[1] Uye Jesu akabva panzvimbo iyoyo akaenda munyika yeJudhea uye akayambuka mhiri kweJorodhani. Vanhu vazhinji vakauyazve kwaari, uye sezvayakanga iri tsika yake, akavadzidzisa.
[2] Vamwe vaFarisi vakauya vakamuedza nokumubvunza vachiti, “Zvinotenderwa here kuti munhu arambe mukadzi wake?”
[3] Iye akati, “Mozisi akakurayirai kuti kudiniko?”
[4] Ivo vakati, “Mozisi akatendera murume kuti anyore tsamba yokurambana uye agomuendesa.”
[5] Jesu akapindura akati, “Nokuti mwoyo yenyu yakanga iri mikukutu, Mozisi akakunyorerai murayiro uyu.
[6] Asi kubvira kumavambo okusikwa kwezvinhu, Mwari ‘akavaita murume nomukadzi.’
[7] Nokuda kwaizvozvi, murume achasiya baba vake namai vake uye agonamatira kumukadzi wake,
[8] uye vaviri ava vachava nyama imwe. Saka havachisiri vaviri, asi nyama imwe.
[9] Naizvozvo izvo zvabatanidzwa naMwari, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.”
[10] Vakati vapindazve mumba, vadzidzi vakabvunza Jesu pamusoro paizvozvi.
[11] Akapindura akati, “Ani naani anoramba mukadzi wake uye akawana mumwe mukadzi, ava kuita upombwe naye.
[12] Uye kana iye akarambawo murume wake uye akawanikwa nomumwe murume, anoita upombwe naye.”
[13] Vanhu vakanga vachiuya navana vaduku kuna Jesu kuti avabate, asi vadzidzi vakavatsiura.
[14] Jesu paakazviona, akatsamwa. Akati kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwavakadai.
[15] Ndinokuudzai chokwadi, ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haangatongopindi mahuri.”
[16] Ipapo akatora vana akavafungatira mumaoko ake, akaisa maoko ake pamusoro pavo akavaropafadza.
[17] Jesu akati achifamba munzira, mumwe murume akamhanyira kwaari akawira pasi namabvi ake pamberi pake. Akabvunza akati, “Mudzidzisi akanaka, ndinofanira kuiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?”
[18] Jesu akapindura akati, “Unondiidzireiko akanaka? Hakuna munhu akanaka kunze kwaMwari oga.
[19] Mirayiro unoiziva here inoti: ‘Usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema, usanyengera, kudza baba vako namai vako.’ ”
[20] Iye akati, “Mudzidzisi, izvi zvose ndakazvichengeta kubvira ndichiri mukomana.”
[21] Jesu akamutarira uye akamuda, akati kwaari, “Unoshayiwa chinhu chimwe chete. Enda undotengesa zvinhu zvose zvaunazvo upe kuvarombo, ugova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya, unditevere.”
[22] Anzwa izvi akasuwa kwazvo. Akaenda akasuwa, nokuti akanga ane pfuma zhinji.
[23] Jesu akatarira-tarira ndokuti kuvadzidzi vake, “Zvakaoma sei kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari!”
[24] Vadzidzi vakashamiswa namashoko ake. Asi Jesu akatizve, “Vana, zvakaoma sei kupinda muumambo hwaMwari!
[25] Zviri nyore kuti ngamera ipinde napaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”
[26] Vadzidzi vakanyanya kushamiswa, uye vakati pakati pavo, “Zvino ndianiko angaponeswa?”
[27] Jesu akatarisa kwavari akati, “Kumunhu hazvigoneki, asi kwete naMwari; zvinhu zvose zvinogoneka kuna Mwari.”
[28] Petro akati kwaari, “Isu takasiya zvinhu zvose kuti tikuteverei!”
[29] Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, hakuna munhu akasiya musha, kana vanunʼuna kana hanzvadzi kana mai kana baba kana vana kana minda nokuda kwangu uye nokuda kwevhangeri
[30] achakundikana kugamuchira zvakawanda kakapetwa kazana munguva ino (misha, vanunʼuna, hanzvadzi, vanamai, vana neminda, uye pamwe chete naizvozvo, kutambudzika) uye panguva inouya, upenyu husingaperi.
[31] Asi vazhinji vanova vokutanga ndivo vachava vokupedzisira, uye vokupedzisira vachava vokutanga.”
[32] Vakanga vari munzira vachikwidza kuenda kuJerusarema, Jesu achivatungamirira, uye vadzidzi vakakatyamara, asi vaya vakanga vachitevera vakanga vachitya. Akatorazve vane gumi navaviri vari voga uye akavaudza zvaizoitika kwaari.
[33] Akati, “Tiri kuenda kuJerusarema, uye Mwanakomana woMunhu achapandukirwa agoiswa kuvaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro. Vachamutongera rufu uye vachamuisa mumaoko eveDzimwe Ndudzi,
[34] avo vachamuseka uye vagomupfira mate, vachamurova uye vagomuuraya. Shure kwamazuva matatu, achamuka.”
[35] Ipapo Jakobho naJohani vanakomana vaZebhedhi, vakauya kwaari, vakati, “Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire zvose zvose zvatinokumbira.”
[36] Akavabvunza akati, “Munoda kuti ndikuitireiko?”
[37] Vakapindura vakati, “Titenderei kuti mumwe wedu agare kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu mukubwinya kwenyu.”
[38] Jesu akati, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona here kunwa mukombe wandinonwa kana kubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo?”
[39] Vakapindura vakati, “Tinogona.” Jesu akati, “Muchanwa mukombe wandinonwa uye muchabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo,
[40] asi zvokugara kuruoko rwangu rworudyi kana kuruboshwe handisini ndinozvipa. Nzvimbo idzi ndedzavaya vakadzigadzirirwa.”
[41] Vane gumi vakati vanzwa izvi, vakatsamwira Jakobho naJohani.
[42] Jesu akavadana pamwe chete akati, “Munoziva kuti vaya vanonzi vatongi neveDzimwe Ndudzi vanotonga pamusoro pavo, uye vabati vavo vakuru vanoshandisa simba pamusoro pavo.
[43] Hazvina kudaro pakati penyu. Pachinzvimbo chaizvozvo, ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu,
[44] uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yavose.
[45] Nokuti kunyange Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira uye nokupa upenyu hwake kuti huve rudzikinuro rwavazhinji.”
[46] Ipapo vakasvika kuJeriko. Jesu navadzidzi vake, pamwe chete navanhu vazhinji, vakati vobuda muguta, Bhatimeo, murume akanga ari bofu, (ndiye mwanakomana waTimeo), akanga agere parutivi penzira achipemha.
[47] Paakanzwa kuti akanga ari Jesu weNazareta, akatanga kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!”
[48] Vazhinji vakamutsiura uye vakamutaurira kuti anyarare, asi akanyanyisa kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!”
[49] Jesu akamira akati, “Mudanei.” Saka vakadana murume uya bofu vakati, “Tsunga mwoyo! Simuka! Anokudana.”
[50] Akakanda jasi rake parutivi, akakwakuka akauya kuna Jesu.
[51] Jesu akamubvunza akati, “Unoda kuti ndikuitirei?” Murume uya bofu akati, “Rabhi, ndinoda kuona.”
[52] Jesu akati, “Enda hako, kutenda kwako kwakuporesa.” Pakarepo meso ake akasvinudzwa uye akatevera Jesu munzira.