Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 6:56

[1] Nerimwe ramazuva paakanga achidzidzisa vanhu mutemberi uye achiparidza vhangeri, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, pamwe chete navakuru, vakasvika kwaari.

[2] Vakati kwaari, “Tiudzei kuti munoita zvinhu izvi nesimba ripi? Ndiani akakupai simba iri?”

[3] Akapindura akati, “Neniwo ndichakubvunzai mubvunzo. Ndiudzei,

[4] ‘Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabva kudenga here kana kuti kuvanhu?’ ”

[5] Vakataurirana pakati pavo vakati, “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga,’ iye achati, ‘Seiko musina kumutenda?’

[6] Asi kana tikati, ‘Rwakabva kuvanhu,’ vanhu vose vachatitaka namabwe, nokuti vanotenda kuti Johani akanga ari muprofita.”

[7] Saka ivo vakazoti, “Hatizivi kuti rwakabvepi.”

[8] Jesu akati, “Neniwo handichakuudzai simba randinoita naro zvinhu izvi.”

[9] Akaenderera mberi akaudza vanhu mufananidzo uyu akati, Mumwe murume akadyara munda wake wemizambiringa, akaupa kuna vamwe varimi kwechinguva achibva aenda kure kune imwe nyika kwenguva refu.

[10] Panguva yokukohwa, akatuma muranda kuvarimi kuti vamupe zvimwe zvezvibereko zvemizambiringa. Asi varimi vakamurova vakamuendesa asina chinhu.

[11] Akatumazve mumwe muranda, asi naiyewo vakamurova uye vakamuitira zvinonyadzisa ndokumudzosazve asina chinhu.

[12] Akatumazve mumwe wechitatu, uyu vakamukuvadza ndokumukanda kunze.

[13] “Ipapo muridzi womunda wemizambiringa akati, ‘Ndichaita seiko? Ndichatuma mwanakomana wangu, iye wandinoda; zvimwe vachamuremekedza.’

[14] “Asi varimi vakati vachimuona, vakataurirana pachavo vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Ngatimuurayei nhaka igova yedu.’

[15] Saka vakamubudisa mumunda wemizambiringa ndokubva vamuuraya. “Zvino muridzi womunda womuzambiringa achaitei kwavari?

[16] Achauya agouraya varimi avo agopa vamwe varimi munda womuzambiringa.” Vanhu vakati vanzwa izvozvo, vakati, “Dai zvakadai zvikasatomboitika!”

[17] Jesu akavatarisisa uye akavabvunza akati, “Zvino zvakanyorwa zvinoreveiko zvinoti: “ ‘Ibwe rakarambwa navavaki ndiro razova musoro wekona’?

[18] Mumwe nomumwe anowira padombo iroro achavhunika-vhunika asi uyo warinowira achapwanyiwa.”

[19] Vadzidzisi vomurayiro navaprista vakuru vakatsvaka nzira yokumusunga pakarepo, nokuti vaiziva kuti akanga ataura mufananidzo uyu pamusoro pavo. Asi vakanga vachitya vanhu.

[20] Vakaramba vachimucherechedza, vakatuma vasori, vakanga vachinyepedzera kuva vakatendeka. Vakanga vane tariro yokuti vamubate iye Jesu pachinhu chaanenge ataura kuitira kuti vagomuisa kusimba noutongi hwomubati.

[21] Saka vasori vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura uye munodzidzisa zvakarurama, uye kuti hamusi mutsauri wavanhu asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nezvokwadi.

[22] Ko, zvakanaka here kuti tiripe mutero kuna Kesari kana kuti kwete?”

[23] Akaona kunyengera kwavo akati kwavari,

[24] “Ndiratidzei dhenari. Ko, mufananidzo norunyoro zviripo ndezvani?”

[25] Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.” Iye akati kwavari, “Ipai Kesari zvaKesari uye mugopa Mwari zvaMwari.”

[26] Vakanga vasingagoni kumuteya nezvaakanga ataura ipapo pane vanhu. Vakashamiswa nokupindura kwake, vakanyarara.

[27] Vamwe vaSadhusi, vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya nomubvunzo kuna Jesu.

[28] Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa akasiya mukadzi asina vana, murume anofanira kuwana chirikadzi iyo amutsire mukoma wake vana.

[29] Zvino pakanga pane vanakomana vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi, akafa asina mwana.

[30] Wechipiri akamuwana uye akafa asina mwana.

[31] Uye wechitatu akamuwana, uye nenzira imwe cheteyo, vose vari vanomwe vakafa, vachisiya pasina vana.

[32] Pakupedzisira, mukadzi akafawo.

[33] Zvino mukadzi uyu achava waaniko pakumuka kwavakafa sezvo akanga ari mukadzi kwavari vose vari vanomwe?”

[34] Jesu akapindura akati, “Vanhu venyika ino vanowana nokuwanikwa.

[35] Asi vaya vanoonekwa kuti vakakodzera kurarama munyika iyo nomukumuka kwavakafa, havazowani kana kuwanikwa,

[36] uye havazofizve; nokuti vafanana navatumwa. Vana vaMwari, sezvo vari vana vokumuka kwavakafa.

[37] Asi panhoroondo yegwenzi, kunyange naMozisi akaratidza kuti vakafa vanomutswa, nokuti anoti, Ishe ndiye ‘Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, uye naMwari waJakobho.’

[38] Haasi Mwari wavakafa, asi wavapenyu, nokuti kwaari vose vapenyu.”

[39] Vamwe vadzidzisi vomurayiro vakati, “Mataura zvakanaka, mudzidzisi!”

[40] Uye hakuna akazoda kumubvunzazve mimwe mibvunzo.

[41] Ipapo Jesu akati kwavari, “Seiko vachiti Kristu Mwanakomana waDhavhidhi?

[42] Dhavhidhi pachake anotaura mubhuku raMapisarema achiti: “ ‘Ishe akati kuna She wangu: Gara kuruoko rwangu rworudyi

[43] kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.’

[44] Dhavhidhi anomuti, ‘Ishe.’ Anogova mwanakomana wake seiko?”

[45] Vanhu vose vachakateerera, Jesu akati kuvadzidzi vake,

[46] “Chenjererai vadzidzisi vomurayiro. Vanoda kufamba-famba vakapfeka nguo refu, uye vachifarira kukwaziswa pamisika, nokuva nezvigaro zvapamusoro-soro mumasinagoge uye nenzvimbo dzinokudzwa pamabiko.

[47] Vanoparadza dzimba dzechirikadzi uye vanoita minyengetero mirefu, kuti vaonekwe. Vanhu vakadai vacharangwa zvakaomarara kwazvo.”

Ruka — Chapters