Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 3:15

[1] Mumazuva iwayo vadzidzi zvavakanga vachiwedzerwa pauwandu, vaJudha vaitaura chiGiriki vaiva pakati pavo vakagununʼuna pamusoro pavaJudha vaitaura chiHebheru nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikwa pakugoverwa kwezvokudya zvemisi yose.

[2] Saka vane gumi navaviri vakaunganidza vadzidzi vose pamwe chete vakati, “Hazvingavi zvakanaka kwatiri kuti tirege ushumiri hweshoko raMwari kuti tishande pamatafura.

[3] Hama, sarudzai varume vanomwe pakati penyu vanozivikanwa kuti vakazadzwa noMweya nouchenjeri. Isu tichaisa basa iri kwavari,

[4] uye ticharamba tiri pakunyengetera napaushumiri hweshoko.”

[5] Shoko iri rakafadza boka rose. Vakasarudza Sitefani, murume akanga azere nokutenda uye noMweya Mutsvene; uyezve Firipi, Pirokorasi, Nikano, Timoni, Pamenasi, naNikorasi aibva kuAndioki, akanga akatendeukira kuchitendero chechiJudha.

[6] Vakaisa varume ava kuvapostori, ivo vakavanyengeterera vakaisa maoko pamusoro pavo.

[7] Saka shoko raMwari rakapararira. Vadzidzi vakawanda kwazvo paJerusarema, uye boka guru ravaprista rakagamuchira kutenda.

[8] Zvino Sitefani, murume akanga azere nenyasha dzaMwari nesimba, akaita zvishamiso zvikuru nezviratidzo pakati pavanhu.

[9] Kusapindirana kwakamuka, kuchibva kunhengo dzeSinagoge reVokusununguka (ndiro raiva zita ravo), vaJudha vokuSairini nevokuArekizandiria pamwe chete namatunhu eKirikia neEzhia. Varume ava vakatanga kukakavadzana naSitefani,

[10] asi havana kugona kukunda uchenjeri hwake kana Mweya waaitaura nawo.

[11] Ipapo vakakurudzira vamwe varume muchivande kuti vati, “Tanzwa Sitefani achitaura mashoko okumhura Mozisi naMwari.”

[12] Nokudaro vakamutsa mwoyo yavanhu navakuru uye navadzidzisi vomurayiro. Vakabata Sitefani vakamuuyisa pamberi peDare Guru.

[13] Vakabudisa zvapupu zvenhema, zvikati, “Munhu uyu haamboregi kutaura zvakaipa pamusoro penzvimbo tsvene ino uye napamusoro pomurayiro.

[14] Nokuti takamunzwa achiti Jesu uyu weNazareta achaparadza nzvimbo ino uye agoshandura tsika dzatakapiwa naMozisi.”

[15] Vose vakanga vagere muDare Guru vakatarisisa Sitefani vakaona kuti chiso chake chakanga chaita sechiso chomutumwa.

Mabasa aVapostori — Chapters