[1] Paakanga ava kubuda mutemberi, mumwe wavadzidzi vake akati, “Mudzidzisi, tarirai kukura kwakaita matombo! Iko kunaka kwedzimba!”
[2] Jesu akapindura akati, “Uri kuona dzimba huru dzose idzi? Hapana ibwe pano richasiyiwa riri pamusoro perimwe; ose achawisirwa pasi.”
[3] Jesu paakanga agere paGomo reMiorivhi pakatarisana netemberi, Petro, Jakobho, Johani naAndirea vakamubvunza vari voga vakati,
[4] “Tiudzei, kuti zvinhu izvi zvichaitika rini? Uye chii chichava chiratidzo chokuti zvose zvava pedyo nokuzozadziswa?”
[5] Jesu akati kwavari, “Chenjerai kuti kurege kuva nomunhu anokutsausai.
[6] Vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti, ‘Ndini iye,’ uye vachatsausa vazhinji.
[7] Pamunonzwa nezvehondo uye neguhu rehondo, musavhunduka. Zvinhu zvakadaro zvinofanira kuitika, asi kuguma kuchazosvika hako.
[8] Rudzi ruchamukira rumwe rudzi, uye ushe huchamukira humwe ushe. Pachava nokudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana-siyana, uye nenzara. Izvi ndizvo zvichava kutanga kwamarwadzo okusununguka.
[9] “Munofanira kugara makarinda. Muchaendeswa kumatare mugorohwa mumasinagoge avo. Muchamira pamberi pavabati napamberi pamadzimambo nokuda kwangu, sezvapupu kwavari.
[10] Uye vhangeri rinofanira kuparidzwa kundudzi dzose.
[11] Pose pamunenge masungwa uye mamiswa pakutongwa, musatanga kufunganya pamusoro pezvamuchataura. Taurai zvose zvose zvamunenge mapiwa panguva iyoyo, nokuti hamusimi munotaura, asi Mweya Mutsvene.
[12] “Mukoma achaurayisa mununʼuna, uye baba vachadarowo mwana wavo. Vana vachamukira vabereki vavo uye vachavaurayisa.
[13] Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu, asi uyo anotsungirira kusvikira kumagumo achaponeswa.
[14] “Pamunenge moona nyangadzi yokuparadza yamira paisingafaniri, anoverenga ngaanzwisise, ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo.
[15] Ari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kana kupinda mumba kuti abudise chinhu chipi zvacho chiri mumba.
[16] Munhu ari kumunda ngaarege kudzokera kumba kuti andotora jasi rake.
[17] Zvichava zvinotyisa zvakadiniko kuvakadzi vane mimba navanoyamwiswa mumazuva iwayo!
[18] Nyengeterai kuti izvi zvirege kuitika munguva yechando,
[19] nokuti ayo achava mazuva okutambudzika asina kumbovapo kubva pakutanga, Mwari paakasika nyika, kusvikira zvino, uye haachazombovapozve.
[20] Dai Ishe akanga asina kutapudza mazuva iwayo, hakuna munhu airarama. Asi nokuda kwavasanangurwa, avo vaakasarudza, akaatapudza hake.
[21] Panguva iyo kana munhu akati kwamuri, ‘Tarirai, houno Kristu!’ kana kuti, ‘Tarirai, uyo ari apo!’ musazvitenda.
[22] Nokuti vanaKristu venhema navaprofita venhema vachaonekwa uye vachaita zviratidzo nezvishamiso kuti vatsause vatsvene, kana zvaigoneka.
[23] Saka mugare makarinda; ndagara ndakuudzai zvinhu zvose zvisati zvaitika.
[24] “Asi mumazuva iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, “ ‘zuva richasvibiswa, uye mwedzi hauchazovhenekeri;
[25] nyeredzi dzichawa kudenga, uye masimba okudenga achadengenyeka.’
[26] “Panguva iyoyo vanhu vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakore nesimba guru uye nokubwinya.
[27] Uye achatuma vatumwa vake, vagounganidza vasanangurwa kubva kumhepo ina, kubva kumagumo enyika kusvikira kumigumo yamatenga.
[28] “Zvino dzidzai chidzidzo ichi kubva pamuonde: Paunongotanga kuva namatavi manyoro uye mashizha awo otungira, munoziva kuti zhizha rava pedyo.
[29] Naizvozvo kana moona zvinhu izvi zvoitika, zivai kuti ava pedyo, atova pamukova.
[30] Ndinokuudzai chokwadi, zvirokwazvo rudzi urwu harungapfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika.
[31] Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
[32] “Hakuna munhu anoziva nezvezuva iro kana nguva iyo, kunyange vatumwa kudenga, kana Mwanakomana, asi Baba voga.
[33] Rindai! Svinurai! Hamuzivi kuti nguva iyo inosvika rini.
[34] Zvakaita somunhu anoenda kure: Anosiya imba yake akaichengetesa varanda vake, mumwe nomumwe pabasa rake, uye agoudza ari pamukova kuti agare akarinda.
[35] “Naizvozvo rindai nokuti hamuzivi musi unouya muridzi weimba, zvimwe madekwana, kana usiku, kana pakurira kwejongwe, kana mambakwedza.
[36] Kana akakurumidza kuuya, musamurega achikuwanai muvete.
[37] Zvandinotaura kwamuri, ndinozvitaura kuvanhu vose ndichiti, ‘Rindai!’ ”