Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 3:58

[1] Vana, teererai vabereki venyu muna She, nokuti ndizvo zvakanaka.

[2] “Kudza baba namai vako,” ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa,

[3] “kuti uitirwe zvakanaka uye kuti ugare upenyu hurefu panyika.”

[4] Vanababa, regai kutsamwisa vana venyu; asi, muvarere mukurovedza nokurayira kwaShe.

[5] Varanda, teererai vatenzi venyu vapanyika noruremekedzo uye nokutya, uye nomwoyo wakatendeka, sokuteerera kwamunoita Kristu.

[6] Musangovateerera kuti vakufarirei pavanenge vachikuonai chete, asi savaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari zvichibva pamwoyo yavo.

[7] Mushande nomwoyo wose, sokunge munoshandira Ishe, kwete munhu,

[8] nokuti munoziva kuti Ishe achapa mubayiro mumwe nomumwe pane zvose zvakanaka zvaanoita, angava muranda kana akasununguka.

[9] Uye imi vatenzi, mubate varanda venyu nenzira imwe cheteyo. Musavatyisa, sezvo muchiziva kuti Tenzi wavo nowenyu ari kudenga, uye haana rusaruro maari.

[10] Pakupedzisira, ivai nesimba muna She nomusimba rake guru.

[11] Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari kuti mugogona kumira muchirwa namano adhiabhori.

[12] Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namasimba enyika ino yerima uye namasimba emweya yakaipa ari muchadenga.

[13] Naizvozvo shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti panosvika zuva rakaipa, mugokwanisa kumira, uye mushure mokunge maita zvinhu zvose, kuti mumire.

[14] Zvino mirai nesimba, makasunga bhanhire rechokwadi muchiuno chenyu, nechidzitiro chechipfuva chokururama,

[15] uye tsoka dzenyu dzakashongedzwa negadziriro inobva pavhangeri rorugare.

[16] Pamusoro paizvozvi zvose, torai nhoo yokutenda, iyo yamunogona kudzima nayo miseve inopfuta yowakaipa.

[17] Torai nguwani yoruponeso nomunondo womweya, iro shoko raMwari.

[18] Uye munyengetere muMweya nguva dzose nemhando dzose dzeminyengetero nemikumbiro. Muine izvi mupfungwa dzenyu, murinde uye murambe muchinyengeterera vatsvene.

[19] Munyengeterere neniwo, kuti pose pandinoshama muromo wangu, ndipiwe mashoko kuitira kuti ndigozivisa chakavanzika chevhangeri ndisingatyi,

[20] iro randiri nhume yakasungwa nengetani. Nyengeterai kuti ndiritaure ndisingatyi, sezvandinofanira.

[21] Tikikasi, hama inodikanwa nomuranda akatendeka muna She, achakuudzai zvinhu zvose, kuitira kuti nemiwo muzive zvandiri nezvandinoita.

[22] Ndiri kumutuma kwamuri nokuda kwechinangwa ichi, kuti muzive zvatiri, uye kuti akukurudzirei.

[23] Rugare kuhama, norudo nokutenda zvinobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu.

[24] Nyasha kuna vose vanoda Ishe wedu Jesu Kristu norudo rusingaperi.

VaEfeso — Chapters