[1] Zvino vateresi na“vatadzi” vakanga vakaungana vose, vakamukomberedza kuti vamunzwe.
[2] Asi vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakagununʼuna vachiti, “Uyu munhu anogamuchira vatadzi uye anodya navo.”
[3] Ipapo Jesu akavaudza mufananidzo uyu akati,
[4] “Ndianiko pakati penyu kana ane makwai zana, rimwe racho kana rikarasika, asingasiyi makumi mapfumbamwe namapfumbamwe kumafuro achindotsvaka gwai rakarasika kusvikira ariwana?
[5] Uye kana ariwana, anoritakura pamapfudzi ake nomufaro
[6] agoenda kumba. Ipapo anodana shamwari dzake navavakidzani pamwe chete agoti kwavari, ‘Farai pamwe chete neni nokuti ndawana gwai rangu rakanga rarasika.’
[7] Ndinoti kwamuri, saizvozvo mufaro mukuru uchava kudenga pamusoro pomutadzi mumwe chete anenge atendeuka, kupfuura pamusoro pavakarurama makumi mapfumbamwe navapfumbamwe vasingatsvaki kutendeuka.
[8] “Ndoupiko mukadzi ane mari yamasirivha anokwana gumi uye akarasikirwa neimwe chete angarega kubatidza mwenje, agotsvaira imba uye agotsvakisisa kusvikira aiwana?
[9] Uye paanenge aiwana, achadana shamwari dzake navavakidzani agoti kwavari, ‘Farai pamwe chete neni, ndawana mari yangu yakanga yarasika.’
[10] Saizvozvo, ndinoti kwamuri, pano mufaro pamberi pavatumwa vaMwari pamusoro pomutadzi mumwe chete anotendeuka.”
[11] Jesu akaenderera mberi akati: “Pakanga pano mumwe murume akanga ane vanakomana vake vaviri.
[12] Muduku wacho akati kuna baba vake, ‘Baba, ndipei mugove wenhaka yangu.’ Saka baba vakakamura pfuma yavo vakavagovanisa pakati pavo.
[13] “Mazuva mashoma asati apera, mwanakomana muduku akaunganidza zvose zvaakanga anazvo, akasimuka akaenda kunyika iri kure akandoparadza pfuma yake ikoko namararamiro akaipa.
[14] Shure kwokunge apedza zvose, kwakava nenzara huru munyika yose iyoyo, uye akatanga kushayiwa.
[15] Saka akaenda akandozvitsvakira basa kuno mumwe mugari womunyika imomo, iye akamutumira kuminda yake kuti anofudza nguruve.
[16] Akada kugutsa dumbu rake namateko aidyiwa nenguruve, asi hapana munhu akamupa kana chinhu.
[17] “Akati apengenuka mupfungwa dzake, akati, ‘Varanda vababa vangu vazhinji seiko uye vane zvokudya zvavanongosiya, uye zvino ini pano ndoziya zvokusvika pakufa!
[18] Ndichasimuka ndiende kuna baba vangu ndinoti kwavari: Baba, ndakatadzira denga napamberi penyuwo.
[19] Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu, ndiitei henyu somumwe wavaranda venyu.’
[20] Saka akasimuka akaenda kuna baba vake. “Asi akati achiri kure, baba vake vakamuona uye vakamunzwira tsitsi; vakamhanyira kumwanakomana wavo, vakamumbundikira uye vakamutsvoda.
[21] “Mwanakomana akati kuna baba vake, ‘Baba, ndakatadzira denga napamberi penyu. Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu.’
[22] “Asi baba vakati kuvaranda vavo, ‘Kurumidzai! Uyai nenguo dzakaisvonaka mumupfekedze. Muise mhete pamunwe wake neshangu mutsoka dzake.
[23] Muuye nemhuru yakakodzwa muibaye. Ngatidyei tipembere.
[24] Nokuti mwanakomana wangu uyu akanga afa, zvino araramazve; akanga arasika, zvino awanikwa.’ Saka vakatanga kupembera.
[25] “Zvichakadaro, mwanakomana mukuru akanga ari kumunda akati aswedera pedyo nemba, akanzwa nziyo nokutamba.
[26] Saka akadana mumwe wavaranda akamubvunza kuti chii chakanga chichiitika.
[27] Muranda akapindura akati, ‘Mununʼuna wenyu auya uye baba venyu vamubayira mhuru yakakodzwa nokuti adzoka ari mupenyu uye akasimba.’
[28] “Mukoma mukuru akatsamwa akaramba kupinda. Saka baba vake vakabuda vakamunyengetedza.
[29] Asi akapindura baba vake akati, ‘Tarirai! Makore ose aya ndanga ndichikushandirai uye handina kusamboteerera mirayiro yenyu. Asi hamuna kutongondipa chimbudzana kuti ndipemberewo neshamwari dzangu.
[30] Asi pangouya mwanakomana wenyu uyu, akaparadza pfuma yenyu nezvifeve, mamubayira mhuru yakakodzwa!’
[31] “Baba vakati, ‘Mwanangu, iwe uneni nguva dzose, uye zvose zvandinazvo ndezvako.
[32] Asi taifanira kupembera uye tifare, nokuti mununʼuna wako uyu akanga afa asi zvino araramazve; akanga arasika asi awanikwa.’ ”