Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 12:19

[1] Vazhinji vakaedza kurondedzera nhoroondo dzezvinhu zvakaitika pakati pedu,

[2] sokuturirwa kwazvakaitwa kwatiri neavo vakazviona kubva pakutanga naivozve vari varanda veshoko.

[3] Naizvozvo, sezvo neniwo ndakanyatsoongorora zvose kubva pakutanga, ndakati zvakanakawo kuti ndikunyorerei imi Tiofiro mune mukurumbira, nhoroondo ndichinyatsotevedzanisa,

[4] kuitira kuti mugoziva chokwadi chezvinhu zvamakadzidziswa.

[5] Panguva yaHerodhi mambo weJudhea kwakanga kuno muprista ainzi Zekaria, akanga ari weboka rouprista hwaAbhija; mukadzi wake Erizabheti akanga ari chizvarwa chaAroni.

[6] Vose vakanga vakarurama pamberi paMwari, vachichengeta mirayiro yaShe yose nezvaakatema, vasina zvavangapomerwa.

[7] Asi vakanga vasina vana, nokuti Erizabheti akanga asingabereki; uye vose vari vaviri vakanga vachembera kwazvo.

[8] Mumwe musi Zekaria akati ari pabasa reboka rake achibata somuprista pamberi paMwari,

[9] akasarudzwa nomujenya, maererano netsika youprista, kuti aende andopisa zvinonhuhwira mutemberi yaShe.

[10] Uye nguva yokupisa zvinonhuhwira yakati yasvika, vanamati vose vakaungana panze vachinyengetera.

[11] Ipapo mutumwa waShe akazviratidza kwaari, akamira kurutivi rworudyi rwearitari yezvinonhuhwira.

[12] Zekaria akati achimuona, akavhunduka uye akabatwa nokutya.

[13] Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Zekaria; munyengetero wako wanzwikwa. Mukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, uye unofanira kumutumidza zita rokuti Johani.

[14] Achava mufaro nokufarisisa kwamuri, uye vazhinji vachafara nokuda kwokuberekwa kwake,

[15] nokuti achava mukuru pamberi paShe. Haafaniri kutongonwa waini kana zvinonwiwa zvose zvakaviriswa, uye achazadzwa noMweya Mutsvene kunyange kubva pakuberekwa kwake.

[16] Achadzorera vanhu vazhinji vaIsraeri kuna She Mwari wavo.

[17] Uye achafamba pamberi paShe, mumweya nomusimba raEria, kuti adzorere mwoyo yamadzibaba kuvana vavo uye kuti vasingateereri vadzokere kuuchenjeri hwavakarurama, kuti agadzirire vanhu vakagadzirirwa kugamuchira Ishe.”

[18] Zekaria akabvunza mutumwa akati, “Ndichazviziva seiko izvi? Ini ndava murume mutana uye mukadzi wangu achembera kwazvo.”

[19] Mutumwa akapindura akati, “Ndini Gabhurieri. Ndinomira pamberi paMwari, uye ndatumwa kuti ndizotaura newe, ndizokuudza nhau dzakanaka idzi.

[20] Uye iye zvino uchava chimumumu uye uchatadza kutaura kusvikira pazuva razvichaitika, nokuti hauna kutenda mashoko angu, iwo achaitika nenguva yawo.”

[21] Zvichakadaro, vanhu vakanga vakamirira Zekaria vakashamiswa kuti akanga atora nguva yakareba kudai seiko ari mutemberi.

[22] Akati abuda, akasagona kutaura navo. Vakazviona kuti akanga aona chiratidzo mutemberi, nokuti akaramba achitaura navo namaoko, uye akaramba ari chimumumu asingagoni kutaura.

[23] Nguva yokushumira kwake yakati yapera, akadzokera kumba kwake.

[24] Shure kwaizvozvo, mukadzi wake Erizabheti akava nemimba uye akazvivanza kwemwedzi mishanu.

[25] Akati mumwoyo make, “Ishe andiitira izvi. Mumazuva ano akaratidza nyasha dzake uye akabvisa kunyadziswa kwangu pakati pavanhu.”

[26] Mumwedzi wechitanhatu, Mwari akatuma mutumwa Gabhurieri kuNazareta, guta riri muGarirea,

[27] kumhandara yakanga yatsidzirwa kuwanikwa nomurume ainzi Josefa, chizvarwa chaDhavhidhi. Zita remhandara iyi rainzi Maria.

[28] Mutumwa akasvika kwaari akati, “Kwaziwa, iwe wakanzwirwa nyasha zvikuru! Ishe anewe.”

[29] Maria akatambudzika zvikuru namashoko ake uye akashamiswa kuti kukwazisa kwakadai ndekworudzii.

[30] Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Maria, iwe wanzwirwa nyasha naMwari.

[31] Uchava nomwana uye uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rokuti Jesu.

[32] Achava mukuru uye achanzi Mwanakomana weWokumusoro-soro. Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi,

[33] uye achatonga pamusoro peimba yaJakobho nokusingaperi; umambo hwake hahungatongogumi.”

[34] Maria akabvunza mutumwa akati, “Ko, izvi zvichaitika seiko sezvo ini ndiri mhandara?”

[35] Mutumwa akapindura achiti, “Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, uye simba reWokumusoro-soro richakufukidza. Saka mutsvene achazvarwa achanzi Mwanakomana waMwari.

