[1] Akati aburuka kubva mugomo, vanhu vazhinji vakamutevera.
[2] Mumwe murume aiva namaperembudzi akauya akasvikopfugama paari akati, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.”
[3] Jesu akatambanudza ruoko rwake akabata murume uya akati, “Ndinoda. Chinatswa!” Pakarepo akabva aporeswa maperembudzi ake.
[4] Ipapo Jesu akati kwaari, “Ona kuti hapana waunotaurira uye ugopa chipo chakarayirwa naMozisi sechapupu kwavari.”
[5] Jesu akati apinda muKapenaume, mukuru wezana akauya kwaari achikumbira rubatsiro.
[6] Akasvikoti, “Ishe, muranda wangu arere kumba, akafa mitezo, uye ari kurwadziwa zvikuru.”
[7] Jesu akati kwaari, “Ndichauya kuzomuporesa.”
[8] Mukuru wezana akapindura akati, “Ishe, handina kukodzera kuti imi mupinde mumba mangu. Asi ingotaurai henyu shoko, uye muranda wangu achapora.
[9] Nokuti ini pachangu ndiri munhu anorayirwa, ndine varwi pasi pangu. Ndinoudza uyu kuti, ‘Enda,’ achienda; neuyo ndichimuti, ‘Uya,’ achiuya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita izvi,’ achizviita.”
[10] Jesu akati anzwa izvi, akashamiswa akati kuna avo vaimutevera, “Ndinokuudzai chokwadi, handisati ndaona munhu ane rutendo rwakadai muIsraeri.
[11] Ndinoti kwamuri, vazhinji vachabva kumabvazuva nokumadokero uye vachagara panzvimbo dzavo pamutambo pamwe chete naAbhurahama, Isaka naJakobho muumambo hwokudenga.
[12] Asi vadyi venhaka youshe vachakandwa kunze, kurima uko kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.”
[13] Ipapo Jesu akati kumukuru wezana, “Enda! Zvichaitika sokutenda kwawaita.” Muranda wake akabva apora panguva iyoyo.
[14] Jesu akati apinda mumba maPetro, akasvikowana mai vomukadzi waPetro varere vachirwara nefivha.
[15] Akabata ruoko rwavo fivha ndokubva yapera, uye vakasimuka ndokubva vatanga kumushandira.
[16] Ava madekwana, vazhinji vakanga vakabatwa namadhimoni vakauyiswa kwaari, uye akadzinga mweya iyoyo neshoko akaporesa vose vairwara.
[17] Izvi zvaizadzisa zvakanga zvataurwa kubudikidza nomuprofita Isaya zvichinzi: “Akatakura utera hwedu hwose uye akatakura zvirwere zvedu zvose.”
[18] Jesu akati aona vanhu vazhinji vakamukomberedza akarayira kuti vayambuke vaende kune rimwe divi regungwa.
[19] Ipapo mumwe mudzidzisi womurayiro akauya kwaari akati, “Mudzidzisi, ndichakuteverai kwose kwamunoenda.”
[20] Jesu akapindura achiti, “Makava ane mwena yawo, shiri dzina matendere adzo, asi Mwanakomana woMunhu haana paangatsamidza musoro wake.”
[21] Mumwewo mudzidzi akati, “Ishe chimboregai nditange ndambonoviga baba vangu.”
[22] Asi Jesu akati kwaari, “Nditevere, rega vakafa vavige vakafa vavo.”
[23] Ipapo akapinda muigwa uye vadzidzi vake vakamutevera.
[24] Pakarepo, dutu guru rakamuka pagungwa zvokuti mafungu egungwa akapfachukira pamusoro peigwa. Asi Jesu akanga avete.
[25] Vadzidzi vakaenda vakandomumutsa vachiti, “Ishe, tiponesei! Tava kunyura!”
[26] Akavapindura achiti, “Imi vorutendo ruduku, munotyireiko kudai?” Ipapo akasimuka akatsiura mhepo namafungu uye kukadzikama kwazvo.
[27] Varume ava vakashamiswa uye vakabvunza vachiti, “Munhu akaita seiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!”
[28] Akati asvika mhiri kunyika yavaGadhara, akasangana navarume vaviri vakanga vakabatwa namadhimoni. Varume ava vaiva nehasha zvokuti hapana munhu aigona kupfuura naikoko.
[29] Vakadanidzira vachiti, “Munodeiko kwatiri, Mwanakomana waMwari? Mauya kuzotirwadzisa here iyo nguva yakatarwa isati yasvika?”
[30] Nechokure navo, kwakanga kune boka guru renguruve rakanga richifura.
[31] Madhimoni akakumbirisa Jesu achiti, “Kana mukatidzinga, titumirei muboka renguruve.”
[32] Akati kwaari, “Endai!” Ipapo akabuda akandopinda munguruve, uye boka rose rakamhanya richidzika kumawere amahombekombe rikasvikowira mugungwa dzichibva dzafira mumvura.
[33] Vaya vakanga vachifudza nguruve vakamhanya vakandopinda muguta vakandotaura zvose izvi, kusanganisira nezvakanga zvaitika kuvarume vaya vakanga vane madhimoni.
[34] Ipapo guta rose rakabuda rikandosangana naJesu. Uye vakati vamuona, vakamukumbirisa kuti abve munyika yavo.