Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 3:03

[1] Munhu wose anofanira kuzviisa pasi pavatungamiri venyika, nokuti hakuna simba risina kubva kuna Mwari. Vane simba rokutonga vakaiswapo naMwari.

[2] Saka naizvozvo, anoramba kuteerera vari kutonga, ari kumukira zvakaiswapo naMwari, uye vanoita izvi vanozvitsvagira kutongwa.

[3] Nokuti vatongi havatyisi vaya vanoita zvakanaka, asi vanotyisa vaya vanoita zvakaipa. Unoda kusunungurwa here kuti usatya ane simba rokutonga? Ipapo ita zvakanaka uye achakurumbidza.

[4] Nokuti iye muranda waMwari anofanira kuti akuitire zvakanaka. Asi kana ukaita zvakaipa, itya, nokuti iye haabati munondo pasina. Nokuti iye ndiye muranda waMwari, mutumwa wokutsamwa, anoranga vaiti vezvakaipa.

[5] Naizvozvo, zvinokosha kuzviisa pasi pavabati, kwete nokuti tinotya kurangwa chete, asi nokuda kwehanawo.

[6] Ndokusaka muchiripawo mitero, nokuti vabati varanda vaMwari, vanopa nguva yavo yose pakutonga.

[7] Ripirai vose vamunofanira kuripira: Kana uri mutero, ripai mutero; kana iri miripo, ngairipwe, kana kuri kutya, kuna vanofanira kutyiwa, kana rwuri rukudzo, kuna vanofanira kukudzwa.

[8] Musava nechikwereti kumunhu, kunze kwechikwereti chorudo mumwe kuno mumwe, nokuti anoda mumwe azadzisa murayiro.

[9] Nokuti mirayiro inoti, “Usaita upombwe,” “Usauraya,” “Usaba”, “Usachiva,” uye kana mumwe murayiro upi noupi zvawo ungavako, zvakaunganidzwa pamutemo unoti, “Ida muvakidzani wako sezvaunozvida iwe.”

[10] Rudo haruitiri muvakidzani zvakaipa. Naizvozvo rudo runozadzisa murayiro.

[11] Uye itai izvi, muchinzwisisa nguva ino. Nguva yasvika zvino yokuti mupepuke kubva kuhope, nokuti ruponeso rwedu rwava pedyo zvino kupfuura zuva ratakatanga kutenda.

[12] Usiku hwava kutopfuura; kwava kutoedza. Saka ngatirasei mabasa edu erima uye tipfeke nhumbi dzokurwa dzechiedza.

[13] Ngatiraramei zvakafanira mararamiro apamasikati, tisingaiti kutamba kwakaipa uye nokudhakwa, kana upombwe, kana utere, kana gakava kana godo.

[14] Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, uye musatsvaka kufadza nyama pakuchiva kwayo.

VaRoma — Chapters