Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 6:58

[1] Akati achifamba, akaona murume akanga aberekwa ari bofu.

[2] Vadzidzi vake vakamubvunza vakati, “Rabhi, ndianiko akatadza, murume uyu kana kuti vabereki vake, zvaakaberekwa ari bofu?”

[3] Jesu akapindura akati, “Hakusi kutadza kwomurume uyu kana kwavabereki vake kwakaita kuti zvidai, asi izvi zvakaitika kuti basa raMwari riratidzwe muupenyu hwake.

[4] Kana achiri masikati kudai, tinofanira kubata basa raiye akandituma. Usiku huri kuuya, husina munhu angagona kushanda basa nahwo.

[5] Ndichiri munyika, ndiri chiedza chenyika.”

[6] Akati ataura izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, uye akariisa pameso omurume uya.

[7] Akati kwaari, “Enda undoshamba mudziva reSiroami” (shoko iri rinoreva kuti Kutumwa). Saka murume uya akaenda akandoshamba, akadzoka ava kuona.

[8] Vavakidzani vake navaya vakanga vambomuona achipemha vakati, “Ko, uyu haasi iye murume uya aisimbogara achipemha here?”

[9] Vamwe vakati, “Ndiye.” Vamwe vakati, “Kwete, anenge akangofanana naye chete.” Asi iye pachake akaramba achiti, “Ndini iye.”

[10] Vakamubvunza vakati, “Meso ako akasvinudzwa sei?”

[11] Akapindura akati, “Murume anonzi Jesu akakanya dope akarizora pameso angu. Akandiudza kuti ndiende kuSiroami ndinoshamba. Saka ndakaenda ndikandoshamba, uye ipapo ndakagona kuona.”

[12] Vakamubvunza vakati, “Aripiko murume wacho?” Iye akati, “Handizivi.”

[13] Vakauyisa murume uya aimbova bofu kuvaFarisi.

[14] Zvino zuva iro rakakanyiwa dope rikazorwa pameso omurume uya naJesu, raiva zuva reSabata.

[15] Naizvozvo vaFarisi vakamubvunzawo kuti akasvinudzwa sei. Murume uya akapindura akati, “Azora dope pameso angu uye ndikandoshamba, zvino ndava kuona.”

[16] Vamwe vaFarisi vakati, “Murume uyu haabvi kuna Mwari, nokuti haachengeti Sabata.” Asi vamwe vakati, “Ko, mutadzi angaita zviratidzo zvakadai seiko?” Nokudaro vakabva vapesana.

[17] Pakupedzisira vakadzokerazve kumurume uya akaberekwa ari bofu vakati, “Ko, iwe unoti kudini naye, sezvo akasvinudza meso ako.” Murume uya akapindura akati, “Muprofita.”

[18] Kunyange zvakadaro, vaJudha havana kubvuma kuti akanga ari bofu uye kuti akanga asvinudzwa meso ake, kusvikira vadana vabereki vake.

[19] Vakati kwavari, “Mwanakomana wenyu here uyu? Ndiye here wamunoti akaberekwa ari bofu? Seiko ava kuona iye zvino?”

[20] Vabereki vake vakati, “Tinoziva kuti ndiye mwanakomana wedu, uye tinoziva kuti akaberekwa ari bofu.

[21] Asi kuti ari kuona sei nhasi kana kuti ndiani asvinudza meso ake, isu hatizivi. Mubvunzei. Akura; achazvidavirira oga.”

[22] Vabereki vake vakataura izvi nokuti vaitya vaJudha, nokuti vaJudha vakanga vatotenderana kuti ani naani anenge angopupura kuti Jesu ndiye Kristu aizofanira kubudiswa musinagoge.

[23] Ndokusaka vabereki vake vakati, “Akura mubvunzei iye.”

[24] Vakadanazve murume uya akambenge ari bofu kechipiri. Vakati kwaari, “Ipa mbiri kuna Mwari. Isu tinoziva kuti murume uyu mutadzi.”

[25] Akapindura akati, “Kana ari mutadzi kana asiri, ini handizvizivi. Ndinoziva chinhu chimwe chete. Ndakanga ndiri bofu asi zvino ndoona!”

[26] Ipapo vakamubvunza vakati, “Akaiteiko kwauri? Akasvinudza meso ako seiko?”

[27] Akapindura akati, “Ndanguri ndakuudzai, asi hamuna kuteerera. Munodireiko kuzvinzwazve? Munoda kuva vadzidzi vakewo here?”

[28] Ipapo vakamutuka vakati, “Iwe hako ndiwe mudzidzi wake munhu uyu! Isu tiri vadzidzi vaMozisi!

[29] Tinoziva kuti Mwari akataura naMozisi, asi kana ari munhu uyu, hatimbozivi kwaanobva.”

[30] Murume uya akapindura akati, “Zvino, izvi zvinoshamisa chose! Hamuzivi kwaanobva, asi iye akasvinudza meso angu.

[31] Tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi. Anonzwa munhu anomutya uye anoita kuda kwake.

[32] Hakuna munhu akatombonzwa nezvokusvinudzwa kwameso omunhu akaberekwa ari bofu.

[33] Dai murume uyu asina kubva kuna Mwari, haaigona kuita chinhu.”

[34] Ipapo vakapindura vakati, “Iwe wakaberekerwa muchivi; unoda seiko kutidzidzisa!” Ipapo vakamubudisa kunze.

[35] Jesu akanzwa kuti vakanga vamudzingira kunze, uye akati amuwana, akati kwaari, “Unotenda here kuMwanakomana woMunhu?”

[36] Murume uya akapindura akati, “Iye ndianiko nhai, Ishe? Ndiudzei kuti ndigotenda kwaari.”

[37] Jesu akati, “Wamuona zvino; uye ndiye ari kutaura newe.”

[38] Ipapo murume uya akati, “Ishe, ndinotenda,” akabva amunamata.

[39] Jesu akati, “Kutonga ndiko kwandakavinga munyika ino, kuitira kuti mapofu aone uye avo vanoona vave mapofu.”

[40] Vamwe vaFarisi vaiva naye vakamunzwa achitaura izvi vakati, “Watii? Nesuwo tiri mapofu here?”

[41] Jesu akati, “Dai maiva mapofu, mungadai musina mhosva yechivi; asi zvino zvamunoti munoona, mhosva yenyu inoramba iripo.”

Johani — Chapters