Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 4:59

[1] Nokuti hama dzangu, handidi kuti murege kuziva kuti madzibaba edu ose akanga ari pasi pegore uye kuti vose vakayambuka gungwa.

[2] Vose vakabhabhatidzwa muna Mozisi mugore nomugungwa.

[3] Vose vakadya zvokudya zvimwe chete zvoMweya

[4] uye vose vakanwa zvokunwa zvimwe chete zvomweya; nokuti vakanwa kubva padombo romweya rakafamba navo, uye dombo iri raiva Kristu.

[5] Kunyange zvakadaro, Mwari haana kufadzwa navazhinji vavo; mitumbi yavo yakaparadzirwa murenje.

[6] Zvino, zvinhu izvi zvakanga zviri semienzaniso kwatiri, kuti tirege kuisa mwoyo yedu pazvinhu zvakaipa sezvavakaita.

[7] Musanamata zvifananidzo, sezvakaita vamwe vavo; sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Vanhu vakagara pasi vakadya, vakanwa, uye vakasimuka kuti vatambe.”

[8] Hatifaniri kuita upombwe, sezvakaita vamwe vavo, uye vakafa zviuru makumi maviri nezvitatu muzuva rimwe chete.

[9] Hatifaniri kuedza Ishe, sezvakaita vamwe vavo, uye vakaurayiwa nenyoka.

[10] Uye murege kugununʼuna sezvakaita vamwe vavo, uye vakazourayiwa nomutumwa wokuparadza.

[11] Zvinhu izvi zvakaitika kwavari semienzaniso kwatiri uye zvikanyorwa kuti zvive yambiro kwatiri, iyesu takasvikirwa nokuzadziswa kwokuguma kwenyika.

[12] Saka, kana uchifunga kuti wakamira zvakasimba, chenjera kuti urege kuwa!

[13] Hakuna muedzo wakakuwirai imi, kunze kwaiwo unowira munhu wose. Uye Mwari akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura pamunogona napo. Asi kana muchiedzwa, iye achakupai nzira yokubuda nayo kuti mugone kutsunga pairi.

[14] Naizvozvo, shamwari dzangu dzinodikanwa, tizai kunamata zvifananidzo.

[15] Ndiri kutaura kuvanhu vakachenjera; zvitongerei pachenyu pane zvandinotaura.

[16] Ko, mukombe wokuvonga watinovonga, hakuzi kusangana neropa raKristu here? Uye chingwa chatinomedura, hakuzi kusangana nomuviri waKristu here?

[17] Nokuti pane chingwa chimwe chete, isu vazhinji tiri muviri mumwe, nokuti tinogovana tose pachingwa chimwe.

[18] Cherechedzai vanhu veIsraeri: Ko, avo vanodya zvibayiro havagovani nearitari here?

[19] Ko, ndinoreva kuti chibayiro chinobayirwa chifananidzo chinhu here, kana kuti chifananidzo chinhu here?

[20] Kwete, asi zvibayiro zvavahedheni zvinopiwa kumadhimoni kwete kuna Mwari, uye ini handidi kuti mugovane namadhimoni.

[21] Hamunganwi mukombe waShe uye nomukombe wamadhimoniwo; hamungavi nomugove patafura yaShe uye napatafura yamadhimoni.

[22] Tiri kuedza kumutsa godo raShe here? Takasimba kupfuura iye here?

[23] Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinobatsira. Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinovaka.

[24] Munhu ngaarege kutsvaka zvakamunakira iye, asi zvakanakira vamwe.

[25] Idyai zvose zvinotengeswa pamusika wenyama musingabvunzi chinhu nokuda kwehana,

[26] nokuti, “Nyika ndeyaShe, nokuzara kwayo.”

[27] Kana mumwe asingatendi akakukoka kuzodya, uye kana uchida kuenda, udye zvose zvinenge zvaiswa pamberi pako usingabvunzi mubvunzo nokuda kwehana.

[28] Asi kana mumwe akati kwauri, “Ichi chipiriso chakabayirwa,” rega kudya, nokuda kwaiye akuratidza, uye nokuda kwehana,

[29] ndinoreva hana yomumwe, kwete yako. Nokuti kusununguka kwangu kungatongerweiko nehana yomumwe?

[30] Kana ini ndichidya ndavonga, ndingagotukirweiko nokuda kwechinhu chandavonga Mwari pamusoro pacho?

[31] Naizvozvo, kunyange muchidya kana kunwa, chinhu chipi nechipi chamungaita, itai zvose kuti Mwari agokudzwa.

[32] Musagumbusa munhu upi noupi zvake, angava muJudha, kana muGiriki kana kereke yaMwari,

[33] kunyange sezvandinoedzawo kufadza munhu wose pazvinhu zvose. Nokuti handitsvaki zvakandinakira ini asi zvakanakira vazhinji, kuitira kuti vagoponeswa.

1 VaKorinde — Chapters