[1] Nokuda kwaizvozvi, ini Pauro, musungwa waKristu Jesu nokuda kwenyu imi veDzimwe Ndudzi:
[2] Zvirokwazvo makanzwa zvokugoverwa kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri nokuda kwenyu,
[3] kuti chakavanzika chakaziviswa kwandiri nokuzarurirwa, sezvandakatonyora muchidimbu.
[4] Mukuverenga izvi, ipapo muchagona kunzwisisa maonero andinoita chakavanzika chaKristu,
[5] chisina kuziviswa kuvanhu kana mamwe marudzi sezvachakaratidzwa zvino noMweya kuvapostori navaprofita vatsvene vaMwari.
[6] Chakavanzika ichi ndechokuti, kubudikidza nevhangeri, veDzimwe Ndudzi vava vadyi venhaka pamwe chete navaIsraeri uye vava nhengo pamwe chete dzomuviri mumwe chete, vagovani pamwe chete muchivimbiso chiri muna Kristu Jesu.
[7] Ndakava muranda wevhangeri iri nechipo chenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri kubudikidza nokushanda kwesimba rake.
[8] Kunyange ndiri muduku pavanhu vose vaMwari, idzi nyasha dzakapiwa kwandiri: kuti ndiparidze vhangeri kune veDzimwe Ndudzi pfuma yaKristu isinganzwisisiki;
[9] uye kuti ndiratidze pachena kuvanhu vose kugoverwa kwechakavanzika ichi, icho panguva yakare chakanga chakavigwa muna Mwari, iye akasika zvinhu zvose.
[10] Zvaaida zvino ndezvokuti, kubudikidza nekereke, uchenjeri hwaMwari hukuru huziviswe kuvatongi navane simba vari muchadenga,
[11] maererano nevavariro yake isingaperi yaakakwanisa muna Kristu Jesu Ishe wedu.
[12] Maari, uye kubudikidza nokutenda kwaari tinogona kusvika kuna Mwari takasununguka uye tisingatyi.
[13] Naizvozvo, ndinokukumbirai, kuti murege kuora mwoyo nokuda kwamatambudziko angu nokuda kwenyu, anova kukudzwa kwenyu.
[14] Nokuda kwaizvozvi, ndinopfugama pamberi paBaba,
[15] nokuti mhuri yavo yose iri kudenga napanyika inowana zita rayo kubva kwavari.
[16] Ndinonyengetera kuti kubva papfuma yokubwinya kwavo vakusimbisei nesimba noMweya wavo mumunhu womukati,
[17] kuti Kristu agare mumwoyo yenyu nokutenda. Uye ndinonyengetera kuti imi, muve nemidzi uye musimbiswe murudo,
[18] muve nesimba, pamwe chete navatsvene vose, kuti mubate kuti kupamhamha, nokureba uye kukwirira, nokudzika kworudo rwaKristu kwakadii,
[19] uye muzive rudo urwu runopfuura ruzivo, kuti muzadzwe kusvikira pachiyero chokuzara kwose kwaMwari.
[20] Zvino iye anogona kuita zvikuru zvisingagoni kuyerwa kupfuura zvose zvatingakumbira kana kufunga, maererano nesimba rake riri kushanda mukati medu,
[21] ngaave nokubwinya mukereke uye nomuna Kristu Jesu kumarudzi namarudzi, nokusingaperi-peri! Ameni.