Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 4:47

[1] Zvino pamusoro pezvipo zvoMweya, hama, handidi kuti muve musingazivi.

[2] Munoziva kuti pamakanga muri vahedheni, makanga muchitungamirirwa uye nokutsauswa muchiiswa kuzvifananidzo zvisingagoni kutaura.

[3] Naizvozvo ndinokuudzai kuti hakuna munhu anotaura noMweya waMwari anoti, “Jesu ngaatukwe.” Uye hakuna munhu anoti, “Jesu ndiye Ishe,” asi naMweya Mutsvene.

[4] Kuna marudzi akasiyana ezvipo, asi Mweya ndomumwe.

[5] Kuna marudzi akasiyana oushumiri, asi Ishe mumwe.

[6] Kuna marudzi akasiyana amabasa, asi Mwari mumwe ndiye anoita zvose muvanhu vose.

[7] Zvino mumwe nomumwe anopiwa kuratidzwa kwoMweya kuti vose vabatsirwe.

[8] Nokuti mumwe anopiwa noMweya shoko rouchenjeri, mumwe shoko rokuziva noMweya mumwe chete,

[9] mumwe kutenda noMweya mumwe chete, mumwe zvipo zvokuporesa noMweya mumwe chete,

[10] mumwe mabasa esimba, mumwe kuprofita, mumwe kuzivisisa mweya, mumwe kutaura nendimi dzakasiyana-siyana, uyezve mumwe kududzirwa kwendimi.

[11] Zvose ibasa raMweya mumwe chete uye anopa mumwe nomumwe, sezvaanoda.

[12] Muviri chinhu chimwe chete, kunyange une mitezo mizhinji; uye kunyange mitezo yawo iri mizhinji, inoumba muviri mumwe chete. Ndizvowo zvakaita Kristu.

[13] Nokuti tose takabhabhatidzwa noMweya mumwe mumuviri mumwe, vangava vaJudha kana vaGiriki, varanda kana vakasununguka, uye tose tikapiwa kuti tinwe Mweya mumwe.

[14] Zvino muviri hauna kuumbwa nomutezo mumwe, asi mizhinji.

[15] Kana rutsoka rukati, “Nokuti handisi ruoko, saka handisi womuviri,” harungaregi kuva chikamu chomuviri nokuda kwechikonzero ichocho.

[16] Uye kana nenzeve ikati, “Nokuti handisi ziso, saka handisi chikamu chomuviri,” haringaregi kuva chikamu chomuviri nokuda kwechikonzero ichocho.

[17] Kana kuti dai muviri wose waiva ziso, kunzwa kwaizovepiko? Kana kuti dai muviri wose waive nzeve, ko, kunhuhwidza kwaizovepiko?

[18] Asi zvino Mwari akaisa mitezo pamuviri, mumwe nomumwe wayo, sezvaakada kuti ive.

[19] Kana dai yose waiva mutezo mumwe, ko, muviri waizovepiko?

[20] Sezvazviri, kune mitezo mizhinji asi muviri mumwe.

[21] Ziso haringati kuruoko, “Handinei newe!” Uye musoro haungati kurutsoka, “Handinei newe!”

[22] Asi kutoti mitezo yomuviri inenge isina simba, ndiyo inodikanwa,

[23] uye mitezo yatinofunga kuti haikudzwi ndiyo yatinokudza kwazvo,

[24] asi mitezo yakanaka haidi kushongedzwa. Asi Mwari akabatanidza mitezo yomuviri uye akapa kukudzwa kukuru kumitezo iya isingakudzwi,

[25] kuitira kuti parege kuva nokupesana pamuviri, asi kuti mitezo ichengetane zvakaenzana.

[26] Kana mumwe mutezo uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwe chete nawo; kana mutezo mumwe ukakudzwa, mitezo yose inofara pamwe chete nawo.

[27] Zvino imi muri muviri waKristu, uye mumwe nomumwe wenyu mutezo wawo.

[28] Uye mukereke, Mwari akagadza pakutanga vapostori, vechipiri vaprofita, vechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vezvishamiso, uye navane zvipo zvokuporesa, navanobatsira vamwe, vaya vane zvipo zvokufambisa basa, uye navaya vanotaura nendimi dzakasiyana-siyana.

[29] Vose vapostori here? Vose vaprofita here? Vose vadzidzisi here? Vose vanoita zvishamiso here?

[30] Vose vane zvipo zvokuporesa here? Vose vanotaura nendimi here? Vose vanodudzira here?

[31] Asi shuvai kwazvo zvipo zvikuru. Uye zvino ndichakuratidzai nzira yakanaka kupfuura dzose.

1 VaKorinde — Chapters