[1] Zvino kutenda ndiko kuva nechokwadi nezvinhu zvatinotarisira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni.
[2] Nokuti izvi ndizvo zvakaita kuti vanhu vekare vapupurirwe zvakanaka.
[3] Nokutenda tinonzwisisa kuti nyika yakaitwa nokurayira kwaMwari, zvokuti zvinhu zvinoonekwa zvakaitwa kubva pane zvinhu zvisingaonekwi.
[4] Nokutenda Abheri akapa Mwari chibayiro chiri nani pane chaKaini. Nokutenda akapupurirwa kuti akanga ari munhu akarurama, Mwari paakataura zvakanaka pamusoro pezvipo zvake. Uye nokutenda achiri kutaura nazvino kunyange zvake akafa.
[5] Nokutenda Enoki akatorwa kubva paupenyu huno, zvokuti haana kuona rufu; akasaonekwa, nokuti Mwari akanga amutora; nokuti asati atorwa, akanga achipupurirwa somunhu aifadza Mwari.
[6] Uye pasina kutenda hazvibviri kufadza Mwari, nokuti ani naani anouya kwaari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa vanomutsvaka nomwoyo wose mubayiro wavo.
[7] Nokutenda Noa, akati anyeverwa pamusoro pezvinhu zvakanga zvichigere kuonekwa, akavaka areka nokutya Mwari kuti aponese mhuri yake. Nokutenda kwake akapa nyika mhosva uye akava mugari wenhaka yokururama kunouya nokutenda.
[8] Nokutenda Abhurahama, akati adanwa kuti aende kunzvimbo iyo yaaizogamuchira kuti ive nhaka yake, akateerera akaenda, kunyange zvazvo akanga asingazivi kwaaienda.
[9] Nokutenda akandogara somutorwa munyika yechipikirwa, saanogara munyika yavamwe; akagara mumatende, sezvakaita Isaka naJakobho, vakanga vari vadyi venhaka yechipikirwa pamwe chete naye.
[10] Nokuti akanga achitarisira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro.
[11] Nokutenda Abhurahama, kunyange zvake akanga apfuura zera, uye Sara pachake akanga asingabereki, akapiwa simba rokuva baba, nokuti akati iye akamupikira akatendeka.
[12] Uye nokudaro kubva pamunhu mumwe, akanga oita seafa, kwakava nezvizvarwa zvakawanda senyeredzi dzokudenga, zvisingaverengeki sejecha pamahombekombe egungwa.
[13] Vanhu ava vose vakanga vachirarama nokutenda kusvikira panguva yokufa. Havana kuwana zvinhu zvavakavimbiswa; vakangozviona chete vakazvigamuchira zviri kure. Uye vakabvuma kuti ivo vakanga vari vaeni navatorwa panyika.
[14] Vanhu vanotaura zvinhu zvakadai vanoratidza kuti vari kutsvaka nyika yavo chaiyo.
[15] Dai vakanga vachifunga nyika yavakabva kwairi vangadai vakawana mukana wokudzokera.
[16] Asi vakanga vachishuva nyika yakanaka, iyo yokudenga. Naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo kuti anzi Mwari wavo, nokuti akavagadzirira guta.
[17] Nokutenda Abhurahama, paakaedzwa naMwari, akapa Isaka sechibayiro. Iye akanga agamuchira zvipikirwa akanga obayira mwanakomana wake mumwe oga,
[18] kunyange zvazvo Mwari akanga akati kwaari, “Nokuna Isaka zvizvarwa zvako zvichazovapo.”
[19] Abhurahama akafunga akati Mwari aigona kumutsa vakafa, uye tichitaura nomufananidzo, akagamuchira Isaka kubva kuvakafa.
[20] Nokutenda Isaka akaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvaizoitika.
[21] Nokutenda Jakobho, paakanga ava kufa akaropafadza mwanakomana mumwe nomumwe waJosefa, uye akanamata akazendamira pamusoro pomudonzvo wake.
[22] Nokutenda, Josefa, magumo ake ava pedyo, akataura zvokubuda kwavaIsraeri kubva muIjipiti uye akarayira pamusoro pamapfupa ake.
[23] Nokutenda Mozisi paakaberekwa, vabereki vake vakamuviga kwemwedzi mitatu, nokuti vakaona kuti akanga ari mwana akanaka uye havana kutya murayiro wamambo.
[24] Nokutenda Mozisi akati akura, akaramba kunzi mwanakomana womwanasikana waFaro.
[25] Akasarudza kutambudzwa pamwe chete navanhu vaMwari pano kufadzwa kwenguva duku namafaro ezvivi.
[26] Akati kuzvidzwa nokuda kwaKristu ipfuma huru kupfuura kupfuma kwose kweIjipiti, nokuti akanga achitarira mberi kumubayiro.
[27] Nokutenda akabva muIjipiti asingatyi kutsamwa kwamambo; akatsungirira nokuti akanga aona iye asingaonekwi.
[28] Nokutenda akavamba Pasika nokusasa ropa, kuitira kuti muurayi wamatangwe arege kuuraya matangwe eIsraeri.
[29] Nokutenda vanhu vakayambuka Gungwa Dzvuku, sapanyika yakaoma; asi vaIjipita pavakaedza kuzviita vakanyura.
[30] Nokutenda masvingo eJeriko akawira pasi, mushure mokunge vanhu vafamba vachiapoteredza kwamazuva manomwe.
[31] Nokutenda Rahabhi chifeve, haana kufa pamwe chete navasina kuteerera, nokuti akanga agamuchira vasori norugare.
[32] Uye ndichataureiko zvimwe? Handichina nguva yokutaura pamusoro paGidheoni, Bharaki, Samusoni, Jefuta, Dhavhidhi, Samueri, navaprofita,
[33] vakakunda ushe nokutenda, vakatonga nokururamisira, uye vakawana zvakanga zvavimbiswa; vakadzivira miromo yeshumba,
[34] vakadzima simba romoto, uye vakapunyuka kubva pamunondo unopinza, utera hwavo hwakashandurwa hukava simba uye vakava nesimba guru pakurwa vakakunda hondo dzamamwe marudzi.
[35] Vakadzi vakagamuchirazve vakanga vafa vavo vamutswa kuti vave vapenyu zvakare. Vamwe vakatambudzwa vakaramba kusunungurwa, kuitira kuti vagozopiwa kumuka kuri nani pakunaka.
[36] Vamwe vakasekwa uye vakarohwa, uyezve vamwe vakasungwa vakaiswa mutorongo.
[37] Vakatakwa namabwe; vamwe vakaitwa zvidimbu zviviri; vakaurayiwa nomunondo. Vakafamba vakapfeka matehwe amakwai namatehwe embudzi, vasina chinhu, vakatambudzwa uye vakaitirwa zvakaipa,
[38] nyika yakanga isina kufanirwa navo. Vaidzungaira murenje nomumakomo, mumapako nomumakomba enyika.
[39] Vose ava vakapupurirwa kutenda kwavo, asi hapana kana mumwe wavo akagamuchira zvakanga zvavimbiswa.
[40] Mwari akanga atigadzirira chimwe chinhu chiri nani pakunaka, kuitira kuti ivo pamwe chete nesu tigoitwa vakakwana.