[1] Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, asi ndisina rudo, ndakaita sedare rinorira kana ndarira dzinongoti ngwerengwere.
[2] Kana ndine chipo chokuprofita uye ndichinzwisisa zvakavanzika zvose noruzivo rwose, uye kana ndino kutenda kunofambisa makomo, asi ndisina rudo, handisi chinhu.
[3] Kana ndikagovera zvose zvandinazvo kuvarombo uye kana ndikaisa muviri wangu kuti upiswe, asi kana ndisina rudo, hazvindibatsiri chinhu.
[4] Rudo runo mwoyo murefu, rudo runo mwoyo munyoro. Haruna godo, haruna manyawi haruzvikudzi.
[5] Haruiti zvokuvirimira vamwe, harutsvaki zvarwo, harukurumidzi kutsamwa, haruna pfundi pfundi.
[6] Rudo harufariri zvakaipa, asi runofarira chokwadi.
[7] Runodzivirira nguva dzose, runovimba nguva dzose, rune tariro nguva dzose, runotsungirira nguva dzose.
[8] Rudo harutongoperi. Zvino kana kuri kuprofita, kuchapera; kana dziri ndimi, dzichagumiswa; kana rwuri ruzivo, ruchapfuura.
[9] Nokuti tinoziva zvisakakwana uye tinoprofita zvisakakwana,
[10] asi kana zvakakwana zvasvika, zvisakakwana zvichabviswa.
[11] Pandaiva mwana ndaitaura somwana, ndaifunga somwana, ndairangarira somwana. Zvino zvandava murume, ndakabvisa zvinhu zvoumwana.
[12] Nokuti zvino tinoona asi hationi zvakanaka somuchionioni; asi nenguva iyo tichaonana chiso nechiso. Iye zvino ndinoziva zvisakakwana; asi ndichaziva zvizere, kunyange sezvandinozivikanwa zvizere.
[13] Uye zvinhu zvitatu izvi ndizvo zvinogara, zvinoti kutenda, tariro norudo. Asi chikuru pakati peizvi ndirwo rudo.