nomunhu akanga akafa mitezo, avete pabonde. Jesu akati aona kutenda kwavo akati kumunhu uya akafa mitezo, “Tsunga mwoyo, mwana, zvivi zvako zvaregererwa.”
[3] Vachinzwa izvi, vamwe vadzidzisi vemirayiro vakati mumwoyo yavo, “Munhu uyu ari kumhura Mwari!”
[4] Achiziva pfungwa dzavo Jesu akati, “Sei muchifunga zvakaipa mumwoyo yenyu?
[5] Ndezvipi zvakareruka, kuti, ‘Zvivi zvako waregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe’?
[6] Asi kuti mugoziva kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Ipapo akati kumunhu uya akanga akafa mitezo, “Simuka, tora bonde rako uende kumba.”
[7] Uye murume uya akasimuka akaenda kumba kwake.
[8] Vanhu vazhinji pavakazviona, vakazadzwa nokutya uye vakarumbidza Mwari uyo akanga apa simba rakadai kuvanhu.
[9] Jesu akati achipfuurira mberi achibva ikoko, akaona mumwe murume ainzi Mateo agere pahofisi yomuteresi. Akati kwaari, “Nditevere,” uye Mateo akasimuka akamutevera.
[10] Jesu akati agere mumba maMateo vachidya kudya kwamanheru, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakadya naye navadzidzi vake.
[11] VaFarisi vakati vaona izvi, vakabvunza vadzidzi vake vachiti, “Sei mudzidzisi wenyu achidya navateresi navatadzi?”
[12] Achinzwa izvi, Jesu akati, “Vasingarwari havatsvagi chiremba, asi vanorwara.
[13] Asi endai munodzidza kuti izvi zvinorevei zvinoti, ‘Ndinoda ngoni, kwete chibayiro.’ Nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.”
[14] Vadzidzi vaJohani vakauya kuzomubvunza vachiti, “Ko, sei isu navaFarisi tichitsanya asi vadzidzi venyu vasingatsanyi.”
[15] Jesu akapindura achiti, “Zvingaitawo here kuti shamwari dzechikomba dzicheme iye achiinavo? Nguva ichasvika iyo chikomba chichabviswa kwavari, ipapo vachatsanya.
[16] “Hapana munhu anosonera chigamba chitsva panguo tsaru, nokuti chigamba chichabvarura nguo iya, buri racho richizobva ranyanya.
[17] Uye vanhu havangadiri waini itsva muhombodo tsaru. Kana vakadaro, hombodo dzichaputika, waini ichateuka uye hombodo dzichaparara. Kwete, vanodira waini itsva muhombodo itsva uye zvose zviri zviviri zvinochengetedzeka.”
[18] Akati achiri kutaura izvi, mumwe mutongi akauya akasvikomupfugamira uye akati, “Mwanasikana wangu afa izvozvi. Asi uyai muzoisa ruoko rwenyu paari agorarama.”
[19] Jesu akasimuka akaenda naye pamwe chete navadzidzi vake.
[20] Pakarepo mumwewo mudzimai aitambudzwa nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri akauya shure kwake akasvikobata mupendero wenguo yake.
[21] Akati nechomumwoyo, “Ndikangobata chete nguo yake, ndichaporeswa.”
[22] Jesu akatendeuka akamuona ndokubva ati kwaari, “Tsunga mwoyo mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa.” Mudzimai uyu akabva aporeswa pakarepo.
[23] Jesu akati apinda mumba momutongi uya, akawana varidzi venyere navazhinji vaiita mheremhere
[24] akati, “Budai panze. Mwanasikana uyu haana kufa asi avete.” Asi vakamuseka.
[25] Mushure mokunge vanhu vazhinji ava vabudiswa panze, akapinda akasvikobata mwanasikana uya ruoko achibva amuka.
[26] Nhau dzezvakaitika izvi, dzakapararira nedunhu rose.
[27] Jesu akati achibvapo, akateverwa navarume vaviri vakanga vari mapofu, vaishevedzera vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!”
[28] Akati apinda mumba, mapofu aya akauya kwaari, uye Jesu akavabvunza achiti, “Munotenda here kuti ndinogona kukuitirai izvi?” Vakapindura vakati, “Hongu, Ishe.”
[29] Ipapo akabata meso avo uye akati, “Maererano nokutenda kwenyu, ngazviitwe kwamuri.”
[30] Uye meso avo akabva asvinudzwa. Jesu akavayambira chaizvo achiti, “Onai kuti hapana achazviziva izvi.”
[31] Asi ivo vakaenda vakataura nezvake mudunhu rose iri.
[32] Vakati vachibuda, mumwe murume akanga ari mbeveve uye akabatwa nedhimoni akauyiswa kuna Jesu.
[33] Dhimoni rakati radzingwa, munhu uya akanga ari mbeveve akataura. Vanhu vazhinji vakashamiswa uye vakati, “Zvakadai hazvisati zvamboonekwa muIsraeri.”
[34] Asi vaFarisi vakati, “Anodzinga madhimoni nomukuru wamadhimoni.”
[35] Jesu akafamba nomumaguta ose nemisha yose, achidzidzisa mumasinagoge avo achiparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa zvirwere zvose nehosha dzose.
[36] Akati achiona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi nokuti vaishushwa uye vakanga vasina simba, vakaita samakwai asina mufudzi.
[37] Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Kukohwa kukuru asi vashandi vashoma.
[38] Naizvozvo kumbirai kuna Ishe wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.”