Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 3:38

[1] Kana muri imi, makanga makafa mukudarika kwenyu nomuzvivi,

[2] izvo zvamaigara mazviri pamaitevera nzira dzenyika ino uye nedzomutongi woushe hwomuchadenga, iwo mweya unoshanda zvino muna avo vasingateereri.

[3] Isu tose taigara pakati pavo pane imwe nguva, tichikudza kuchiva kwenyama yedu yezvivi uye tichitevera zvido zvedu nezvataifunga. Sezvakangoita vamwe vose, pakuzvarwa kwedu takanga tiri vana vokutsamwirwa.

[4] Asi nokuda kworudo rwake rukuru kwatiri, Mwari, iye akapfuma pangoni,

[5] akatiita vapenyu muna Kristu kunyange zvedu takanga takafa mukudarika kwedu, makaponeswa nenyasha.

[6] Uye Mwari akatimutsa pamwe chete naKristu akatigarisa kudenga muna Kristu Jesu,

[7] kuitira kuti munguva dzinouya aratidze pfuma yake huru yenyasha dzake, zvichiratidzwa muunyoro hwake kwatiri muna Kristu Jesu.

[8] Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari,

[9] kwete namabasa, kuti parege kuva nomunhu anozvikudza.

[10] Nokuti tiri basa raMwari, rakasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka, akagadzirwa naMwari kare kuti tiaite.

[11] Naizvozvo, rangarirai kuti kare imi veDzimwe Ndudzi pakuzvarwa uye muchinzi “vasina kudzingiswa” naavo vaizviti “vakadzingiswa” (uko kunoitwa pamuviri namaoko avanhu),

[12] rangarirai kuti panguva iyoyo makanga makaparadzaniswa naKristu, musingaverengwi muzvizvarwa zveIsraeri uye muri vatorwa musungano dzechipikirwa, musina tariro uye musina Mwari munyika.

[13] Asi zvino muna Kristu Jesu, imi makanga muri kure kare, makaswededzwa pedyo kubudikidza neropa raKristu.

[14] Nokuti iye pachake ndiye rugare rwedu, akaita kuti vaviri vave chinhu chimwe uye akaparadza mukaha, irwo rusvingo rwokuvengana rwaivaparadzanisa,

[15] nokuparadza munyama yake murayiro, mitemo yacho pamwe chete uye nezvakatemwa. Vavariro yake yakanga iri yokusika maari munhu mumwe chete mutsva kubva pavaviri, naizvozvo aite rugare,

[16] uye mumuviri mumwe chete uyu ayananise vaviri ava kuna Mwari kubudikidza nomuchinjikwa, wakaparadza kuvengana kwavo.

[17] Akauya akaparidza rugare kwamuri imi makanga muri kure uye rugare kuna avo vakanga vari pedyo.

[18] Nokuti kubudikidza naye isu tose tinosvika kuna Baba noMweya mumwe chete.

[19] Saka, hamuchisiri vatorwa kana vaeni, asi vagari pamwe chete navanhu vaMwari uye mava veimba yaMwari,

[20] makavakwa panheyo dzavapostori navaprofita, naKristu Jesu pachake iye dombo rapakona.

[21] Maari imba yose yakabatanidzwa pamwe chete uye inokura kuti ive temberi tsvene muna She.

[22] Uye maari nemiwo makavakwa pamwe chete kuti muve ugaro hwaMwari muMweya.

VaEfeso — Chapters