Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 2:51

[1] Uku ndiko kuchava kushanya kwangu kwechitatu kwamuri. Nyaya yose inofanira kusimbiswa nezvapupu zviviri kana zvitatu.

[2] Ndakakupai yambiro kare pandakanga ndinemi kechipiri. Zvino ndava kuzvipamhazve ndisipo: Pakuuya kwangu handizoregi vaya vakatadza pakutanga kana vamwe vose,

[3] sezvo muchitsvaka chiratidzo chokuti Kristu ndiye anotaura kubudikidza neni. Haana utera pakubata kwake pakati penyu, asi ane simba kwazvo pakati penyu.

[4] Nokuti kuti muve nechokwadi, akarovererwa pamuchinjikwa muutera, asi anorarama nesimba raMwari. Zvimwe chetezvo nesuwo tinorarama muutera maari, asi nesimba raMwari tiri vapenyu pamwe chete naye kuti tikushumirei.

[5] Zviedzei imi pachenyu muone kana muri pakutenda; zviedzei pachenyu. Munoziva here kuti Jesu ari mukati menyu, kunze kwokutoti makakundikana?

[6] Uye ndinovimba kuti muchaona kuti hatina kukundikana.

[7] Zvino tinonyengetera kuna Mwari kuti murege kuita chinhu chimwe chakaipa. Kwete kuti vanhu vaone kuti isu takakunda, asi kuti imi muite zvakarurama kunyange zvedu isu tichiita setakakundikana.

[8] Nokuti hatigoni kuita chinhu chinopikisana nechokwadi, asi chinobatsira chokwadi chete.

[9] Nokuti tinofara kana isu tichishayiwa simba asi imi muine simba; uye munyengetero wedu ndewokuti imi mukwaniswe.

[10] Ndokusaka ndichinyora zvinhu izvi ndisipo, kuti kana ndauya ndirege kuzoita nehasha pakushandisa simba rangu, simba randakapiwa naIshe kuti ndikuvakei naro, kwete kukuparadzai.

[11] Pakupedzisira, hama, chisarai. Shingairai kuti mukwaniswe, teererai kuchikumbiro changu, ivai nomufungo mumwe, garai murugare. Uye Mwari worudo norugare achava nemi.

[12] Kwazisanai nokutsvodana kutsvene.

[13] Vatsvene vose vanokukwazisai.

[14] Nyasha dzaIshe Jesu Kristu, norudo rwaMwari, nokuwadzana kwoMweya Mutsvene ngazvive nemi mose.

2 VaKorinde — Chapters