[1] Shamwari dzinodikanwa, sezvo tine zvipikirwa izvi, ngatizvinatsei kubva pazvinhu zvinosvibisa muviri nomweya, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.
[2] Tigadzirireiwo nzvimbo mumwoyo yenyu. Hatina munhu watakatadzira, hatina munhu watakanyengera, hatina munhu watakaitira zvisakarurama.
[3] Handitauri izvi kuti ndikupei mhosva; ndakambotaura kare kuti imi muri mumwoyo yedu zvokuti tingagona kurarama kana kufa pamwe chete nemi.
[4] Ndinovimba nemi zvikuru; ndinozvirumbidza zvikuru nokuda kwenyu. Ndinokurudzirwa zvikuru; mumatambudziko edu ose mufaro wangu hauna magumo.
[5] Nokuti patakasvika kuMasedhonia, muviri wedu uyu hauna kuwana zororo, asi takatambudzwa kumativi ose, zvaiti kukakavara kunze, nokutya nechomukati.
[6] Asi Mwari anonyaradza vakaora mwoyo, akatinyaradza pakauya Tito,
[7] kwete nokuda kwokuuya kwake bedzi, asiwo nokuda kwokunyaradza kwamakamupa. Akatiudza nezvokundishuva kwenyu, kusuwa kwenyu kukuru, nokuva nehanya kwenyu pamusoro pangu, saka mufaro wangu wakava mukuru kwazvo.
[8] Kunyange zvazvo ndakakuchemedzai netsamba yangu, handizvidembi nokuda kwaizvozvo. Kunyange zvangu ndakazvidemba, ndinoona kuti tsamba yangu yakakurwadzai, asi kwenguva duku chete,
[9] asi zvino ndinofara, kwete nokuti makachema, asi nokuti kusuwa kwenyu kwakaita kuti mutendeuke. Nokuti makava nokusuwa kukuru sezvaidiwa naMwari uye nokudaro hamuna kukuvadzwa nesu nenzira ipi zvayo.
[10] Nokuti kusuwa kwoumwari kunouyisa kutendeuka uko kunotungamirira kuruponeso uye hakuuyisi kudemba, asi kusuwa kwenyika kunouyisa rufu.
[11] Tarirai zvaitwa mamuri nokusuwa uku kwoumwari: kushinga kukuru kwakadii, ishungu dzakadii kuti muzvichenese, kutsamwa kwakadii nokutya kwakadii nechishuvo chakadii, nehanya yakadii, nokuda kuona kururamisira kuchiitwa kwakadii. Pazvinhu zvose mazviratidza kuti hamuna mhosva panyaya iyi.
[12] Saka kunyange zvangu ndakakunyorerai, ndakanga ndisingazviiti nokuda kwaiye akaita zvakaipa, kana nokuda kwaiye akaitirwa zvakaipa, asi kuti pamberi paMwari mugone kuzvionera kuti makazvipira sei kwatiri.
[13] Naizvozvi zvose tinokurudzirwa. Pamusoro pokukurudzirwa kwedu, takanyanya kufadzwa zvikuru nokuona mufaro wakanga una Tito, nokuti mweya wake wakasimbiswa nemi mose.
[14] Nokuti ndakanga ndazvirumbidza kwaari pamusoro penyu, uye hamuna kundinyadzisa. Asi sezvo zvose zvatakataura pamusoro penyu zvaiva chokwadi, saka kuzvirumbidza kwedu kuna Tito pamusoro penyu kwakaratidza kuti ndokwechokwadiwo.
[15] Uye rudo rwake kwamuri rukuru kwazvo paanorangarira kuti mose makanga muchiteerera, pamakamugamuchira nokutya nokudedera.
[16] Ndinofara kuti ndinogona kuvimba nemi zvizere.