Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 5:55

[1] Ipapo Jesu akataura kuvanhu vazhinji nokuvadzidzi vake achiti,

[2] “Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vagere pachigaro chaMozisi.

[3] Saka munofanira kuvateerera muite zvinhu zvose zvavanokuudzai. Asi musaita zvavanoita, nokuti havaiti zvavanoparidza.

[4] Vanosunga mitoro inorema voitakudza pamafudzi avanhu, asi ivo pachavo havadi kusimudza munwe kuti vaibvise.

[5] “Vanoita zvinhu zvose kuti vaonekwe navanhu. Vanotambanudza mafirakiteri avo uye vanorebesa pfunha dzenguo dzavo.

[6] Vanoda zvigaro zvapamberi pamitambo nezvigaro zvapamusoro-soro mumasinagoge.

[7] Vanofarira kukwaziswa pamisika uye kuti vanzi ‘Rabhi’ navanhu.

[8] “Asi imi hamufaniri kunzi ‘Rabhi’ nokuti munongova naTenzi mumwe chete uye mose muri hama.

[9] Musadana ani zvake ari panyika muchiti, ‘Baba’ nokuti munongova naBaba vamwe chete uye vari kudenga.

[10] Uye musadaidzwa muchinzi ‘mudzidzisi’ nokuti muno Mudzidzisi mumwe chete iye Kristu.

[11] Mukuru pakati penyu ndiye achava muranda wenyu.

[12] Nokuti ani naani anozvikudza achaninipiswa uye ani naani anozvininipisa achakudzwa.

[13] “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopfigira vanhu umambo hwedenga vachizviona. Imi pachenyu hamupindi, uye vaya vanoedza kupinda hamuvatenderi.

[14] Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munoparadza dzimba dzechirikadzi, uye munoita minyengetero mirefu kuti muonekwe. Naizvozvo muchatongwa zvakaomesesa.

[15] “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, vanyengeri! Munofamba panyika napamakungwa kuti mutendeutse munhu mumwe chete. Kana atendeuka munomuita mwanakomana wegehena kakapetwa kaviri panemi.

[16] “Mune nhamo imi vatungamiri mapofu! Imi munoti, ‘Kana munhu akapika netemberi, hazvina hazvo mhosva, asi kana munhu akapika negoridhe romutemberi anosungwa nemhiko yake.’

[17] Imi mapenzi amapofu! Chikuru chii: Goridhe netemberi inoita kuti goridhe rive dzvene?

[18] Uyezve imi munoti, ‘Kana munhu upi zvake akapika nearitari hazvirevi chinhu, asi kana munhu upi zvake akapika nechipo chiri pairi, asungwa nemhiko yake.’

[19] Imi mapofu! Chikuru chii: Chipo kana kuti aritari inoita kuti chipo chive chitsvene?

[20] Naizvozvo, uyo anopika nearitari anopika nayo nezvose zviri pairi.

[21] Uye uyo anopika netemberi anopika nayo uye naiye anogara mairi.

[22] Uye uyo anopika nedenga anopika nechigaro choushe chaMwari uye naiye anogara pachiri.

[23] “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munopa chegumi chezvose zvinonhuhwira zvinoti: mindi, anisi nekumini. Asi munoshaya hanya nezvinhu zvinokosha zvomurayiro zvinoti: kururamisira, ngoni nokutendeka. Maifanira kuita izviwo musingakanganwi zvokutanga.

[24] Imi vatungamiri mapofu, munomimina nyunyu asi muchimedza ngamera.

[25] “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munosuka mikombe nendiro kunze asi mukati menyu muzere namakaro nokusazvidzora.

[26] Iwe bofu romuFarisi! Tanga wachenesa mukati momukombe nendiro, uye ipapo kunze kwazvo kuchachenawo.

[27] “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Makafanana namakuva akacheneswa kunze anoratidzika kuva akanaka kunze asi mukati muzere mapfupa avanhu vakafa nezvinhu zvose zvine tsvina.

[28] Nenzira imwe cheteyo, munoonekwa navanhu kunze semakarurama asi mukati menyu muzere nounyengeri uye nohuipi.

[29] “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munovaka makuva avaprofita nokushongedza makuva avakarurama.

[30] Uye moti, ‘Dai takanga tararama pamazuva amadzitateguru edu, tingadai tisina kubatsirana navo pakuteura ropa ravaprofita.’

[31] Saka muri kuzvipupurira pachenyu kuti muri zvizvarwa zvaivavo vakaponda vaprofita.

[32] Zvino chizadzisai chiyero chechivi chamadzitateguru enyu!

[33] “Imi nyoka! Imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutongwa kunokuendesai kugehena?

[34] Naizvozvo ndiri kukutumirai vaprofita navachenjeri navadzidzisi. Vamwe vavo muchavauraya uye muchavaroverera pamuchinjikwa; vamwe muchavarova mumasinagoge enyu uye muchavadzingirira kubva kune rimwe guta kusvikira kune rimwe guta.

[35] Uye nokudaro, ropa ravakarurama vose rakateurwa panyika richauya pamusoro penyu kubvira paropa raAbheri akanga akarurama kusvikira paropa raZekaria mwanakomana waBherekia uyo wamakauraya pakati petemberi nearitari.

[36] Ndinokuudzai chokwadi kuti zvose izvi zvichava pamusoro porudzi urwu.

[37] “Iwe Jerusarema, Jerusarema! Iwe unouraya vaprofita nokutaka namabwe avo vanotumirwa kwauri, kazhinji sei kandaidisa kuunganidza vana vako sezvinoita nhunzvi yehuku inounganidza hukwana dzayo pasi pamapapiro ayo.

[38] Tarira, wasiyirwa imba yako yangova dongo.

[39] Ndinokuudza kuti, hauchazondionizve kusvikira wati, ‘Akaropafadzwa anouya muzita raIshe.’ ”

Mateo — Chapters