[1] Jesu akataurazve kwavari nemifananidzo achiti,
[2] “Umambo hwokudenga hwakafanana namambo akagadzirira mwanakomana wake mutambo wesvitsa.
[3] Akatuma varanda vake kuna avo vainge vakakokwa kumutambo kuti vachiuya, asi vakaramba kuuya.
[4] “Ipapo akatumazve vamwe varanda achiti, ‘Taurirai vose vakakokwa kuti ndagadzirira mabiko: Ndabaya nzombe nemombe dzakakodzwa uye zvose zvagadzirirwa. Uyai kumutambo wesvitsa.’
[5] “Asi hapana akateerera uye vakaenda mumwe kumunda wake, mumwewo kune rimwe basa rake.
[6] Vamwe vavo vakabata varanda vake vakavaitira zvakaipa uye vakavauraya.
[7] Mambo akatsamwa kwazvo. Akatuma hondo yake kundoparadza vaurayi vaya uye akapisa guta ravo.
[8] “Ipapo akati kuvaranda vake, ‘Mutambo wesvitsa wagadzirirwa asi vaya vandakakoka vakanga vasingakodzeri kuti vauye.
[9] Endai kumharadzano dzenzira mundokoka kumutambo ani zvake wamuchawana.’
[10] Saka varanda vakaenda mumigwagwa vakandokokorodza vose vavakagona kuwana, vose vakanaka nevakaipa, uye imba yesvitsa ikazara navakanga vakokwa.
[11] “Asi mambo akati apinda kuzoona vakanga vakokwa, akaona munhu imomo akanga asina nguo yesvitsa.
[12] Akamubvunza akati, ‘Shamwari, wapinda seiko muno usina nguo yesvitsa?’ Munhu uya akashaya chokureva.
[13] “Ipapo mambo akaudza varanda vake akati, ‘Musungei maoko namakumbo mumukande panze, murima, umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno.’
[14] “Nokuti vazhinji vakakokwa asi vakasarudzwa vashoma.”
[15] Ipapo vaFarisi vakabuda vakandoronga kuti vamubate namashoko ake.
[16] Vakatuma vadzidzi vavo kwaari pamwe chete navaHerodhi. Vakati, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu akarurama uye kuti munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nechokwadi. Hamutsauswi navanhu nokuti hamutarisi kuti ndivanaani.
[17] Tiudzei zvino kuti imi, munoti kudini? Zvakanaka here kutera mutero kuna Kesari kana kuti hazvina?”
[18] Asi Jesu, achiziva kuipa kwavo, akati, “Imi vanyengeri munondiedzereiko?
[19] Ndiratidzei mari inoshandiswa pakutera mutero.” Vakamuvigira dhenari
[20] uye akavabvunza akati, “Ko, mufananidzo uyu ndowaani uye runyoro urwu ndorwaani?”
[21] Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.” Ipapo akati kwavari, “Ipai kuna Kesari zvaKesari, uye kuna Mwari zvaMwari.”
[22] Vakati vanzwa izvi, vakashamiswa. Saka vakamusiya vakaenda.
[23] Pazuva rimwe chetero vaSadhusi, avo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya kwaari nomubvunzo.
[24] Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatiudza kuti murume akafa asina vana mununʼuna wake anofanira kuwana chirikadzi agomuberekera vana.
[25] Zvino pakati pedu paiva navanakomana vomunhu mumwe vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi ndokubva iye afa, uye sezvo akanga asina vana, akasiyira mununʼuna wake mukadzi.
[26] Zvimwe chetezvo zvakaitika kuno wechipiri nowechitatu kusvikira kuno wechinomwe.
[27] Pakupedzisira mukadzi akazofawo.
[28] Zvino pakumuka kwavakafa, achava mukadzi waaniko pavanomwe vaya sezvo vose vaiva varume vake?”
[29] Jesu akavapindura akati, “Ndipo pamunorasika ipapo nokuti hamuzivi Magwaro kana simba raMwari.
[30] Pakumuka kwavakafa vanhu havawani kana kuwanikwa, vachange vakaita savatumwa kudenga.
[31] Asi pane zvokumuka kwavakafa, hamuna kuverenga here zvakarehwa naMwari kwamuri, achiti,
[32] ‘Ndini Mwari waAbhurahama naMwari waIsaka naMwari waJakobho’? Haasi Mwari wavakafa asi wavapenyu.”
[33] Vanhu vazhinji vakati vanzwa izvi, vakashamiswa nokudzidzisa kwake.
[34] Vanzwa kuti Jesu akanga akunda vaSadhusi, vaFarisi vakaungana pamwe chete.
[35] Mumwe wavo aiva nyanzvi pane zvemirayiro akamuedza nomubvunzo achiti,
[36] “Mudzidzisi, ndoupi murayiro mukuru muMurayiro?”
[37] Jesu akapindura akati, “ ‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose nokufunga kwako kwose.’
[38] Uyu ndiwo murayiro mukuru uye wokutanga.
[39] Wechipiri wakafanana nawo unoti, ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’
[40] Murayiro wose naVaprofita zvakabatanidzwa pamirayiro iyi miviri.”
[41] VaFarisi pavakanga vachakaungana pamwe chete, Jesu akavabvunza akati,
[42] “Munofungei nezvaKristu? Mwana waani?” Vakapindura vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi.”
[43] Akati kwavari, “Ko, zvino sei Dhavhidhi achitaura noMweya akamuti, ‘Ishe’? Nokuti anoti,
[44] “ ‘Ishe akati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rworudyi, kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.’
[45] Zvino kana Dhavhidhi achimuti, ‘Ishe’ angagova mwanakomana wake sei?”
[46] Hapana akagona kutaura shoko rimwe, uye kubva pazuva iroro zvichienda mberi hapana akazoshinga kumubvunza mimwezve mibvunzo.