Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 3:53

[1] Mugamuchire uyo asina kusimba pakutenda kwake, musingamutongi kana kuita gakava naye pamusoro penyaya dzisingapindirani.

[2] Kutenda kwomumwe kunomutendera kudya zvose, asi mumwe munhu ano kutenda kusina kusimba, anodya muriwo bedzi.

[3] Munhu anodya zvose ngaarege kuzvidza asingadyi, uye munhu asingadyi zvose ngaarege kupa mhosva munhu anodya, nokuti Mwari akamugamuchira.

[4] Iwe ndiwe aniko unopa muranda womumwe mhosva? Iye anomira kana kuti anowa pamberi patenzi wake. Uye achamira, nokuti Ishe anokwanisa kuita kuti amire.

[5] Mumwe munhu anokoshesa rimwe zuva kupfuura rimwe: mumwe munhu anoti mazuva ose akafanana. Mumwe nomumwe ngaazvizivire kwazvo mumwoyo make.

[6] Uyo anokoshesa zuva rimwe, anozviitira Ishe. Uyo anodya nyama, anodya nokuda kwaShe, nokuti anovonga Mwari; uye naiye anorega kudya, anorega nokuda kwaShe, uye anovonga Mwari.

[7] Nokuti hakuna mumwe wedu anozviraramira pachake, uye hakuna mumwe wedu anozvifira iye pachake.

[8] Kana tichirarama, tinoraramira Ishe; uye kana tichifa tinofira Ishe. Saka, kana tichirarama kana kufa tiri vaShe.

[9] Nokuda kwaizvozvo, Kristu akafa uye akamuka kuti ave Ishe wavose vakafa navapenyu.

[10] Naizvozvo, iwe, unopireiko hama yako mhosva? Kana newewo unozvidzireiko hama yako? Nokuti tose tichamira pamberi pechigaro chokutonga chaMwari.

[11] “Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Zvirokwazo noupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaura Ishe, ‘ibvi rimwe nerimwe richapfugama pamberi pangu; rurimi rumwe norumwe ruchareurura kuna Mwari.’ ”

[12] Saka, naizvozvo mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.

[13] Naizvozvo ngatiregei kuramba tichipana mhosva. Asi munhu ngaarege kuisa chigumbuso kana chipinganidzo munzira yehama yake.

[14] Somunhu ari muna Ishe Jesu, ndinoziva kwazvo kuti hakuna chokudya chine tsvina. Asi kana mumwe munhu akati chakasvibiswa, naizvozvo hachina kuchena kwaari.

[15] Kana hama yako ichikanganiswa nokuda kwezvaunodya, iwe hauchafambi murudo. Usaparadza hama yako, iyo yakafirwa naKristu, nokuda kwezvokudya.

[16] Usatendera kuti zvaunoti zvakanaka zvinzi zvakaipa.

[17] Nokuti umambo hwaMwari hahuzi zvokudya kana zvokunwa, asi kururama norugare uye nomufaro muMweya Mutsvene,

[18] nokuti ani naani anoshumira Kristu nenzira iyi anofadza Mwari, uye anotendwa navanhu.

[19] Naizvozvo ngatishingairirei kutsvaga izvo zvinouyisa rugare uye zvatingasimbisana nazvo.

[20] Musaparadza basa raMwari nokuda kwezvokudya. Zvokudya zvose zvakachena, asi hazvina kunaka kuti munhu adye chinhu chipi zvacho chingagumbusa mumwe munhu.

[21] Zviri nani kusadya nyama kana kusanwa waini kana kusaita chimwe chinhu chinoita kuti hama yako iwe.

[22] Saka zvose zvaunotenda pamusoro pezvinhu izvi ngazvive pakati pako naMwari. Akaropafadzwa munhu asingazvipi mhosva pazvinhu zvaanotenda.

[23] Asi munhu anonyunyuta ava nemhosva kana akadya nokuti kudya kwake hakusi kwokutenda; uye zvinhu zvose zvisingabvi pakutenda chivi.

VaRoma — Chapters