Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 3:27

[1] Handifaniri kunge ndichikunyorerai pamusoro poushumiri kuvatsvene.

[2] Nokuti ndinoziva kuda kwamunako kuti mubatsire, uye ndakanga ndichizvirumbidza nokuda kwaizvozvo kuna veMasedhonia, ndichivaudza kuti kubvira gore rakapera, imi vari muAkaya makanga matogadzirira kupa; uye kushingaira kwenyu kwakamutsa vazhinji vavo kuti vapewo.

[3] Asi ndiri kutumira hama kuitira kuti kuzvirumbidza kwedu pamusoro penyu nokuda kwenyaya iyi kurege kuratidzwa pasina chinhu, asi kuti muve makagadzirira sezvandakataura kuti muite.

[4] Nokuti zvimwe kana vamwe veMasedhonia vakauya neni uye vakakuwanai musina kugadzirira, isu tisingarevi chimwe chinhu pamusoro penyu, tichanyadziswa nokuda kwokuti takanga tichivimba nemi.

[5] Saka ndakaona zvakafanira kuti ndikurudzire hama kuti dzikushanyirei pachine nguva uye kuti mugopedzisa kugadzirira nezvechipo chikuru chamakavimbisa. Ipapo chichava chipo chakagadzirirwa chakapiwa nomufaro, kwete sechipo chokumanikidzirwa.

[6] Rangarirai chinhu ichi: Ani naani anodyara zvishoma achakohwawo zvishoma, uye ani naani anodyara zvizhinji achakohwawo zvizhinji.

[7] Munhu mumwe nomumwe ngaape sezvaakafunga mumwoyo make kuti ape, kwete kupa achitsutsumwa kana kuti achimanikidzwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa nomufaro.

[8] Uye Mwari anogona kuita kuti nyasha dziwande kwamuri, kuitira kuti muzvinhu zvose, panguva dzose, muine zvose zvamunoda, muchakwanisa kuita mabasa ose akanaka.

[9] Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Akaparadzira zvipo zvake kuvarombo; kururama kwake kunogara nokusingaperi.”

[10] Zvino iye anopa mbeu kumudyari nechingwa chokudya achakupaiwo uye achakupaiwo mbeu zhinji mudura renyu uye agokupaiwo kukohwa kukuru kwokururama kwenyu.

[11] Muchapfumiswa pane zvose kuti mugogona kupa panguva dzose, uye kubudikidza nesu kupa kwenyu kuchaita kuti Mwari avongwe.

[12] Ushumiri uhu hwamunoita, hahusi hwokungopa vanhu vaMwari zvavanoshayiwa bedzi, asi kuti huri kufashukirawo mukuvonga kuzhinji kuna Mwari.

[13] Nokuda kwoushumiri uhwo hwamakazviratidza nahwo, vanhu vacharumbidza Mwari nokuda kwokuteerera kwenyu kunoenderana nokupupura kwenyu vhangeri raKristu, uye nokuda kwokugoverana kwenyu navo zvizhinji uye navamwe vose.

[14] Uye muminyengetero yavo pamusoro penyu mwoyo yavo ichakushuvai, nokuda kwenyasha huru kwazvo dzamakapiwa naMwari.

[15] Mwari ngaavongwe nokuda kwechipo chake chisingagoni kurondedzerwa!

2 VaKorinde — Chapters