Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 7:48

[1] Akasvika kuDhebhe ndokuzoenda kuRistira, kwaigara mudzidzi ainzi Timoti, uye mai vake vakanga vari muJudha, vari mutendi, asi baba vake vakanga vari muGiriki.

[2] Hama dzapaRistira neIkoniamu dzakanga dzichimupupurira zvakanaka.

[3] Pauro akada kumutora kuti aende naye parwendo, saka akamudzingisa nokuda kwavaJudha vaigara munzvimbo iyoyo, nokuti vose vaiziva kuti baba vake vaiva muGiriki.

[4] Pavakafamba muguta neguta, vakasvitsa mashoko akanga ataurwa navapostori navakuru vomuJerusarema kuti vanhu vaateerere.

[5] Nokudaro kereke dzakasimbiswa mukutenda uye dzakawedzerwa zuva rimwe nerimwe pauwandu.

[6] Pauro nevaaiva navo vakafamba nomumatunhu eFirigia neGaratia, vamborambidzwa naMweya Mutsvene kuparidza shoko mudunhu reEzhia.

[7] Vakati vasvika pamuganhu weMisia, vakaedza kupinda muBhitinia, asi Mweya waJesu hauna kuvabvumira.

[8] Saka vakapfuura napaMisia vakadzika kuTroasi.

[9] Panguva dzousiku, Pauro akaona chiratidzo chomurume weMasedhonia amire achimukumbira achiti, “Yambukirai kuno kuMasedhonia muzotibatsira.”

[10] Shure kwokunge Pauro aona chiratidzo, takagadzirira pakarepo kuti tibve tiende kuMasedhonia, tagutsikana kuti Mwari akanga atidana kuti tindovaparidzira vhangeri.

[11] Tichibva paTroasi takananga kugungwa tikakwira chikepe ndokunanga kuSamotirasi, uye zuva rakatevera takasvika paNeaporisi.

[12] Kubva ipapo takaenda kuFiripi, nyika yaitongwa navaRoma uye guta guru redunhu reMasedhonia. Uye takagara mazuva mazhinji ipapo.

[13] Nomusi weSabata takabuda kunze kwesuo reguta kurwizi, kwataitarisira kuwana nzvimbo yokunyengeterera. Takasvikogara pasi ndokubva tatanga kutaura kumadzimai akanga akaungana ipapo.

[14] Mumwe waavo vakanga vakateerera aiva mudzimai ainzi Ridhia, aiva nebasa rokutengesa nguo dzomucheka wepepuru dzaibva kuguta reTiatira, ainamata Mwari. Ishe akazarura mwoyo wake kuti agamuchire mashoko aPauro.

[15] Akati abhabhatidzwa iye neveimba yake, vakatikoka kumba kwake akati, “Kana muchiona kuti ndiri mutendi muna She, uyaiwo mugare kumba kwangu.” Akatikumbirisa tikatenda.

[16] Nerimwe zuva patakanga tichienda kunzvimbo yokunyengeterera, takasangana nomusikana akanga ari nhapwa akanga ane mweya wokuvuka. Aiwanira vatenzi vake mari zhinji nokuvuka kwake.

[17] Musikana uyu aitevera Pauro nesu, achidanidzira achiti, “Varume ava varanda vaMwari Wokumusoro-soro, vari kukuudzai nzira yoruponeso.”

[18] Akaramba achiita izvi kwamazuva mazhinji. Pakupedzisira Pauro akashushikana zvikuru zvokuti akatendeuka akati kumweya uyu, “Muzita raJesu Kristu ndinokurayira kuti ubude maari!” Nenguva yakare iyoyo mweya wakabva maari.

[19] Vatenzi vomusikana akanga ari nhapwa vakaona kuti tariro yavo yokuita mari yakanga yapera, vakabata Pauro naSirasi vakavazvuzvurudzira pachivara pamberi pavo.

[20] Vakavamisa pamberi pavatongi vakati, “Varume ava vaJudha, uye vamutsa bope muguta redu

[21] vachidzidzisa tsika dzisingabvumirwi nesu vaRoma kuti tidzigamuchire kana kudziita.”

[22] Ungano yakabatana pakurwisa Pauro naSirasi, uye vatongi vakarayira kuti nguo dzavo dzibvarurwe uye kuti varohwe.

[23] Shure kwokurohwa zvikuru, vakaiswa mutorongo, uye muchengeti wetorongo akarayirwa kuti avachengetedze kwazvo.

[24] Akati agamuchira kurayira uku, akavaisa muchitokisi chomukati akasungirira tsoka dzavo pamatanda.

[25] Panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera uye vachiimba nziyo kuna Mwari, uye vamwe vasungwa vakanga vakavateerera.

[26] Pakarepo pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru zvokuti nheyo dzetorongo dzakazungunuka. Kamwe kamwe masuo etorongo akazaruka, uye ngetani dzavanhu vose dzakasununguka.

[27] Muchengeti wetorongo akamuka, uye paakaona masuo etorongo azaruka akavhomora munondo wake akada kuzviuraya nokuti akafunga kuti vasungwa vakanga vapunyuka.

[28] Asi Pauro akadanidzira achiti, “Usazvikuvadza! Tiri muno tose!”

[29] Muchengeti wetorongo akadanidzira kuti mwenje itungidzwe, akapinda achimhanya ndokusvikowira pamberi paPauro naSirasi achidedera.

[30] Ipapo akavabudisa kunze akati kwavari, “Vakuru, ndingaita sei kuti ndiponeswe?”

[31] Vakapindura vakati, “Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako.”

[32] Ipapo vakataura shoko raShe kwaari nokuna vose vakanga vari mumba.

[33] Nenguva yousiku iyoyo, muchengeti wetorongo akavatora akashambidza maronda avo; uye pakarepo, akabhabhatidzwa iye nemhuri yake.

[34] Muchengeti wetorongo akaenda navo kumba kwake akavagadzirira zvokudya; akazadzwa nomufaro nokuti akanga atenda kuna Mwari, iye nemhuri yake.

[35] Kwakati kwaedza, vatongi vakatuma vabati vavo kumuchengeti wetorongo neshoko rokuti: “Sunungura varume vaya.”

[36] Muchengeti wetorongo akati kuna Pauro, “Vatongi varayira kuti iwe naSirasi musunungurwe. Zvino mungaenda henyu. Endai norugare.”

[37] Asi Pauro akati kumubati, “Vakatirova pachena tisina kutongwa, kunyange zvedu tiri vaRoma, uye vakatiisa mutorongo. Uye zvino vava kuda kutiregedza chinyararire here? Kwete! Ngavauye ivo vagotibudisa.”

[38] Vabati vakandozivisa vatongi izvozvo, uye ivo vakati vanzwa kuti Pauro naSirasi vakanga vari vaRoma, vakatya kwazvo.

[39] Vakauya kuzovanyengetedza ndokuvabudisa mutorongo, vachivakumbira kuti vabve muguta.

[40] Shure kwokubuda kwaPauro naSirasi mutorongo, vakaenda kumba kwaRidhia, kwavakandosangana nehama uye vakavakurudzira. Ipapo vakaenda havo.

Mabasa aVapostori — Chapters