[1] Shure kwaizvozvo, Jesu akafamba muGarirea, asingadi kuenda kuJudhea nokuti vaJudha vaikoko vakanga vachitsvaka kumuuraya.
[2] Asi Mutambo waMatumba wavaJudha wakati wava pedyo,
[3] vanunʼuna vaJesu vakati kwaari, “Munofanira kubva pano muende kuJudhea, kuitira kuti vadzidzi venyu vagoona zvishamiso zvamunoita.
[4] Hakuna munhu anoda kuva nomukurumbira anoita zvinhu zvake muchivande. Sezvo muchiita zvinhu izvi, chizviratidzai imi kunyika.”
[5] Nokuti kunyange vanunʼuna vake chaivo vakanga vasingatendi kwaari.
[6] Naizvozvo Jesu akati kwavari, “Nguva yangu yakanaka haisati yasvika; asi kwamuri, nguva ipi zvayo yakangonaka.
[7] Nyika haigoni kukuvengai, asi ini inondivenga nokuti ndinopupura kuti zvainoita zvakaipa.
[8] Endai henyu imi kuMutambo. Ini handisati ndoenda kuMutambo uyu, nokuti nguva yakanaka kwandiri haisati yasvika.”
[9] Akati areva izvi, akagara muGarirea.
[10] Zvisinei hazvo, shure kwokuenda kwavanunʼuna vake kuMutambo, iye akazoendawo, kwete pachena, asi muchivande.
[11] Zvino vaJudha vakamutsvaka uye vakabvunza paMutambo kuti, “Murume uya aripiko?”
[12] Vanhu vazhinji vaingozeverana nezvake kwose kwose. Vamwe vaiti, “Munhu akanaka,” vamwe vachiti, “Kwete, anonyengera vanhu.”
[13] Asi kwakanga kusina munhu aitaura izvozvo pachena nokuda kwokutya vaJudha.
[14] Mutambo wakati wava pakati, Jesu ndipo paakazokwidza kutemberi uye akatanga kudzidzisa.
[15] VaJudha vakashamiswa uye vakabvunza vakati, “Murume uyu akawana ruzivo rwakadai seiko iye asina kudzidza?”
[16] Jesu akapindura akati, “Kudzidzisa kwangu hakuzi kwangu pachangu. Kunobva kuna iye akandituma.
[17] Kana munhu akasarudza kuita kuda kwaMwari, achazoona kuti kudzidzisa kwangu kunobva kuna Mwari kana kuti ndinongotaura ndoga.
[18] Uyo anotaura zvake anoita izvozvo kuti azviwanire kukudzwa, asi uyo anoshandira kukudzwa kwaiye akamutuma ndiye munhu wechokwadi; hapana zvokunyengera paari.
[19] Ko, Mozisi haana kukupai murayiro here? Asi hapana kana mumwe wenyu anochengeta murayiro. Seiko muchiedza kundiuraya?”
[20] Vanhu vazhinji vakapindura vakati, “Une dhimoni iwe. Ndianiko anoda kukuuraya?”
[21] Jesu akati kwavari, “Ndakaita chishamiso chimwe chete, asi imi mose muri kushamiswa nazvo.
[22] Asi nokuda kwokuti Mozisi akakupai kudzingiswa (kunyange zvazvo kusina kubva kuna Mozisi, asi kumadzibaba enyu), imi munodzingisa mwana nomusi weSabata.
[23] Zvino kana mwana achigona kudzingiswa nomusi weSabata kuti murayiro waMozisi urege kuputswa, seiko muchinditsamwira nokuda kwokuti ndaporesa munhu nomusi weSabata?
[24] Regai kutonga nezvinoonekwa zvomunhu, asi tongai zvakarurama.”
[25] Panguva iyoyo vamwe vanhu veJerusarema vakatanga kubvunzana vachiti, “Ko, uyu haasiye murume uya wavari kuedza kuuraya here?
[26] Hoyu ari pano, ari kutaura zvake pachena, uye havatauri kana shoko kwaari. Ko, vakuru vatenderana kanhi kuti ndiye Kristu?
