Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 5:33

[1] Ipapo vanyori navaFarisi vakauya kuna Jesu vachibva kuJerusarema uye vakamubvunza vachiti,

[2] “Sei vadzidzi venyu vachityora tsika dzavakuru? Havashambi maoko avo vasati vadya!”

[3] Jesu akavapindura achiti, “Ko, imi munotyorerei murayiro waMwari nokuda kwetsika dzenyu?

[4] Nokuti Mwari akati, ‘Kudza baba vako namai vako’ uye, ‘Ani naani anotuka baba kana mai vake anofanira kuurayiwa.’

[5] Asi imi munoti kana munhu akati kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munozogamuchira kubva kwandiri, chava chipo chakakumikidzwa kuna Mwari’,

[6] haachafaniri ‘kukudza baba vake’ nacho? Saizvozvo munoshayisa shoko raMwari simba nokuda kwetsika dzenyu.

[7] Imi vanyengeri! Isaya akaprofita kwazvo pamusoro penyu achiti:

[8] “ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni.

[9] Vanondinamata pasina; vachidzidzisa dzidziso nemirayiro yavanhu.’ ”

[10] Jesu akadana vanhu vazhinji kwaari akati, “Teererai, munzwisise.

[11] Icho chinopinda mumuromo momunhu ‘hachimusvibisi’, asi chinobuda mumuromo make ndicho ‘chinomusvibisa’.”

[12] Ipapo vadzidzi vakauya kwaari vakamubvunza vachiti, “Munoziva here kuti vaFarisi vagumburwa pavanzwa shoko iri?”

[13] Akapindura akati, “Muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vokudenga uchadzurwa.

[14] Vasiyei vakadaro, vatungamiriri vamapofu. Kana bofu rikatungamirira rimwe bofu, vose vachawira mugomba.”

[15] Petro akati, “Titsanangurirei mufananidzo uyu.”

[16] Jesu akavabvunza akati, “Nemiwo hamusati mava kunzwisisa?

[17] Hamuoniwo here kuti chose chinopinda mumuromo chinopinda mudumbu chichizobuda kunze!

[18] Asi zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumwoyo, izvozvi ndizvo zvinosvibisa munhu.

[19] Nokuti mumwoyo munobuda pfungwa dzakaipa, umhondi, upombwe, unzenza, umbavha, uchapupu hwenhema nokureva nhema pamusoro pavamwe vanhu.

[20] Izvi ndizvo ‘zvinosvibisa’ munhu, asi kudya asina kushamba maoko ‘hazvimusvibisi’.”

[21] Jesu akabvapo akaenda kudunhu reTire neSidhoni.

[22] Mumwe mukadzi muKenani womunzvimbo iyi akauya achidanidzira achiti, “Ishe, mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni! Mwanasikana wangu ari kutambudzwa zvikuru nedhimoni rakamubata.”

[23] Jesu haana chaakapindura. Ipapo vadzidzi vake vakauya kwaari vakasvikoti, “Mudzingei nokuti ari kuramba achidanidzira kwatiri.”

[24] Akati kwavari, “Ndakatumwa kumakwai akarasika eIsraeri chete.”

[25] Mukadzi uya akauya akasvikopfugama pamberi pake akati, “Ishe, ndibatsireiwo!”

[26] Akapindura akati, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana muchichikandira imbwa.”

[27] Mukadzi uya akati, “Hongu Ishe, kunyange nembwa dzinodyawo zvimedu zvinodonha kubva patafura yatenzi wadzo.”

[28] Ipapo Jesu akapindura akati, “Mai, mune kutenda kukuru! Chikumbiro chenyu chanzwikwa.” Mwanasikana wake akabva aporeswa kubva panguva iyoyo.

[29] Jesu akabvapo akatevedza gungwa reGarirea. Ipapo akakwira mugomo akagara pasi.

[30] Uye vanhu vazhinji vakauya kwaari navakaremara, mapofu, mhetamakumbo, mbeveve navamwe vazhinji, vakasvikovaisa patsoka dzake uye akavaporesa.

[31] Vanhu vakashamiswa kuona mbeveve dzichitaura, mhetamakumbo dzichitwasanudzwa, vakaremara vachifamba namapofu achiona. Vakarumbidza Mwari weIsraeri.

[32] Jesu akadana vadzidzi vake akati kwavari, “Ndiri kunzwa tsitsi pamusoro pavanhu ava; vanga vachingova neni kwamazuva matatu uye havachina chokudya. Handidi kuti ndivaendese vaine nzara nokuti vangaziya nenzara munzira.”

[33] Vadzidzi vake vakapindura vachiti, “Ndokupi kwatingawana chingwa chinokwana vanhu vose ava muno musango makadai?”

[34] Jesu akabvunza akati, “Mune zvingwa zvingani?” Ivo vakati, “Tine zvinomwe notuhove tushoma shoma.”

[35] Akarayira kuti vanhu vose vagare pasi.

[36] Ipapo akatora zvingwa zvinomwe zviya nehove dziya, akavonga, akazvimedura ndokuzvipa kuvadzidzi, ivowo ndokupa vanhu vose.

[37] Vose vakadya vakaguta. Mushure, vadzidzi vakanhongera zvimedu zvakanga zvasara zvikazadza matengu manomwe.

[38] Vanhu vakadya vaiva varume zviuru zvina, vakadzi navana vasingaverengerwi.

[39] Mushure mokunge Jesu aendesa vanhu vazhinji ava, akapinda mugwa ndokubva aenda kudunhu reMagadhani.

Mateo — Chapters