[1] Mubhuku rangu rokutanga, Teofirasi, ndakanyora pamusoro pezvose zvakatanga kuitwa uye nokudzidziswa naJesu
[2] kusvikira pazuva raakakwidzwa kudenga, shure kwokunge arayira, kubudikidza noMweya Mutsvene, vapostori vaakanga asarudza.
[3] Mushure mokutambudzika kwake, akazviratidza kuvarume ava uye akaratidza zviratidzo zvakasimba zvizhinji zvokuti akanga ari mupenyu. Akaonekwa navo mazuva anopfuura makumi mana uye akataura nezvoumambo hwaMwari.
[4] Pane imwe nguva, paakanga achidya navo, akavarayira achiti, “Musabva muJerusarema, asi mumirire chipo chakavimbiswa naBaba vangu, icho chamakandinzwa ndichitaura pamusoro pacho.
[5] Nokuti Johani akabhabhatidza nemvura, asi mushure mamazuva mashoma muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene.”
[6] Saka, vakati vaungana pamwe chete, vakamubvunza vakati, “Ishe, mava kuzodzosera ushe kuvaIsraeri panguva ino here?”
[7] Akati kwavari, “Hazvisi kwamuri kuti muzive nguva kana musi wakatarwa naBaba nesimba ravo pachavo.
[8] Asi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, nomuJudhea mose, nomuSamaria, kusvikira kumigumo yenyika.”
[9] Mushure mokunge ataura izvi, akakwidzwa kudenga pamberi pameso avo chaipo, uye gore rikamufukidza vakasazomuona.
[10] Vakanga vakatarisisa paakanga achienda, uye pakarepo varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena vakamira pavari.
[11] Vakati kwavari, “Varume veGarirea, makamirireiko pano makatarisa kudenga? Iyeyu Jesu abviswa kwamuri achienda kudenga, achadzokazve sezvamamuona achienda kudenga.”
[12] Ipapo vakadzokera kuJerusarema vachibva kugomo rinonzi reMiorivhi, rwendo rwezuva reSabata uchibva kuguta.
[13] Vakati vasvika, vakakwira kuimba yapamusoro kukamuri ravaigara. Vakanga varipo vaiti: Petro, Johani, Jakobho naAndirea; Firipi naTomasi; Bhatoromeo naMateo; Jakobho mwanakomana waArifeasi naSimoni muZeroti, uye naJudhasi mwanakomana waJakobho.
[14] Vakabatana vose pakuramba vachinyengetera, pamwe chete navakadzi uye naMaria mai vaJesu, navanunʼuna vake.
[15] Mumazuva iwayo, Petro akasimuka pakati pavatendi (ungano yaida kusvika zana namakumi maviri)
[16] akati, “Hama, Rugwaro rwaifanira kuzadziswa rwakataurwa noMweya Mutsvene nomuromo waDhavhidhi pamusoro paJudhasi, uyo akabatsira kutungamirira vaya vakasunga Jesu,
[17] akanga ari mumwe wedu uye akanga ano mugove muushumiri uhu.”
[18] (Nomubayiro waakawana nokuda kwokuipa kwake, Judhasi akatenga munda; imomo ndimo maakawira pasi nomusoro, muviri wake ukaputika, ura hwake hukabuda.
[19] Munhu wose akanzwa nezvazvo muJerusarema, saka vakatumidza munda uya nomutauro wavo kuti Akeridhama, ndiko kuti, Munda weRopa.)
[20] Petro akati, “Nokuti kwakanyorwa mubhuku raMapisarema kuti, “ ‘Musha wake ngauve dongo; ngakurege kuva nomunhu anogaramo,’ uye kuti, “ ‘Mumwe ngaatore nzvimbo yake youtungamiri.’
[21] Naizvozvo zvakafanira kuti kusarudzwe mumwe murume akanga anesu nguva yose Ishe Jesu paaipinda nokubuda pakati pedu,
[22] kutanga parubhabhatidzo rwaJohani kusvikira panguva yakabviswa Jesu kwatiri. Nokuti mumwe waava anofanira kuva chapupu chokumuka kwake, pamwe chete nesu.”
[23] Saka vakasarudza varume vaviri vaiti: Josefa ainzi Bhanabhasi (aizivikanwawo sokunzi Jastasi) naMatiasi.
[24] Ipapo vakanyengetera vachiti, “Ishe, munoziva mwoyo yavanhu vose. Tiratidzei pakati pavaviri ava wamasarudza
[25] kuti atore basa iri roupostori, rakasiyiwa naJudhasi achienda kunzvimbo yake.”
[26] Ipapo vakakanda mijenya, uye mujenya ukawira kuna Matiasi; saka akawedzerwa kuvapostori vane gumi nomumwe.