[1] Panguva iyoyo mambo Herodhi akanzwa nezvaJesu
[2] uye akati kuvaranda vake, “Uyu ndiJohani Mubhabhatidzi; amuka kubva kuvakafa! Ndokusaka masimba ezvishamiso achishanda maari.”
[3] Zvino Herodhi ainge abata Johani akamusunga achibva amuisa mutorongo nokuda kwaHerodhiasi mudzimai waFiripi, mununʼuna wake,
[4] sezvo Johani ainge ati kwaari, “Hautenderwi kutora mukadzi uyu.”
[5] Herodhi aida kuuraya Johani asi aitya vanhu nokuti vaimuona somuprofita.
[6] Asi zuva rokupemberera kuberekwa kwaHerodhi rakati rasvika, mwanasikana waHerodhiasi akatamba pamberi pavo uye zvikafadza Herodhi kwazvo,
[7] zvokuti akamuvimbisa nemhiko kuti aizomupa chipi nechipi chaaizokumbira.
[8] Arayirwa namai vake mwanasikana akati, “Ndipei pano musoro waJohani Mubhabhatidzi uri mundiro.”
[9] Mambo akasuwiswa nazvo, asi nokuda kwemhiko yake uye navaainge agere navo pakudya, akarayira kuti upiwe kwaari,
[10] ndokutuma vanhu kundogura musoro waJohani mutorongo.
[11] Uye musoro wake wakauyiwa nawo uri mundiro ukapiwa kumusikana, iye akaenda nawo kuna mai vake.
[12] Vadzidzi vaJohani vakauya vakatora mutumbi wake vakandouviga. Vakazoenda vakandoudza Jesu.
[13] Jesu paakanzwa zvakanga zvaitika, akabvapo negwa zvisingazivikanwi nevazhinji akaenda kurenje. Vachinzwa izvi, vanhu vazhinji vakamutevera netsoka vachibva kumaguta.
[14] Paakabuda mugwa, Jesu akaona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi uye akaporesa varwere vavo.
[15] Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati, “Tiri musango, uye kwava kusviba. Endesai vanhu ava, kuti vaende mumisha vandozvitengera zvokudya.”
[16] Jesu akapindura achiti, “Havafaniri kuenda. Imi vapei chavangadye.”
[17] Ivo vakapindura vakati, “Pano tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri.”
[18] Akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.”
[19] Uye akarayira kuti vanhu vagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zvishanu nehove dziya mbiri akatarira kudenga akavonga, akazviropafadza uye akazvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi, vadzidzi vakapa vanhu.
[20] Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakaunganidza zvimedu zvainge zvasara zvikazadza matengu gumi namaviri.
[21] Vanhu vakadya vaisvika varume zviuru zvishanu pasingaverengwi vakadzi navana.
[22] Pakarepo Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vapinde mugwa vafanotungamira kuenda kune rimwe divi, iye ndokusara achiendesa vanhu vazhinji ava.
[23] Mushure mokuendesa vanhu vazhinji ava, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera. Madekwana akasvika iye achingovako ari oga,
[24] asi igwa rakanga rava chinhambwe chikuru kwazvo kubva kunyika asi richitambudzwa namasaisai nokuti mhepo yairwisana naro.
[25] Panguva yechina yousiku Jesu akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa.
[26] Vadzidzi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa vakatya kwazvo. Vakaridza mhere nokutya vakati, “Hero dzangaradzimu!”
[27] Asi pakarepo Jesu akati kwavari, “Musatya, ndini!”
[28] Petro akapindura akati, “Ishe, kana murimi ndirayirei kuti ndiuye kwamuri ndichifamba pamusoro pemvura.”
[29] Iye akati, “Uya.” Ipapo Petro akabuda mugwa akafamba pamusoro pemvura akananga kuna Jesu.
[30] Asi akati achiona mhepo ine simba, akatya, ndokubva atanga kunyura, achibva adanidzira achiti, “Ishe, ndiponesei!”
[31] Pakarepo Jesu akatambanudza ruoko rwake akamubata, uye akati kwaari, “Iwe wokutenda kuduku, sei wakahadzika?”
[32] Uye pavakapinda mugwa, mhepo yakanyarara.
[33] Ipapo vaya vaiva mugwa vakamunamata vachiti, “Chokwadi muri Mwanakomana waMwari.”
[34] Kuzoti vayambukira mhiri, vakaburukira paGenesareti.
[35] Uye varume venzvimbo iyoyo vakati vamuziva, vakatumira shoko mudunhu rose rakapoteredza. Vanhu vakauya navarwere vavo vose kwaari
[36] vakamukumbira zvikuru kuti abvumire varwere kuti vangobata mupendero wenguo yake uye vose vakamubata vakaporeswa.