[1] “Hama nemi madzibaba, teererai kuzvidavirira kwangu zvino.”
[2] Pavakanzwa achitaura kwavari nechiHebheru, vakanyanya kunyarara. Ipapo Pauro akati,
[3] “Ini ndiri muJudha, akaberekerwa kuTasasi yeSirisia, asi ndakarerwa muguta rino. Pasi paGamarieri ndakanyatsodzidziswa mutemo wamadzibaba edu uye ndakanga ndichishingairira Mwari sezvamunoita imi nhasi.
[4] Ndakatambudza vateveri veNzira iyi kusvikira pakufa kwavo, ndichisunga zvose varume navakadzi ndichivaisa mutorongo,
[5] sezvandingapupurirwawo nomuprista mukuru namakurukota ose. Ndakapiwa matsamba aibva kwavari okuenda nawo kuhama dzavo dzaiva muDhamasiko, ndikaenda ikoko kuti ndinouya navanhu ava kuJerusarema savasungwa kuti vazorangwa.
[6] “Nenguva dzinenge dzamasikati pandakanga ndoswedera pedyo neDhamasiko, pakarepo chiedza chakabva kudenga chikandipenyera kumativi ose.
[7] Ndakawira pasi ndikanzwa inzwi richiti kwandiri, ‘Sauro! Sauro! Unonditambudzireiko?’
[8] “Ndakati, ‘Ndimi aniko, Ishe?’ “Iye akati, ‘Ndini Jesu weNazareta, wauri kutambudza.’
[9] Shamwari dzangu dzakaona chiedza, asi hadzina kunzwa inzwi raiye akanga achitaura neni.
[10] “Ndakabvunza ndikati, ‘Munoda kuti ndiiteiko Ishe?’ “Ishe akati, ‘Simuka, upinde muDhamasiko. Imomo ndimo mauchandoudzwa zvose zvawakatarirwa kuti uite.’
[11] Shamwari dzangu dzakandisesedza pakupinda kwangu muDhamasiko, nokuti kuvaima kwechiedza kwakanga kwandipofumadza.
[12] “Murume ainzi Ananiasi akauya kuzondiona. Akanga akazvipira pakunamata Mwari nokucherechedza murayiro uye aikudzwa zvikuru navaJudha vose vaigaramo.
[13] Akamira neni akati, ‘Hama Pauro, chiona!’ uye nenguva yakare iyoyo ndakakwanisa kumuona.
[14] “Ipapo akati, ‘Mwari wamadzibaba edu akusarudza iwe kuti uzive kuda kwake uone Iye Akarurama uye unzwe mashoko anobva mumuromo make.
[15] Uchava chapupu chake kuvanhu vose, chezvawakaona nezvawakanzwa.
[16] Saka zvino wakamirireiko? Simuka ubhabhatidzwe usukwe zvivi zvako, udane kuzita rake.’
[17] “Pandakadzokera kuJerusarema, uye ndichinyengetera ndiri mutemberi, ndakabatwa nomweya
[18] ndikaona Ishe achitaura kwandiri achiti, ‘Kurumidza kubva muJerusarema izvozvi, nokuti vanhu havangagamuchiri uchapupu hwako.’
[19] “Ndakapindura ndikati, ‘Ishe, vanhu ava vanoziva kuti ndakanga ndichienda musinagoge rimwe nerimwe kuti ndinosunga uye ndirove vaya vaitenda kwamuri.
[20] Uye pavakateura ropa raSitefani chapupu chenyu, ndakanga ndimirepo ndichitenderana nazvo uye ndakachengeta nhumbi dzaivo vaimuuraya.’
[21] “Ipapo Ishe akati kwandiri, ‘Enda, nokuti ndichakutuma kure kune veDzimwe Ndudzi.’ ”
[22] Vanhu vakamuteerera kusvikira ataura izvi. Ipapo vakadanidzira vachiti, “Mubvisei panyika! Haafaniri kurarama!”
[23] Pavakanga vachiita mheremhere vachikanda nguo dzavo pasi, uye vachikushira ivhu mudenga,
[24] mukuru wavarwi akarayira kuti Pauro aendeswe kudzimba dzavarwi. Akarayira kuti arohwe uye abvunzwe kuitira kuti vazive kuti nemhaka yei vanhu vakanga vachimupopotera kudai.
[25] Pavakamusunga kuti vamurove, Pauro akati kumukuru wezana akanga amirepo, “Munotenderwa here nomutemo kuti murove muRoma, asina kana kutombowanikwa ane mhosva?”
[26] Mukuru wezana akati anzwa izvi, akaenda kumukuru wavarwi akandomuzivisa izvozvo, akati, “Muchaita seiko zvino? Munhu uyu muRoma.”
[27] Mukuru wavarwi akaenda kuna Pauro akati, “Nditaurire, uri muRoma here iwe?” Akapindura akati, “Hongu, ndiri muRoma.”
[28] Mukuru wehondo akati, “Ini ndakaita zvokutenga nomutengo mukuru kuti ndive muRoma.” Pauro akati, “Ini ndakaberekwa ndiri muRoma.”
[29] Vaya vakanga voda kumubvunza vakabva varega pakarepo. Mukuru wamauto pachake akatya paakaona kuti akanga asunga Pauro, muRoma, nengetani.
[30] Zuva rakatevera, sezvo mukuru wavarwi aida kuziva chaizvoizvo kuti sei Pauro akanga achipomerwa mhosva navaJudha, akamusunungura akarayira kuti vaprista vakuru neDare Guru ravaJudha vaungane. Ipapo akatora Pauro akamumisa pamberi pavo.