[1] Ndinoreverera kwamuri hanzvadzi yedu Febhi, muranda wekereke iri paSeniseria.
[2] Ndinokukumbirai kuti mumugamuchire muna She sezvinofanira vatsvene uye mumubatsire pazvinhu zvose zvaangashayiwa, nokuti akabatsira zvikuru vanhu vazhinji, kusanganisira neniwo.
[3] Kwazisai Pirisira naAkwira, vanobata neni muna Kristu Jesu.
[4] Vakaisa upenyu hwavo panjodzi nokuda kwangu. Kwete ini ndoga asi kuti nekereke dzose dzavaHedheni dzinovatenda zvikuru.
[5] Kwazisaiwo kereke inosangana mumba mavo. Kwazisai Epenetasi mudikani wangu, ndiye akava chibereko changu chokutanga muna Kristu munyika yeEzhia.
[6] Kwazisai Maria, akakushandirai kwazvo.
[7] Kwazisai Adhironikasi naJuniasi, hama dzangu vakanga vari mutorongo pamwe chete neni. Vakakurumbira pakati pavapostori, uye vakanditangirawo kuva muna Kristu.
[8] Kwazisai Amupiratasi, uyo wandinoda muna She.
[9] Kwazisai Uribhanusi, anobata nesu muna Kristu, uye naSitakisi mudikani wangu.
[10] Kwazisai Aperesi, akaedzwa uye akaonekwa akakwana muna Kristu. Kwazisai vemhuri yokwaAristobhurusi.
[11] Kwazisai Herodhioni, hama yangu. Kwazisai vari mumhuri yokwaNakisasi vari muna She.
[12] Kwazisai Tirifena naTirifosa, vakadzi vanobata nesimba muna She. Kwazisai mudikani wangu wepamwoyo Perisisi, mumwe mukadzi anobata nesimba muna She.
[13] Kwazisai Rufusi, akasanangurwa muna She uye namai vake, vakanga vari mai vanguwo.
[14] Kwazisai Asingiritasi, naFeregoni, naHerimesi, naPatirobhasi, naHerimasi, uye nehama dzavanadzo.
[15] Kwazisai Firorogasi naJuria, naNerea nehanzvadzi yake naOrimbasi uye navatsvene vose vavanavo.
[16] Kwazisanai nokutsvodana kutsvene. Kereke dzose dzaKristu dzinokukwazisai.
[17] Ndinokukumbirai zvikuru, hama dzangu, kuti muchenjerere vaya vanopesanisa uye vanoisa zvigumbuso pamberi penyu vanopikisana nedzidziso yamakadzidza imi. Muve kure navo.
[18] Nokuti vanhu vakadaro havasi kushumira Ishe wedu Kristu, asi dumbu ravo. Nokutaura kwakanaka uye nokubata kumeso, vanonyengera vanhu vane pfungwa dzisina uchenjeri.
[19] Vanhu vakanzwa zvokuteerera kwenyu, naizvozvo ndine mufaro mukuru pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera pane zvakanaka, uye muve vasina chavanopomerwa pane zvakaipa.
[20] Mwari worugare achakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaIshe wedu Jesu ngadzive nemi.
[21] Timoti, anobata neni, anokukwazisai, sezvinoita Rusiasi naJasoni naSosipata, hama dzangu.
[22] Ini Teritiasi, ndanyora tsamba iyi ndinokukwazisai muna She.
[23] Gayasi, uyo akandigamuchira ini nekereke yose iri kuno, anokukwazisai. Erastasi mubati wehomwe yemari yeguta nehama yedu Kwatosi vanokukwazisai.
[24] Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose. Ameni.
[25] Zvino kuna iye anogona kukusimbisai nevhangeri rangu, uye nokuparidzwa kwaJesu Kristu, maererano nokuzarurwa kwechakanga chakavanzika kwamakore namakore akapfuura,
[26] asi zvino chakaratidzwa uye chikaziviswa kubudikidza nezvinyorwa zvavaprofita nokurayira kwaMwari anogara nokusingaperi, kuti ndudzi dzose dzigomuteerera uye dzimutende,
[27] kuna iye oga Mwari akachenjera ngakuve nokubwinya nokusingaperi kubudikidza naJesu Kristu. Ameni.