[1] Rambai mune rudo pakati penyu sehama.
[2] Musakanganwa kuitira vaeni rudo, nokuti vamwe mukuita izvi vakashumira vatumwa vasingazvizivi.
[3] Rangarirai vaya vari mutorongo somunenge makasungwa pamwe chete navo, uye navaya vanoitirwa zvakaipa sokunge imi pachenyu ndimi muri kutambudzwa.
[4] Kuwanana ngakukudzwe navose, uye nhoo yewanano ngairege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga mhombwe navose vanofeva.
[5] Musakarira mari pamagariro enyu uye mugutsikane nezvamunazvo, nokuti Mwari akati: “Handingatongokusiyei; handingatongokurasei.”
[6] Saka tinotsunga mwoyo, tichiti: “Ishe ndiye mubatsiri wangu, handingatyi. Munhu angandiiteiko?”
[7] Rangarirai vatungamiri venyu vakakuparidzirai shoko raMwari. Cherechedzai kuguma kwokufamba kwavo muupenyu mugotevera kutenda kwavo.
[8] Jesu Kristu anogara akadaro zuro nanhasi nokusingaperi.
[9] Musatorwa nedzidziso dzimwe dzose dzose dzisingazivikanwi. Zvakanaka kuti mwoyo yedu isimbiswe nenyasha, kwete nezvokudya zvemitambo, zvisina kubatsira vaya vakazvidya.
[10] Tine aritari isingatenderwi vanoshumira patabhenakeri kuti vadyepo.
[11] Muprista mukuru anopinda neropa remhuka muNzvimbo Tsvene-tsvene sechipiriso chechivi, asi mitumbi yacho inopisirwa kunze kwomusasa.
[12] Uye naizvozvo Jesu akatambudzikawo ari kunze kwesuo reguta kuti aite kuti vanhu vave vatsvene kubudikidza neropa rake.
[13] Naizvozvo, ngatiendei kwaari kunze kwomusasa, titakure kunyadziswa kwake.
[14] Nokuti pano hatina guta ratichagara, asi isu tinotsvaka richauya.
[15] Naizvozvo, kubudikidza naJesu ngatirambei tichipa kuna Mwari chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibayiro chemiromo inopupura zita rake.
[16] Uye musakanganwa kuita zvakanaka nokugoverana navamwe, nokuti Mwari anofadzwa nezvibayiro zvakadai.
[17] Teererai vatungamiri venyu, muzviise pasi pavo nokuti vanochengeta mweya yenyu, savanhu vachazobvunzwa pamusoro penyu. Vateererei kuitira kuti basa ravo rive mufaro, kwete mutoro, nokuti izvozvo hazvingakubatsirei chinhu.
[18] Tinyengeterereiwo. Tine chokwadi chokuti tine hana yakanaka uye tinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose.
[19] Ndinokukumbirai zvikuru kuti munyengetere, kuti ndigokurumidza kudzoserwa kwamuri.
[20] Mwari worugare, akadzosa kubva kuvakafa Ishe wedu Jesu iye mufudzi mukuru wamakwai, kubudikidza neropa resungano isingaperi,
[21] ngaakukwanisei nezvinhu zvose zvakanaka kuti muite kuda kwake, uye ngaaite mukati medu zvinhu zvinomufadza, nokuna Kristu Jesu, ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.
[22] Hama dzangu ndinokurayirai kuti mutende shoko rangu rokurayira, nokuti ndakunyorerai tsamba duku.
[23] Ndinoda kuti muzive kuti hama yedu Timoti akasunungurwa. Kana akakurumidza kusvika, ndichauya naye kuzokuonai.
[24] Kwazisai vatungamiri venyu vose uye navanhu vose vaMwari. VokuItaria vanokukwazisai.
[25] Nyasha ngadzive nemi mose.