Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 8:54

[1] Zvichakadaro, zviuru nezviuru zvakati zvaungana, zvokuti vakanga vava kutsikirirana, Jesu akatanga kutaura kuvadzidzi vake achiti, “Chenjererai mbiriso yavaFarisi, kunyengera.

[2] Hakuna chinhu chakavanzika chisingazobudiswi pachena, kana chakavigwa chisingazozivikanwi.

[3] Zvamakataura murima zvichanzwika masikati machena, uye zvamakazevezera munzeve mudzimba dzomukati zvichadanidzirwa pamusoro pamatenga edzimba.

[4] “Ndinokuudzai, shamwari dzangu, musatya vaya vanouraya muviri mushure mezvo vasingazogoni kuita chimwe chinhu.

[5] Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Ityai uyo, anoti mushure mokunge auraya muviri, ane simbawo rokuukanda mugehena. Hongu, ndinoti, mutye iyeye.

[6] Ko, shiri shanu duku hadzitengeswi namasendi maviri here? Asi hakuna imwe yadzo inokanganwiwa naMwari.

[7] Zvirokwazvo, bvudzi chairo romumusoro menyu rakaverengwa. Musatya, imi munopfuura shiri duku zhinji.

[8] “Ndinokuudzai kuti, ani naani anondipupura pamberi pavanhu, Mwanakomana woMunhu achamupupurawo pamberi pavatumwa vaMwari.

[9] Asi uyo anondiramba pamberi pavanhu acharambwawo pamberi pavatumwa vaMwari.

[10] Uye mumwe nomumwe anotaura shoko rakaipa pamusoro poMwanakomana woMunhu, acharegererwa, asi ani naani anomhura Mweya Mutsvene haazombokanganwirwi.

[11] “Mukange mamiswa pamberi pesinagoge, vatongi navane simba, musafunganya pamusoro pokuti muchapindura sei kana kuti muchazvidzivirira sei,

[12] nokuti panguva iyoyo Mweya Mutsvene achakudzidzisai zvamunofanira kutaura.”

[13] Mumwe pakati pavazhinji akati kwaari, “Mudzidzisi, udzai mukoma wangu kuti agovane nhaka neni.”

[14] Jesu akapindura akati, “Iwe murume, ndianiko akandigadza kuti ndive mutongi kana mugoveri pakati penyu?”

[15] Ipapo akati kwavari, “Chenjerai! Muchenjerere marudzi ose okuchiva; upenyu hwomunhu hahuzi pazvizhinji zhinji zvaanazvo.”

[16] Uye akavaudza mufananidzo uyu akati, “Ivhu romumwe mupfumi rakabereka zvibereko zvakanaka.

[17] Akafunga mumwoyo make akati, ‘Ndichaita seiko? Handina nzvimbo yokuchengetera zviyo zvangu.’

[18] “Ipapo akati, ‘Hezvino zvandichaita. Ndichaputsa matura angu ndigovaka makuru, uye imomo ndimo mandichaunganidza zviyo zvangu nezvinhu zvangu.

[19] Uye ndichati kumweya wangu, “Iwe une zvinhu zvakawanda zvakanaka zvawakaunganidzirwa makore mazhinji. Zorora, udye, unwe uye ufare.” ’

[20] “Asi Mwari akati kwaari, ‘Iwe benzi, usiku huno chaihwo upenyu hwako huchatorwa kubva kwauri. Zvino ndianiko achatora zvawanga wazvigadzirira?’

[21] “Ndizvo zvichaitika kuna ani zvake anozviunganidzira pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.”

[22] Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Naizvozvo ndinoti kwamuri, musafunganya pamusoro poupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei.

[23] Upenyu hunopfuura zvokudya, uye muviri unopfuura zvokufuka.

[24] Fungai nezvamakunguo nokuti haadyari kana kucheka, haana tsapi kana dura, asi Mwari anoapa zvokudya. Uye imi munopfuura shiri sei!

[25] Ndianiko kwamuri angawedzera awa imwe chete kuupenyu hwake nokufunganya?

[26] Sezvo musingagoni kuita chinhu chiduku ichi, seiko muchifunganya pamusoro pezvimwe?

[27] “Fungai maruva kuti anomera sei. Haabati kana kuruka, asi ndinoti kwamuri, kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kwose haana kuzvipfekedza serimwe raaya.

[28] Kana ariwo mashongedzero anoita Mwari uswa hwesango, huripo nhasi, uye mangwana huchikandwa mumoto, achakupfekedzai zvikuru sei, imi vokutenda kuduku!

[29] Musaisa mwoyo yenyu pane zvamuchadya kana kunwa; musafunganya pamusoro pazvo.

[30] Nokuti vedzimwe ndudzi vanomhanyira zvinhu zvose zvakadaro, uye Baba venyu vanoziva kuti munoshayiwa izvozvo.

