Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 2:21

[1] Zvinonzi pakati penyu pane upombwe, uye upombwe hworudzi rusakambonzwikwa kunyange pakati pavahedheni: Munhu anorara nomukadzi wababa vake.

[2] Uye munozvikudza! Mungadai musingachemi here uye makatodzinga munhu anoita zvakadai kuti musayanana naye?

[3] Kunyange zvangu ndisiri pakati penyu panyama, ndinemi mumweya. Uye ndatotonga kare pamusoro pomunhu akaita izvi, sokunonzi ndiripo.

[4] Pamunoungana pamwe chete muzita raIshe Jesu, ndinemi mumweya, uye simba raIshe Jesu riripo,

[5] isai munhu uyu kuna Satani, kuti nyama iparadzwe uye mweya wake ugoponeswa pazuva raShe.

[6] Kuzvikudza kwenyu hakuna kunaka. Hamuzivi here kuti mbiriso shoma inovirisa chikanyiwa chose?

[7] Bvisai mbiriso yakare kuti mugova chikanyiwa chitsva chisina mbiriso, sezvamuri chaizvo. Nokuti Kristu, gwayana redu rePasika, akabayirwa.

[8] Naizvozvo ngatiitei mutambo, tisingaiti nembiriso yakafa, mbiriso yoruvengo nokuipa, asi nechingwa chisina mbiriso, chingwa chokururama nezvokwadi.

[9] Ndakunyorerai mutsamba yangu kuti murege kufambidzana nemhombwe,

[10] handisi kureva vanhu venyika ino vanoita upombwe, kwete, kana vano ruchiva namakororo, kana vanonamata zvifananidzo. Nokuti kana zvadaro mungatobva panyika ino.

[11] Asi zvino ndinonyora kwamuri kuti musafambidzana naani zvake anozviti ihama asi ari mhombwe, kana kuti ano ruchiva, anonamata zvifananidzo, kana kuti chidhakwa kana gororo. Munhu akadaro musatombodya naye.

[12] Nokuti ibasa rangu here kuti nditonge avo vari kunze kwekereke? Hamufaniri kutonga avo vari mukereke here?

[13] Mwari ndiye achatonga avo vari kunze. “Dzingai munhu akaipa uyu abve pakati penyu.”

1 VaKorinde — Chapters