[1] VaFarisi navamwe vavadzidzisi vomurayiro vakanga vauya kuJerusarema vakaungana pana Jesu
[2] vakaona vamwe vavadzidzi vake vachidya zvokudya namaoko akanga ane “tsvina,” ndiko kuti, asina kushambwa.
[3] VaFarisi navaJudha vose havadyi kunze kwokunge vamboshamba maoko avo, vachichengeta tsika dzavakuru.
[4] Pavanenge vadzoka kumusika, havadyi kunze kwokunge vashamba. Uye vanocherechedza dzimwe tsika zhinji, dzakadai sokushambidza mikombe, matende, nemidziyo yokuvirisa mvura.
[5] Saka vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakabvunza Jesu vakati, “Seiko vadzidzi venyu vachirega kurarama zviri maererano netsika dzavakuru, zvavanodya zvokudya zvavo ‘namaoko ane tsvina’?”
[6] Akapindura akati, “Isaya akataura zvakanaka paakaprofita pamusoro penyu imi vanyengeri; sezvazvakanyorwa zvichinzi: “ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni.
[7] Vanondinamata pasina; dzidziso dzavo dzinongova mirayiro inodzidziswa navanhu.’
[8] Makasiya mirayiro yaMwari mukachengetedza tsika dzavanhu.”
[9] Uye akati kwavari, “Mune nzira chaiyo yokuisa parutivi nayo mirayiro yaMwari kuitira kuti mucherechedze tsika dzenyuwo!
[10] Nokuti Mozisi akati, ‘Kudza baba vako namai vako,’ uye ‘Munhu upi zvake achatuka baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa.’
[11] Asi imi munoti, kana munhu akati kuna baba kana mai vake, ‘Rubatsiro rupi zvarwo rwamungadaro makagamuchira kubva kwandiri iKobhani’ (ndiko kuti, chipo chakapirwa kuna Mwari),
[12] ipapo hamuchamuregi achiitira baba kana mai vake chinhu chipi zvacho.
[13] Nokudaro munoparadza shoko raMwari nokuda kwetsika dzenyu dzamakachengeta kusvika zvino. Uye munoita zvinhu zvizhinji zvakadaro.”
[14] Jesu akadanazve kwaari vanhu vazhinji akati kwavari, “Nditeererei, imi mose, uye munzwisise izvi.
[15] Hakuna chinhu chinobva kunze ‘chinosvibisa’ munhu nokupinda maari. Asi icho chinobuda mumunhu ndicho chinoita kuti ‘asvibe.’
[16] Kana munhu ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”
[17] Zvino akati abva pavanhu vazhinji uye apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza pamusoro pomufananidzo uyu.
[18] Akati, “Hamunzwisisi seiko? Hamuoni kuti hakuna chinhu chinopinda mumunhu chichibva kunze chinogona ‘kumusvibisa’?
[19] Nokuti hazvipindi mumwoyo make asi mudumbu make, uyezve zvichizobuda mumuviri wake.” Nokutaura uku, Jesu akati zvokudya zvose zvakanaka.
[20] Akaenderera mberi achiti, “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinomusvibisa.
[21] Nokuti kubva mukati, kubva mumwoyo yavanhu ndimo munobuda mirangariro yakaipa, upombwe, kuba, kuuraya, ufeve,
[22] ruchiva, nouipi, kunyengera, utere, godo, kureva, manyawi noupenzi.
[23] Zvakaipa izvozvi zvose zvinobuda kubva mukati uye ‘zvinosvibisa munhu.’ ”
[24] Jesu akabva panzvimbo iyo akaenda pedyo neTire. Akapinda mumba akasada kuzivikanwa nomunhu; asi akanga asingagoni kuzvivanza.
[25] Zvakaitika ndezvokuti, paakangonzwa nezvake, mukadzi aiva nomwanasikana akanga akabatwa nomweya wetsvina akauya akawira patsoka dzake.
[26] Mukadzi uyu aiva muGiriki, akaberekerwa muFonishia yomuSiria. Akakumbirisa Jesu kuti adzinge dhimoni mumwanasikana wake.
[27] Jesu akati kwaari, “Vana vanofanira kutanga kudya zvavanoda, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chavana uchichikandira kumbwa dzavo.”
[28] Iye akapindura akati, “Hongu Ishe, asi kunyange imbwa dziri pasi petafura dzinodya zvimedu zvezvokudya zvavana wani.”
[29] Ipapo akati kwaari, “Nokuda kwemhinduro yakadai, enda hako; dhimoni rabva pamwanasikana wako.”
[30] Akadzokera kumba kwake akawana mwana wake avete pamubhedha, uye dhimoni raenda.
[31] Ipapo Jesu akabva kunzvimbo yeTire akaenda nokuSidhoni, akaburukira kuGungwa reGarirea uye nokudunhu reDhekapori.
[32] Ikoko vamwe vanhu vakauya kwaari nomurume akanga ari matsi uye asingagoni kunyatsotaura, uye vakamukumbira kwazvo kuti aise ruoko rwake pamusoro pomurume uyu.
[33] Akati aenda naye parutivi, kure noruzhinji, Jesu akaisa minwe yake munzeve dzake. Ipapo akapfira mate akabata rurimi rwomurume uya.
[34] Akatarisa kudenga uye nokugomera kukuru akati kwaari, “Efata!” (kureva kuti, “Dziuka!”)
[35] Pakarepo, nzeve dzomurume uya dzakadziuka, rurimi rwake rukasunungurwa uye akatanga kutaura zvakanaka.
[36] Jesu akavarayira kuti varege kutaurira kana munhu. Asi paakanyanya kuita izvozvo, ndipo pavakanyanya kutaura nezvazvo.
[37] Vanhu vakashamiswa zvikuru kwazvo. Vakati, “Akaita zvinhu zvose nenzira yakanaka. Anoita kuti kunyange matsi dzinzwe uye nembeveve dzitaure.”