Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 5:31

[1] “Ndinokuudzai chokwadi kuti munhu asingapindi mudanga ramakwai napamukova, asi anokwira kuti apinde naparutivi, imbavha uye igororo.

[2] Munhu anopinda napamukova ndiye mufudzi wamakwai.

[3] Murindi anomuzarurira musuo, uye makwai anonzwa inzwi rake. Anodana makwai ake nezita agoatungamirira kunze.

[4] Kana achinge abudisa makwai ake ose, anofamba ari mberi kwawo, uye makwai ake anomutevera nokuti anoziva inzwi rake.

[5] Asi haatongoteveri mutorwa; asi anotomutiza nokuti haazivi inzwi romweni.”

[6] Jesu akataura mufananidzo uyu kwavari, asi havana kunzwisisa zvaakanga achivaudza.

[7] Naizvozvo Jesu akatizve kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, ndini mukova wamakwai.

[8] Vose vakanditangira vaiva mbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa.

[9] Ndini mukova; ani naani anopinda napandiri achaponeswa. Achapinda agobuda, uye achawana mafuro.

[10] Mbavha inongouya kuzoba nokuuraya nokuparadza; ini ndakauya kuti ave noupenyu, uye ave nohwakazara.

[11] “Ndini mufudzi akanaka. Mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake.

[12] Mushandi haasi iye mufudzi nomwene wamakwai. Saka paanoona bere richiuya, anosiya makwai obva atiza. Ipapo bere rinobata boka ramakwai uye roaparadzira.

[13] Munhu uyu anotiza nokuti mushandi zvake uye haana hanya namakwai.

[14] “Ndini mufudzi wamakwai; ndinoziva makwai angu uye makwai angu anondiziva,

[15] Baba sezvavanondiziva uye neni ndichiziva Baba, uye ndinorasira makwai angu upenyu hwangu.

[16] Ndina mamwe makwai asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuauyisawo. Naiwowo achanzwa inzwi rangu, uye achava boka rimwe nomufudzi mumwe chete.

[17] Chinoita kuti Baba vandide ndechokuti ndinorasira makwai angu upenyu hwangu, uye ndichahutorazve.

[18] Hakuna munhu angahutora kwandiri, asi ndinohupa pachangu. Ndine simba rokuhurasa uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murayiro ndakaupiwa naBaba.”

[19] Ipapo vaJudha vakapesanazve nokuda kwamashoko aya.

[20] Vazhinji vavo vakati, “Akabatwa nedhimoni uye anopenga. Seiko muchimuteerera?”

[21] Asi vamwe vakati, “Aya haangavi mashoko omunhu ane dhimoni. Ko, dhimoni ringasvinudza meso ousingaoni here?”

[22] Ipapo Mutambo woKukumikidzwa kweTemberi paJerusarema wakasvika. Yainge iri nguva yechando,

[23] uye Jesu akanga ari mutemberi achifamba mubiravira raSoromoni.

[24] VaJudha vakanga vakamukomba, vakati, “Ucharamba uchitinetsa kusvikira riniko? Kana uri Kristu, tiudze pachena.”

[25] Jesu akapindura akati, “Ndakakuudzai, asi hamutendi. Zvishamiso zvandinoita muzita raBaba vangu zvinondipupurira,

[26] asi hamutendi nokuti hamusi makwai angu.

[27] Makwai angu anonzwa inzwi rangu; ini ndinoaziva, uye anonditevera.

[28] Ndinoapa upenyu husingaperi, uye haatongofi; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwangu.

[29] Baba vangu, ivo vakaapa kwandiri, vakuru kuna vose; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwaBaba vangu.

[30] Ini naBaba tiri vamwe.”

[31] VaJudha vakanongazve matombo kuti vamutake,

[32] asi Jesu akati kwavari, “Ndakakuratidzai mabasa esimba mazhinji kubva kuna Baba. Nderipiko basa ipapa ramunoda kunditakira namabwe?”

[33] Vakamupindura vachiti, “Hatisi kukutakira basa ripi zvaro ipapa, asi nokuda kwokumhura Mwari, nokuti iwe, munhuwo zvake, unozviti uri Mwari.”

[34] Jesu akavapindura akati, “Ko, hazvina kunyorwa here muMurayiro wenyu, kuti ‘Ndakati muri vamwari’?

[35] Kana akavaidza ‘vamwari,’ avo shoko raMwari rakasvika kwavari, uye Rugwaro harungaputswi,

[36] zvakadii kuno uyo akatsaurwa naBaba saiye wavo chaiye uye wavakatuma panyika? Seiko muchindipomera mhosva yokumhura, zvandati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari’?

[37] Musanditenda kana ndisina kuita zvinoitwa naBaba vangu.

[38] Asi kana ndichizviita, kunyange dai musinganditendi, tendai mabasa esimba, kuti mugoziva uye mugonzwisisa kuti Baba vari mandiri, uye ini ndiri muna Baba.”

[39] Vakaedzazve kumubata, asi akavapunyuka.

[40] Ipapo Jesu akayambuka Jorodhani kunzvimbo yakanga ichibhabhatidzira Johani pamazuva okutanga. Akagara ikoko

[41] uye vanhu vazhinji vakauya kwaari. Vakati, “Kunyange zvake Johani asina kumboita mabasa esimba, zvose zvakataurwa naJohani pamusoro pomurume uyu zvaiva zvechokwadi.”

[42] Uye panzvimbo iyo, vazhinji vakatenda kuna Jesu.

Johani — Chapters