Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 4:28

[1] Uye zvino, hama, tinoda kuti muzive pamusoro penyasha dzakapiwa naMwari kukereke dzeMasedhonia.

[2] Pakati pokuedzwa kukuru, mufaro wavo mukuru nokushayiwa kwavo kukuru zvakaita kuti vape zvizhinji.

[3] Nokuti ndinopupura kuti vakapa napavaigona napo, uye kunyange kutopfuura pavaigona napo. Vakaita zvose izvi nokuda kwavo,

[4] vakakumbirisa kwazvo kwatiri kuti vawane mukana wokugoverana nesu muushumiri uhu kuvatsvene.

[5] Uye havana kuita sezvataifunga bedzi, asi kuti vakazvipa ivo pachavo kutanga kuna Ishe mushure mezvo vakazvipa kwatiri maererano nokuda kwaMwari.

[6] Saka takakumbira zvikuru Tito, kuti sezvaakanga atanga, apedzisewo basa iri renyasha kwamuri.

[7] Asi sezvamakagonesesa pazvinhu zvose, pakutenda, pakutaura, pakuziva, napakushingaira kwose uye nomurudo rwenyu, onaiwo kuti mugonesese munyasha idzi dzokupa.

[8] Handisi kukurayirai, asi kuti ndinoda kuedza kutendeka kwerudo rwenyu nokukuenzanisa nokushingaira kwavamwe.

[9] Nokuti munoziva nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, kuti kunyange zvake akanga ari mupfumi, asi nokuda kwenyu akava murombo, kuitira kuti kubudikidza nourombo hwake imi mugopfumiswa.

[10] Uye herino zano rangu pane zvichakubatsirai pachinhu ichi: Gore rakapera makava vokutanga kwete pakupa chete asiwo pakuva nechishuvo chokuzviita.

[11] Zvino pedzisai basa, kuitira kuti shungu dzenyu dzokuda kuita izvi, dzienzaniswe nokuzvizadzisa kwenyu, maererano nepamunogona napo.

[12] Nokuti kana chido chiripo, chipo chinogamuchirwa, maererano nezvine munhu, kwete maererano nezvaasina.

[13] Chishuvo chedu hachisi chokuti vamwe varerukirwe asi imi muchiremerwa, asi kuti pave nokuenzana.

[14] Panguva ino kuwana kwenyu kuchavawanisa zvavanoshayiwa, kuitirawo kuti kuwana kwavo kugokuwanisaiwo zvamunoshayiwa. Ipapo pachava nokuenzana,

[15] sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Akaunganidza zvakawanda haana kuva nezvakawandisa, uye akaunganidza zvishoma haana kuva nezvishoma shoma.”

[16] Ndinovonga Mwari, akaisa mumwoyo maTito hanya seyandinayo kwamuri.

[17] Nokuti Tito haana kugamuchira chikumbiro chedu bedzi, asi kuti ari kuuyawo kwamuri nokushingaira kukuru uye nokuda kwake hake.

[18] Uye tiri kumutumira kwamuri pamwe chete nehama inorumbidzwa nekereke dzose paushumiri hwevhangeri.

[19] Hazvisizvo zvoga, akasarudzwawo nekereke kuti atiperekedze pakutakura chipo chatiri kundopa, kuti tikudze Ishe pachake uye kuti tiratidze shungu dzedu dzokuda kubatsira.

[20] Tinoda kuchenjerera kuti kurege kuva nomunhu angatipa mhosva pamusoro pamabatiro atichaita chipo ichi chikuru.

[21] Nokuti tiri kuedza kwazvo kuita zvakanaka, kwete pamberi paShe chete asiwo pamberi penyu.

[22] Pamusoro pezvo, tiri kutuma hama yedu pamwe chete navo uyo akaratidza kwatiri nenzira dzakawanda kuti anoshingaira, uye kunyanya iye zvino nokuda kwokuvimba kwake kukuru nemi.

[23] Kana ari Tito, ndiye shamwari yangu nomubati pamwe chete neni pakati penyu; kana dziri hama dzedu, ndivo vamiririri vekereke uye kukudzwa kwaKristu.

[24] Naizvozvo ratidzai varume ava chiratidzo chorudo rwenyu uye chikonzero chokuzvirumbidza kwenyu, kuitira kuti kereke dzigogona kuzviona.

2 VaKorinde — Chapters