Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 2:42

[1] Shoko guru pane izvozvi zvatiri kutaura ndiro iri rokuti: Tino muprista mukuru akadai, akagara kurudyi rwechigaro chaIshe kudenga,

[2] uye anoshumira muimba tsvene, iyo tabhenakeri chaiyo yakamiswa naIshe, kwete nomunhu.

[3] Muprista mukuru, mumwe nomumwe, akagadzwa kuti ape zvipo nezvibayiro kuna Mwari, naizvozvo zvakanga zvakafanira kuti uyu ave nechokubayirawo.

[4] Dai akanga ari panyika, angadai asina kuva muprista, nokuti vaprista vakanga varipo kare vaibayira zvipo sezvakarehwa nomurayiro.

[5] Vaishumira panzvimbo tsvene inova mufananidzo nomumvuri wezviri kudenga. Nokuda kweizvi Mozisi akayambirwa paakanga ava kuvaka tabhenakeri: “Uve nechokwadi kuti waita zvose maererano nomufananidzo wawakaratidzwa mugomo.”

[6] Asi ushumiri hwakapiwa Jesu hwakapfuura hwavo pakunaka sezvo ari murevereri wesungano inopfuura nokunaka pane sungano yakare, uye yakasimbiswa nezvipikirwa zviri nani.

[7] Nokuti dai pakanga pasina chakaipa nesungano yokutanga pangadai pasina kuwanikwa mukana weimwe sungano.

[8] Asi Mwari akaona kukanganisa kwavanhu ava akati: “Nguva inouya, ndizvo zvinotaura Ishe, yandichaita sungano itsva neimba yaIsraeri, uye neimba yaJudha,

[9] Haichazovi sesungano yandakaita namadzitateguru avo, pandakavabata noruoko kuti ndivabudise kubva muIjipiti, nokuti havana kuramba vakatendeka kusungano yangu, neniwo ndakavasiya, q4 ndizvo zvinotaura Ishe.

[10] Iyi ndiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri, mushure menguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Ishe. Ndichaisa mirayiro yangu mundangariro dzavo, uye ndichainyora pamwoyo yavo. Ndichava Mwari wavo, uye vachava vanhu vangu.

[11] Hakuna munhu achazodzidzisa muvakidzani wake, kana munhu kudzidzisa hama yake, achiti, ‘Ziva Ishe,’ nokuti vose vachandiziva, kubva kumuduku kusvikira kumukuru pakati pavo.

[12] Nokuti ndichavaregerera zvakaipa zvavo uye handizorangaririzve zvivi zvavo.”

[13] Nokuti akati sungano iyi “itsva,” ipapo akashayisa basa yokutanga; zvino chinhu chisisina basa uye chava chekare chichaparara nokukurumidza.

VaHebheru — Chapters