[1] Mumazuva iwayo vamwe vanhu vazhinji zhinji vakaunganazve. Sezvo vakanga vasina zvokudya, Jesu akadana vadzidzi vake kwaari akati,
[2] “Ndine urombo kwazvo navanhu ava; atova mazuva matatu vaneni uye havana chokudya.
[3] Kana ndikavaendesa vane nzara kumisha yavo, vachaziya vakawira pasi nenzara munzira, nokuti vamwe vavo vakabva kure.”
[4] Vadzidzi vake vakati, “Asi munhu angawanepiko murenje muno zvingwa zvavangapiwa vakaguta?”
[5] Jesu akati kwavari, “Mune zvingwa zvinganiko?” Vakati, “Zvinomwe.”
[6] Akaudza vanhu vazhinji ava kuti vagare pasi. Akati atora zvingwa zvinomwe uye akavonga, akazvimedura akazvipa kuvadzidzi vake kuti vaise pamberi pavanhu, uye vakaita saizvozvo.
[7] Vakanga vane hove duku shoma shoma zvakare; uye akavongazve akaudza vadzidzi kuti vadzigovere kuvanhu.
[8] Vanhu vakadya uye vakaguta. Shure kwaizvozvo vadzidzi vakanonga matengu manomwe azere ezvimedu.
[9] Pakanga pane varume vangangosvika zviuru zvina. Uye akati avaendesa,
[10] akapinda mugwa navadzidzi vake akaenda kudunhu reDharimanuta.
[11] VaFarisi vakasvika ndokutanga kubvunza Jesu. Kuti vamuedze, vakamukumbira chiratidzo chaibva kudenga.
[12] Akagomera zvikuru akati, “Seiko rudzi urwu ruchikumbira chiratidzo? Ndinokuudzai chokwadi, hakuna chiratidzo chichapiwa kwarwuri.”
[13] Ipapo akavasiya, akadzokera mugwa akayambukira kuno rumwe rutivi.
[14] Vadzidzi vakanga vakanganwa kuuya nechingwa, kunze kwechimwe chete chavakanga vanacho mugwa.
[15] Jesu akavayambira achiti, “Chenjerai. Ngwarirai mbiriso yavaFarisi neyaHerodhi.”
[16] Vakataurirana vachiti, “Imhaka yokuti hatina chingwa.”
[17] Achiziva zvavaitaurirana, Jesu akavabvunza akati, “Seiko muchitaura pamusoro pokuti hamuna chingwa? Heya, muchigere kuona kana kunzwisisa nhai? Mwoyo yenyu ichiri mikukutu nhai?
[18] Heya, mune meso asi hamuoni, uye mune nzeve asi hamugoni kunzwa nhai? Uye hamurangariri here?
[19] Pandakamedurira zviuru zvishanu zvavanhu zvingwa zvishanu, makazadza matengu mangani ezvimedu zvakasara?” Vakati, “Gumi namaviri.”
[20] “Uye pandakamedurira zviuru zvina zvavanhu zvingwa zvinomwe, makazadza matengu mangani ezvimedu?” Vakapindura vakati, “Manomwe.”
[21] Akati kwavari, “Hamunzwisisi nazvino here?”
[22] Vakasvika kuBhetisaidha, uye vamwe vanhu vakauya nomurume akanga ari bofu uye vakakumbira zvikuru kuti Jesu amubate.
[23] Akabata murume akanga ari bofu noruoko akamutungamirira kunze kwomusha. Akati apfira mate pamaziso ake Jesu akaisa maoko ake pamusoro pake, akamubvunza akati, “Pane zvauri kuona here?”
[24] Iye akatarisa kumusoro akati, “Ndinoona vanhu; vanotarisika semiti inofamba-famba.”
[25] Jesu akaisazve maoko ake pameso omurume uyu. Ipapo meso ake akasvinudzwa, akadzorerwa kuona kwake, uye akaona zvinhu zvose zvakanaka.
[26] Jesu akamuendesa kumba achiti, “Usapinda mumusha.”
[27] Jesu navadzidzi vake vakapfuurira kumisha yakapoteredza Kesaria Firipi. Vari munzira akavabvunza achiti, “Vanhu vanoti ndini aniko?”
[28] Vakapindura vakati, “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi; vamwe vanoti Eria; vamwezve vanoti mumwe wavaprofita.”
[29] Iye akati, “Asi imi munoti kudini? Munoti ndini aniko?” Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu.”
[30] Jesu akavayambira kuti vasaudza munhu nezvake.
[31] Akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika pazvinhu zvizhinji uye agorambwa navakuru, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, uye kuti anofanira kuurayiwa, uye shure kwamazuva matatu agomukazve.
[32] Akataura pachena pamusoro pazvo, uye Petro akaenda naye parutivi akatanga kumutsiura.
[33] Asi Jesu akati atendeuka akatarira kuvadzidzi vake, akatsiura Petro achiti, “Enda shure kwangu, Satani! Iwe hauna zvinhu zvaMwari mupfungwa dzako, asi zvinhu zvavanhu.”
[34] Ipapo akadana vanhu vazhinji kwaari pamwe chete navadzidzi vake akati, “Kana munhu upi zvake achida kunditevera, anofanira kuzviramba, atakure muchinjikwa wake agonditevera.
[35] Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu uye nokuda kwevhangeri achahuponesa.
[36] Munhu achabatsirweiko kana akawana nyika yose, asi akarasikirwa noupenyu hwake?
[37] Kana kuti munhu angaripeiko kuti adzikinure upenyu hwake?
[38] Kana munhu achinyadziswa neni uye namashoko angu murudzi urwu rwoufeve uye runotadza, Mwanakomana woMunhu achanyadziswawo naye paanouya mukubwinya kwaBaba nokwavatumwa vatsvene.”