[1] Jesu akapinda muJeriko uye akanga achipfuura nomo.
[2] Maiva nomurume ainzi Zakeo; akanga ari mukuru wavateresi uye akanga akapfuma kwazvo.
[3] Akauya achida kuona Jesu kuti ndiani, asi nokuda kwokuti akanga ari munhu mupfupi, akatadza kuona nokuda kwavanhu vazhinji.
[4] Nokudaro akamhanyira mberi akandokwira mumuti womuonde kuti amuone, sezvo Jesu akanga achienda naipapo.
[5] Jesu akati asvika panzvimbo iyoyo, akatarisa kumusoro ndokuti kwaari, “Zakeo, buruka nokukurumidza. Ndinofanira kunogara mumba mako nhasi.”
[6] Saka akakurumidza kuburuka akamugamuchira nomufaro.
[7] Vanhu vose vakaona izvi vakatanga kugununʼuna vachiti, “Aenda kunova mueni wo‘mutadzi.’ ”
[8] Asi Zakeo akasimuka akamira pamberi paShe akati, “Tarirai, Ishe! Pano, uye iye zvino, ndinopa hafu yepfuma yangu kuvarombo, uye kana ndakanyengera ani zvake pachinhu chipi zvacho, ndichadzosera zvava zvina.”
[9] Jesu akati kwaari, “Nhasi ruponeso rwasvika mumba muno, nokuti murume uyu mwanakomanawo waAbhurahama.
[10] Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.”
[11] Pavakanga vachiri kuteerera izvozvo, akaenderera mberi achivaudza mufananidzo, nokuti akanga ava pedyo neJerusarema uye vanhu vakafunga kuti umambo hwaMwari hwaizokurumidza kuonekwa pakarepo.
[12] Akati, “Mumwe murume weimba huru, akaenda kunyika iri kure kuti andogadzwa kuti ave mambo uye agodzoka.
[13] Saka akadana varanda vake gumi akavapa zviuru gumi zvamadhora. Akati, ‘Shandisai mari iyi kusvikira ndadzoka.’
[14] “Asi varanda vake vaimuvenga vakatuma nhume dzikamutevera kuti dzinoti, ‘Munhu uyu hatidi kuti ave mambo wedu.’
[15] “Akandogadzwa kuti ave mambo, kunyange zvakadaro, akadzoka kumusha. Ipapo akatuma shoko kuvaranda vaakanga apa mari, achida kuziva zvavakanga vawana nayo.
[16] “Wokutanga akasvika akati, ‘Ishe chiuru chenyu chamadhora chakabereka zvimwe zviuru gumi.’
[17] “Tenzi wake akati, ‘Zvakanaka, muranda wangu akanaka! Nokuti wanga wakatendeka pazvinhu zviduku duku, uchatonga pamusoro pamaguta gumi.’
[18] “Wechipiri akasvika akati, ‘Ishe, chiuru chenyu chamadhora chakabereka zvimwe zviuru zvishanu.’
[19] “Tenzi wake akapindura akati, ‘Iwe uchatonga pamusoro pamaguta mashanu.’
[20] “Ipapo mumwe muranda akasvika akati, ‘Ishe, hechino chiuru chenyu chamadhora; ndakachichengeta ndakachisungirira mumucheka.
[21] Ndakanga ndichikutyai, nokuti muri munhu ane mwoyo wakaoma. Munotora zvamusina kuisapo nokukohwa zvamusina kudyara.’
[22] “Tenzi wake akapindura akati, ‘Ndichakutonga namashoko ako pachako, iwe muranda akaipa! Waiziva kuti ndiri munhu ane mwoyo wakaoma, ndinotora zvandisina kuisapo, nokukohwa zvandisina kudyara?
[23] Seiko zvino usina kuisa mari yangu mubhangi, kuitira kuti pakudzoka kwangu ndizoitora yawanda?’
[24] “Ipapo akati kuna avo vakanga vamire pedyo, ‘Mutorerei chiuru chake chamadhora muchipe kuno uyo ane zviuru gumi.’
[25] “Vakati, ‘Ishe anotova nezviuru gumi zvamadhora nechakare!’
[26] “Iye akapindura akati, ‘Ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anazvo, achapiwa zvimwe, asi uyo asina, achatorerwa kunyange nechaanacho.
[27] Asi vaya vavengi vangu vakanga vasingadi kuti ndive mambo wavo, uyai navo pano muvauraye pamberi pangu.’ ”
[28] Shure kwokunge Jesu ataura izvi, akapfuurira mberi, akakwidza kuJerusarema.
[29] Akati asvika kuBhetifage neBhetania paGomo reMiorivhi, akatuma vadzidzi vake vaviri achiti,
[30] “Endai kumusha wakatarisana nemi, uye pamunongopindamo, muchawana mwana wembongoro asina kumbotasvwa nomunhu akasungirirwamo. Muisunungure mugouya nayo pano.
[31] Kana pane munhu anokubvunzai achiti, ‘Seiko muchiisunungura?’ muvaudze kuti, ‘Ishe anoida.’ ”
[32] Vaya vakanga vatumwa mberi vakaenda vakandowana zvakaita sezvaakanga avaudza chaizvo.
[33] Pavakanga vachisunungura mwana wembongoro uyu, muridzi wacho akavabvunza akati, “Seiko muchisunungura mwana wembongoro uyu?”
[34] Ivo vakamupindura vakati, “Ishe anoida.”
[35] Vakauya nayo kuna Jesu, vakaisa nguo dzavo pamusoro pomwana wembongoro ndokubva vakwidza Jesu pairi.
[36] Paakanga achifamba, vanhu vakawaridzira nguo dzavo mumigwagwa.
[37] Akati asvika pedyo nenzvimbo ine nzira yaitenukira paGomo reMiorivhi, vazhinji vose vavadzidzi vakatanga kupembera vachirumbidza Mwari namanzwi makuru nokuda kwezviratidzo zvose zvavakanga vaona, vachiti:
[38] “Akaropafadzwa mambo anouya muzita raShe!” “Rugare ngaruve kudenga, nokubwinya kumusoro-soro!”
[39] Vamwe vaFarisi vakanga vari pakati pavanhu vazhinji vakati kuna Jesu, “Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu!”
[40] Akapindura akati, “Ndinokuudzai kuti, kana vakanyarara, matombo achadanidzira.”
[41] Akati aswedera kuJerusarema uye achiona guta, akachema pamusoro paro
[42] akati, “Dai iwe, kunyange iyewe, waiziva chete pazuva rino zvinhu zvaizokupa rugare, asi zvino zvakavanzwa pameso ako.
[43] Mazuva achasvika pamusoro pako ayo vavengi vako vachakuvakira muchinjiziri vagokukomberedza uye vagokumanikidza kumativi ose.
[44] Vachakupwanyira pasi, iwe navana vari mukati mamasvingo ako. Havazongosiyi ibwe pamusoro perimwe nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako naMwari.”
[45] Ipapo akapinda mutemberi akatanga kudzinga vaya vakanga vachitengesa.
[46] Akati kwavari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichava yokunyengeterera’, asi mava kuiita ‘bako ramakororo.’ ”
[47] Aidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutemberi. Asi vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro uye navatungamiri pakati pavanhu vakanga vachiedza kumuuraya.
[48] Asi vakanga vasingawani nzira yokuita izvozvo, nokuti vanhu vose vakanga vakanamatira pamashoko ake.