Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 3:41

[1] Hama, ndakanga ndisingagoni kutaura nemi savanhu vomweya asi savanhu venyama, vacheche zvavo muna Kristu.

[2] Ndakakupai mukaka, kwete zvokudya zvikukutu, nokuti makanga musingagoni kudya. Zvirokwazvo, hamusati mava kugona kudya nazvino.

[3] Nokuti muchiri venyama. Nokuti sezvo pakati penyu pachine godo negakava, ko, hamusi venyika here? Ko, hamusi kufamba savanhuwo zvavo here?

[4] Nokuti kana mumwe achiti, “Ini ndiri waPauro,” mumwe achiti, “Ini ndiri waAporosi,” ko, hamusi vanhuwo zvavo here?

[5] Aporosi chiiko? Uye Pauro chiiko? Varanda bedzi; vamakatenda kubudikidza navo mumwe nomumwe sezvaakapiwa naShe.

[6] Ini ndakasima, Aporosi akadiridza, asi Mwari ndiye akameresa.

[7] Saka naizvozvo anosima kana anodiridza haazi chinhu, asi Mwari chete, iye anomeresa zvinhu.

[8] Munhu anosima nomunhu anodiridza vane chinangwa chimwe, uye mumwe nomumwe wavo achapiwa mubayiro maererano nezvaakabata pabasa rake.

[9] Nokuti tiri vabati pamwe chete naMwari; muri munda waMwari, muri imba yaMwari.

[10] Nenyasha dzandakapiwa naMwari, ndakaronga nheyo somuvaki akachenjera, uye mumwewo ari kuvaka pamusoro payo. Asi mumwe nomumwe ngaachenjere kuti anovaka sei pamusoro payo.

[11] Nokuti hakuna mumwe angaronga dzimwe nheyo kunze kwaiyo yakarongwa kare, inova ndiyo Jesu Kristu.

[12] Zvino kana munhu achivaka panheyo iyi achishandisa goridhe, kana sirivha kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga,

[13] basa rake richaonekwa kuti rakaitwa nei, nokuti Zuva iro richazvibudisa pachena. Richaratidzwa nomoto, uye moto uchaedza basa romumwe nomumwe.

[14] Kana zvaakavaka zvikagara, iye achagamuchira mubayiro wake.

[15] Kana zvikapiswa, iye acharasikirwa: asi iye pachake achaponeswa: asi souya abuda mumoto.

[16] Ko, hamuzivi here kuti muri temberi yaMwari uye kuti Mweya waMwari anogara mamuri?

[17] Kana munhu achiparadza temberi yaMwari, Mwari achamuparadza; nokuti temberi yaMwari itsvene, ndimi temberi yacho.

[18] Musazvinyengera. Kana mumwe wenyu achizviti akachenjera namaonero enyika ino, ngaave “benzi” kuti ave akachenjera.

[19] Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi pamberi paMwari. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Anobata vakachenjera pamano avo,”

[20] uye zvakare, “Ishe anoziva kuti mifungo yavakachenjera haina maturo.”

[21] Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anozvikudza pamusoro pavanhu! Zvinhu zvose ndezvenyu,

[22] angava Pauro kana Aporosi, kana Kefasi, kana nyika, kana upenyu, kana rufu, kana zvazvino, kana zvinouya, zvose ndezvenyu,

[23] uye muri vanhu vaKristu, uye Kristu ndewaMwari.

1 VaKorinde — Chapters