[1] Hama, kuda kwomwoyo wangu nokunyengetera kwangu kuna Mwari pamusoro pavaIsraeri ndekwokuti vaponeswe.
[2] Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi kushingairira kwavo havakuiti nokuziva.
[3] Nokuti, sezvo vakanga vasingazivi kururama kunobva kuna Mwari uye vakatsvaka kumisa kururama kwavo pachavo, havana kuzviisa pasi pokururama kwaMwari.
[4] Nokuti Kristu ndiye mugumo womurayiro, kuitira kuti mumwe nomumwe anotenda aruramiswe.
[5] Mozisi anonyora pamusoro pokururama kwomurayiro, achiti, “Munhu anoita zvinhu izvi achararamiswa nazvo.”
[6] Asi kururama kunobva pakutenda kunoreva kudai, “Usati mumwoyo mako, ‘Ndianiko achakwira kudenga’ (ndiko kuburutsa Kristu)
[7] kana, kuti, ‘Ndianiko achaburukira kwakadzika?’ (ndiko, kubudisa Kristu kubva kuvakafa).”
[8] Asi iwo unoti chiiko? “Shoko riri pedyo newe, mumuromo mako uye nomumwoyo mako,” ndiro shoko rokutenda ratinoparidza:
[9] Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe” uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa.
[10] Nokuti unotenda nomwoyo wako ugoruramisirwa, uye unopupura nomuromo wako ugoponeswa.
[11] Sezvinorehwa noRugwaro ruchiti: “Ani naani anotenda kwaari haanganyadziswi.”
[12] Nokuti hapana musiyano pakati pomuJudha noweDzimwe Ndudzi, nokuti Ishe mumwe ndiye Ishe wavose uye anovaropafadza kwazvo vose vanodana kwaari,
[13] nokuti “Ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.”
[14] Zvino, vachagodana seiko kuna iye wavasina kutenda kwaari? Uye vangatenda sei kuna iye wavasina kumbonzwa? Vanganzwa seiko kana kusina anovaparidzira?
[15] Uye vangaparidza seiko kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko akanaka!”
[16] Asi havasi vaIsraeri vose vakagamuchira mashoko akanaka. Nokuti Isaya anoti, “Ishe, ndianiko akatenda zvatakaparidza?”
[17] Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu.
[18] Asi ndinobvunza kuti: Havana kunzwa here? Zvirokwazvo vakanzwa, nokuti: “Inzwi ravo rakasvika kunyika yose, namashoko avo kumigumo yenyika.”
[19] Ndinobvunzazve kuti: Israeri haina kunzwa here? Pakutanga Mozisi anoti, “Ndichamutsa godo renyu norudzi rusati rwuri rudzi; ndichamutsa kutsamwa kwenyu norudzi rusinganzwisisi.”
[20] Uye Isaya, asingatyi anoti, “Ndakawanikwa navasina kunditsvaka; ndakazviratidza kuna vaya vasina kunditsvaka.”
[21] Asi pamusoro peIsraeri anoti, “Zuva rose ndakatambanudza maoko angu kuvanhu vasingateereri, uye vanokakavara.”