[27] Asi tinoziva kunobva murume uyu; Kristu paanouya, hakuna munhu achaziva kwaanobva.”
[28] Ipapo Jesu, achiri kudzidzisa ari mutemberi, akadanidzira achiti, “Hongu, munondiziva, uye munoziva kwandinobva. Handisi pano nokuda kwangu, asi uyo akandituma ndiye wechokwadi. Imi hamumuzivi,
[29] asi ini ndinomuziva nokuti ndinobva kwaari, uye ndiye akandituma.”
[30] Ipapo vakaedza kumubata, asi hapana munhu akaisa ruoko paari, nokuti nguva yake yakanga ichigere kusvika.
[31] Kunyange zvakadaro, vazhinji pakati pavanhu vakatenda kwaari. Vakati, “Kristu paanouya, achaita zviratidzo zvizhinji kupfuura murume uyu here?”
[32] VaFarisi vakanzwa vanhu vazhinji vachiita zevezeve rezvinhu zvakadai pamusoro pake. Ipapo vaprista vakuru navaFarisi vakatuma varindi vomutemberi kuti vandomusunga.
[33] Jesu akati kwavari, “Ndinongova nemi kwechinguva chiduku, uye mushure maizvozvo ndichazoenda kuna iye akandituma.
[34] Muchanditsvaka, asi hamuchazondiwani; uye pandinenge ndiri, hamugoni kusvikapo.”
[35] VaJudha vakataurirana vachiti, “Munhu uyu ari kuda kuenda kupiko kwatisingazomuwani? Achaenda here kuvanhu vedu vakapararira pakati pavaGiriki, agondodzidzisa vaGiriki?
[36] Anga achireveiko paati, ‘Muchanditsvaka, asi hamuchazondiwani,’ uye ‘Pandinenge ndiri, imi hamugoni kusvikapo’?”
[37] Pazuva rokupedzisira uye zuva guru roMutambo, Jesu akasimuka akadanidzira nenzwi guru achiti, “Kana pane munhu ane nyota, ngaauye kwandiri azonwa.
[38] Ani naani anotenda kwandiri, sezvazvakarehwa muRugwaro, hova dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.”
[39] Nokutaura uku, akanga achireva zvoMweya Mutsvene, uyo waizogamuchirwa navaya vanotenda kwaari. Nokuti Mweya wakanga usati wapiwa, sezvo Jesu akanga asati apinda mukubwinya kwake.
[40] Vakati vanzwa mashoko ake, vamwe vanhu vakati, “Zvirokwazvo murume uyu muprofita.”
[41] Vamwe vakati, “Ndiye Kristu.” Asi vamwe vakati, “Kristu angabva seiko kuGarirea?
[42] Rugwaro harutauri here kuti Kristu achabva kurudzi rwaDhavhidhi uye nokuBheterehema, guta raigara Dhavhidhi?”
[43] Nokudaro vanhu vakapesana nokuda kwaJesu.
[44] Vamwe vakada kumubata, asi hapana akaisa ruoko paari.
[45] Pakupedzisira varindi vetemberi vakadzokera kuvaprista vakuru nokuvaFarisi, vakavabvunza vakati, “Seiko musina kuuya naye kuno?”
[46] Varindi vakati kwavari, “Hakuna munhu akatombotaura nenzira inoitwa nomurume uyu.”
[47] VaFarisi vakati, “Munoreva kuti atokunyengerai nemiwo?
[48] Pane mumwe wavatongi kana wavaFarisi ava kutenda kwaari here?
[49] Kwete! Asi vanhu vazhinji ava vasingatongozivi murayiro, vakatukwa ava.”
[50] Nikodhimasi, uya akanga amboenda kuna Jesu uye akanga ari mumwe wavo, akati,
[51] “Ko, murayiro wedu unopomera munhu mhosva asina kutanga ambonzwikwa kuti zvionekwe kuti ari kuitei here?”
[52] Vakapindura vakati, “Newewo uri weGarirea? Nzvera, uye uchaona kuti hakuna muprofita anobva kuGarirea.”
[53] Ipapo mumwe nomumwe akaenda kumba kwake.