[1] Naizvozvo, sezvo chipikirwa chokupinda muzororo rake chichiripo, ngatichenjerei kuti kurege kuva nomumwe wenyu angatadza kusvikako.
[2] Nokuti nesuwo takanzwa vhangeri richiparidzwa kwatiri, saivo; asi shoko ravakanzwa harina kuvabatsira, nokuti ivo vakarinzwa havana kuribatanidza nokutenda.
[3] Zvino isu tinotenda tinopinda muzororo iroro, sezvakareva Mwari achiti, “Naizvozvo ndakapika mhiko mukutsamwa kwangu, kuti, ‘Havazopindi muzororo rangu.’ ” Uye kunyange zvakadaro basa rake akapedza kubva pakusikwa kwenyika.
[4] Nokuti pane imwe nzvimbo akataura mashoko aya pamusoro pezuva rechinomwe. “Zvino pazuva rechinomwe Mwari akazorora kubva pabasa rake rose.”
[5] Uyezve mundima iri pamusoro anoti, “Havazopindi muzororo rangu.”
[6] Ichokwadi kuti vamwe vachapinda muzororo iroro, uye vaya vakatanga kuparidzirwa vhangeri kare havana kupinda, nokuda kwokusateerera kwavo.
[7] Naizvozvo Mwari akaisazve rimwe zuva rinonzi Nhasi, paakataura kare kubudikidza naDhavhidhi, sezvazvakataurwa pakutanga zvichinzi: “Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu.”
[8] Nokuti dai Joshua akanga avapa zororo, Mwari angadai asina kuzotaurazve nezverimwe zuva.
[9] Naizvozvo richiripo, zororo reSabata ravanhu vaMwari;
[10] nokuti ani naani anopinda muzororo raMwari anozororawo pabasa rake, sezvakaita Mwari pane rake.
[11] Naizvozvo ngatishingairirei kuti tipinde muzororo iro, kuitira kuti pashayikwe achawa nokuda kwokutevera muenzaniso wavo wokusateerera.
[12] Nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba. Rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kunyange kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.
[13] Hakuna chisikwa chakavanzika pamberi paMwari. Zvinhu zvose zviri pachena uye zvakafukurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.
[14] Naizvozvo, zvatino muprista mukuru kwazvo, akapinda napakati pamatenga, Jesu Mwanakomana waMwari, ngatibatisisei kutenda kwatinopupura.
[15] Nokuti hatina muprista mukuru asingagoni kutinzwira tsitsi pautera hwedu, asi tinaye akaedzwa pazvinhu zvose, sesu, asi asina chivi.
[16] Ngatiswederei tisingatyi pachigaro choushe chenyasha, kuitira kuti tigogamuchira ngoni uye tigowana nyasha, tibatsirwe panguva yokushayiwa.