[1] Hamuzivi here, hama, nokuti ndiri kutaura kuvanhu vanoziva murayiro, kuti murayiro une simba pamusoro pomunhu panguva yose yaanenge ari mupenyu chete?
[2] Somuenzaniso, mukadzi akawanikwa akasungwa nomurayiro kumurume wake panguva yose iyo murume wake anenge ari mupenyu, asi kana murume wake afa, anosunungurwa kubva pamurayiro wewaniso.
[3] Saka zvino, kana akawanikwa nomumwe murume, murume wake achiri mupenyu, anonzi chifeve. Asi kana murume achinge afa, asunungurwa kubva pamurayiro, uye haazi chifeve, kunyange zvake akawanikwa nomumwe murume.
[4] Saka, hama dzangu, nemiwo makafa kumurayiro kubudikidza nomuviri waKristu, kuti muve vomumwe, kuna iye akamutswa kubva kuvakafa, kuitira kuti tigobereka chibereko kuna Mwari.
[5] Nokuti panguva yataitongwa nenyama, kuchiva kwechivi kwakamutswa nomurayiro kwaibata mumiviri yedu, kuti tibereke chibereko chorufu.
[6] Asi zvino, nokufa kune izvo zvakanga zvakatisunga, takasunungurwa kubva pamurayiro kuitira kuti tishumire nenzira itsva yoMweya, uye kwete nenzira yakanyorwa yekare.
[7] Zvino tichatiiko? Murayiro chivi here? Kwete! Zvirokwazvo ndingadai ndisina kuziva kuti chivi chii dai murayiro wakanga usipo. Nokuti ndingadai ndisina kuziva kuti kuchiva chii kudai murayiro usina kuti, “Usachiva.”
[8] Asi chivi, chakawana mukana kubudikidza nomurayiro, chakaita mandiri mitoo yose yokuchiva. Nokuti kunze kwomurayiro, chivi chakafa.
[9] Ndaiva mupenyu kare kunze kwomurayiro; asi pakauya mutemo, chivi chakava noupenyu uye ini ndikafa.
[10] Ndakaona kuti iwo mutemo waifanira kundipa upenyu, wakatozouyisa rufu.
[11] Nokuti chivi chichitora mukana wachakawaniswa nomutemo, chakandinyengera, uye kubudikidza nomutemo chikandiuraya.
[12] Saka naizvozvo, murayiro mutsvene, uye mutemo mutsvene, wakarurama uye wakanaka.
[13] Ko, zvino chakanaka chakazova rufu kwandiri here? Kwete napaduku pose! Asi kuti chivi chionekwe sechivi, chakabereka rufu kubudikidza nechakanaka, kuitira kuti kubudikidza nomutemo chivi chive chakaipa kwazvo.
[14] Tinoziva kuti murayiro ndowomweya; asi ini handisi woMweya, ndakatengeswa senhapwa kuchivi.
[15] Handinzwisisi zvandinoita. Nokuti zvandinoda kuita handizviiti, asi zvandinovenga ndizvo zvandinoita.
[16] Uye kana ndikaita zvandisingadi kuita, ndinobvuma kuti murayiro wakanaka.
[17] Saka zvino, handisiri ini ndinozviita, asi chivi chinorarama mandiri.
[18] Ndinoziva kuti hapana chakanaka chinogara mandiri, imo munyama yangu. Nokuti ndine chido chokuita zvakanaka, asi handigoni kuzviita.
[19] Nokuti zvandinoita hazvisi zvakanaka zvandinoda kuita, kwete, asi zvakaipa zvandisingadi kuita izvo ndizvo zvandinoramba ndichiita.
[20] Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, handisini ndinozviita, asi chivi chinogara mandiri ndicho chinozviita.
[21] Saka ndinoona murayiro uyu uchishanda: Kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo pandiri.
[22] Nokuti mukatikati mangu ndinofarira murayiro waMwari;
[23] asi ndinoona mumwe murayiro uchishanda mumitezo yomuviri wangu, uchirwisana nomurayiro wepfungwa dzangu uye uchindiita musungwa womurayiro wechivi uri kushanda mumitezo yangu.
[24] Ndiri munhu ari pakutambudzika kwakadii! Ndiani achandinunura kubva mumuviri uno worufu?
[25] Mwari ngaavongwe kubudikidza naJesu Kristu Ishe wedu! Saka naizvozvo, ini pachangu, mupfungwa dzangu, ndiri muranda kumurayiro waMwari, asi panyama muranda kumurayiro wechivi.