[31] Asi tsvakai umambo hwavo, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri.

[32] “Musatya henyu, imi kaboka kaduku, nokuti Baba venyu vakafadzwa nokukupai umambo.

[33] Tengesai zvamunazvo mugopa varombo. Zviitirei zvikwama zvisingasakari, nepfuma isingaperi kudenga, kusina mbavha inoswedera pedyo uye kusina zvipfukuto zvinoparadza.

[34] Nokuti pane pfuma yako, ndipo pachava nomwoyo wakowo.

[35] “Zvishongedzei mugadzirire kushanda uye mwenje yenyu igare ichipfuta,

[36] savanhu vakarindira kudzoka kwatenzi wavo kubva kumuchato, kuitira kuti paanouya akagogodza, vagone kukurumidza kumuzarurira mukova.

[37] Zvichava zvakanaka kuvaranda avo vachawanikwa natenzi wavo vakarindira paanodzoka. Ndinokuudzai chokwadi kuti achazvishongedza iye pachake kuti ashande, achaita kuti vagare patafura agouya avashandire.

[38] Zvichava zvakanaka kuvaranda avo vachawanikwa natenzi wavo vakagadzirira, kunyange dai akauya nenguva yokurindira yechipiri kana yechitatu yousiku.

[39] Asi nzwisisai izvi: kuti dai mwene weimba aiziva nguva inosvika mbavha, haaizotendera kuti imba yake ipazwe.

[40] Nemiwo munofanira kugara makazvigadzirira, nokuti Mwanakomana woMunhu achauya nenguva yamusingamutarisiri.”

[41] Petro akati, “Ishe, munotaura mufananidzo uyu kwatiri here kana kuna vose?”

[42] Ishe akapindura akati, “Ndoupiko mutariri akachenjera, uye akatendeka, anoiswa natenzi wake pamusoro pavashandi kuti avape mugove wezvokudya zvavo nenguva yakafanira?

[43] Zvichava zvakanaka kumuranda uyo achawanikwa natenzi wake achiita izvozvo paanodzoka.

[44] Ndinokuudzai chokwadi, kuti, achamugadza kuti ave mutariri wepfuma yake yose.

[45] Asi ngatimboti muranda oti mumwoyo make, ‘Tenzi wangu anonoka kuuya,’ ipapo obva atanga kurova varandarume navarandakadzi, agotanga kudya nokunwa uye agodhakwa.

[46] Tenzi womuranda uyo achauya pazuva raasingamutarisiri uye nenguva yaasingazivi. Achamubvambura-bvambura, agomuisa panzvimbo yavasingatendi.

[47] “Muranda uyo anoziva kuda kwatenzi wake uye asingagadziriri kana kuita zvinodiwa natenzi wake acharohwa shamhu zhinji.

[48] Asi munhu anenge asingazivi uye akaita zvinhu zvakafanira kurohwa, acharohwa shamhu shoma. Ani naani akapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; uye kuno uya akapiwa zvizhinji, zvizhinji kwazvo zvicharehwawo kubva kwaari.

[49] “Ndakauya kuzobatidza moto panyika, uye ndinoshuva sei kuti dai wakabatidzwa kare!

[50] Asi ndino rubhabhatidzo rwandichapinda marwuri, uye ndinoshungurudzwa sei kusvikira ruchiitika!

[51] Munofunga kuti ndakauya kuzoisa rugare panyika here? Ndinoti kwamuri kwete, asi kuzopesanisa.

[52] Kubva zvino vanhu vashanu mumhuri imwe vachapesana, vatatu vachirwa navaviri uye vaviri vachirwa navatatu.

[53] Vachaparadzana, baba vachirwa nomwanakomana uye mwanakomana achipesana nababa, mai vachipesana nomuroora, muroora achipesana navamwene.”

[54] Akati kuvanhu vazhinji, “Pamunoona gore richikwira kumavirira, pakarepo munoti, ‘Kuchanaya,’ zvigoita saizvozvo.

[55] Uye kana mhepo yezasi ichivhuvhuta, imi munoti, ‘Kuchapisa,’ zvoita saizvozvo.

[56] Vanyengeri! Munoziva kududzira zvamunoona zvenyika nezvedenga. Munotadza sei kududzira nguva ino?

[57] “Munoregereiko kuzvitongera zvakarurama?

[58] Paunoenda nomudzivisi wako kumutongi wedzimhosva, edza zvakanyanya kuti muyanane muchiri munzira, kuti arege kukukwekweredzera kumutongi, uye mutongi agokuisa kumupurisa, mupurisa agokuisa mujeri.

[59] Ndinoti kwauri, haungabudimo usati waripa sendi rokupedzisira.”

Ruka — Chapters