[36] Kunyange hama yako Erizabheti achava nomwana pamazuva okukwegura kwake, uye mwedzi uno ndowechitanhatu kuna iye ainzi asingabereki.

[37] Nokuti hakuna chinhu chisingagonekwi naMwari.”

[38] Maria akati, “Ini ndiri muranda waShe. Ngazviitike hazvo kwandiri sezvamareva.” Ipapo mutumwa akabva paari.

[39] Panguva iyoyo Maria akagadzirira ndokukurumidza kuenda kune rimwe guta romunyika yezvikomo yeJudhea,

[40] uko kwaakasvikopinda mumba maZekaria akakwazisa Erizabheti.

[41] Erizabheti akati anzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu make, ipapo Erizabheti akazadzwa noMweya Mutsvene.

[42] Akadanidzira nenzwi guru achiti, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, uye akaropafadzwa mwana wauchazvara!

[43] Asi ini ndanzwirwawo nyasha seiko, zvokuti mai vaShe wangu vauye kwandiri?

[44] Pangosvika inzwi rokukwazisa kwenyu munzeve dzangu mwana ari mudumbu mangu abva akwakuka nomufaro.

[45] Akaropafadzwa iye akatenda kuti zvakataurwa kwaari naShe zvichaitika!”

[46] Maria akati: “Mwoyo wangu unokudza Ishe

[47] uye mweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu,

[48] nokuti akanga ane hanya nokuninipiswa kwomurandakadzi wake. Kubva zvino marudzi ose achanditi ndakaropafadzwa,

[49] nokuti Iye Wamasimba andiitira zvinhu zvikuru, zita rake idzvene.

[50] Ngoni dzake dzinosvika kuna avo vanomutya, kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa.

[51] Iye akaita mabasa esimba noruoko rwake; akaparadzira avo vanozvikudza mundangariro dzemwoyo yavo.

[52] Akabvisa vatongi pazvigaro zvavo, asi akasimudzira vanozvininipisa.

[53] Akagutsa vane nzara nezvinhu zvakanaka, asi akadzinga vapfumi vasina chinhu.

[54] Akabatsira muranda wake Israeri, achirangarira kuva nengoni,

[55] kuna Abhurahama nezvizvarwa zvake nokusingaperi, kunyange sezvaakareva kumadzibaba edu.”

[56] Maria akagara naErizabheti kwemwedzi inenge mitatu uye mushure maizvozvo akazodzokera zvake kumusha.

[57] Nguva yakati yasvika yokuti Erizabheti ave nomwana, akazvara mwana mukomana.

[58] Vavakidzani vake nehama dzake vakanzwa kuti Ishe akanga amunzwira ngoni huru, vakafara pamwe chete naye.

[59] Pazuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana, uye vakanga vachizomutumidza zita rababa vake Zekaria,

[60] asi mai vake vakati, “Kwete! Anofanira kunzi Johani.”

[61] Ivo vakati kwaari, “Pakati pehama dzenyu hapana munhu ane zita iroro.”

[62] Ipapo vakaninira namaoko kuna baba vake, kuti vazive zita raaida kupa mwana.

[63] Akavakumbira pokunyorera, akanyora kuti “Zita rake ndiJohani” uye vose vakashamiswa nazvo.

[64] Pakarepo muromo wake wakazarurwa uye rurimi rwake rukasunungurwa, akatanga kutaura, achirumbidza Mwari.

[65] Vavakidzani vose vakazadzwa nokutya, nomunyika yose yezvikomo yeJudhea vanhu vakataura pamusoro pezvinhu izvi zvose.

[66] Vanhu vose vakazvinzwa vakashamiswa nazvo, vakati, “Mwana uyu achava akadiniko?” Nokuti ruoko rwaShe rwaiva naye.

[67] Zekaria baba vake vakazadzwa noMweya Mutsvene uye vakaprofita vachiti:

[68] “Ishe, Mwari waIsraeri ngaakudzwe, nokuti akauya akadzikinura vanhu vake.

[69] Akatisimudzira runyanga rworuponeso muimba yomuranda wake Dhavhidhi,

[70] sezvaakataura kubudikidza navaprofita vake vatsvene vekare,

[71] iko kuponeswa kubva kuvavengi vedu naparuoko rwavose vanotivenga,

[72] kunzwira madzibaba edu ngoni nokurangarira sungano yake tsvene,

[73] mhiko yaakapikira baba vedu Abhurahama:

[74] kutinunura kubva muruoko rwavavengi vedu, uye kutigonesa kuti timushumire tisingatyi,

[75] muutsvene nokururama pamberi pake mazuva edu ose.

[76] “Uye iwe, mwana wangu, uchanzi muprofita weWokumusoro-soro; nokuti uchatungamira pamberi paShe kuti umugadzirire nzira,

[77] kuti ape vanhu vake ruzivo rworuponeso kubudikidza nokuregererwa kwezvivi zvavo,

[78] nokuda kwomwoyo munyoro waMwari wedu, naye zuva richatibudira richibva kudenga,

[79] kuti rivhenekere pamusoro paavo vagere murima nomumumvuri worufu, uye kuti usesedze tsoka dzedu munzira yorugare.”

[80] Uye mwana akakura akava nesimba mumweya; uye akagara mugwenga kusvikira azoonekwa pachena kuvaIsraeri.

Ruka — Chapters