Skip to content
Opens in a new window
Listen to this chapter • 4:28

[1] Usatsiura murume mukuru nehasha, asi utaure naye sounotaura nababa vako. Vaduku uvabate savanunʼuna vako.

[2] Vakadzi vakuru savanamai, uye vakadzi vaduku sehanzvadzi, nokuchena kwose kwomwoyo.

[3] Ipa rukudzo rwakafanira kuchirikadzi dziri chirikadzi chaidzo.

[4] Asi kana chirikadzi ina vana kana vazukuru, ava ngavatange ivo kudzidza kurarama chinamato chavo kumhuri dzavo uye vadzosere zvakafanira kuvabereki vavo uye navakwegura, nokuti izvi zvinofadza Mwari.

[5] Chirikadzi iri chirikadzi chaiyo uye yakasara ichingova yoga inoisa tariro yayo kuna Mwari uye inogara ichinyengetera nokukumbira kuna Mwari usiku namasikati.

[6] Asi chirikadzi inoraramira kuzvifadza yakafa ichiri mhenyu.

[7] Rayirawo vanhu zvinhu izvi, kuitira kuti kurege kuva nomunhu angapomerwa.

[8] Kana munhu asingachengeti hama dzake, uye zvikuru sei veimba yake, arasa kutenda, uye akaipa kukunda asingatendi.

[9] Hakuna chirikadzi inganyorwa pamazita echirikadzi kana isina makore anopfuura makumi matanhatu, yakanga yakatendeka kumurume wayo,

[10] uye ichinyatsozivikanwa pamabasa ayo akanaka, akafanana nokurera vana, nokubata vaeni zvakanaka, kushambidza tsoka dzavatsvene, kubatsira vaya vari mumatambudziko, uye yakazvipira kuita pamabasa ose akanaka.

[11] Asi kana dziri chirikadzi duku usadzinyora pamazita aya. Nokuti kana nyama yadzo yakunda kuzvipira kwadzo kuna Kristu, dzichazotsvaka kuwanikwa.

[12] Naizvozvo dzichazvivigira kutongwa, nokuti dzinenge dzaputsa kutenda kwadzo kwokutanga.

[13] Pamusoro pezvo, dzinoita tsika dzokuva nousimbe uye dzichipota nedzimba. Uye hadzizi simbe bedzi, asi vaitiwo vamakuhwa, uye vasina basa ravanoita, vachitaura zvisakafanira.

[14] Naizvozvo ndinoti kuchirikadzi duku ngadziwanikwe, kuti dzibereke vana, dzichengete dzimba dzadzo uye kuti dzisapa muvengi mukana wokupomera nawo.

[15] Vamwe vakatotsauka kare vachitevera Satani.

[16] Kana mukadzi upi zvake mutendi aine chirikadzi mumhuri yake, anofanira kudzibatsira uye arege kuita kuti kereke iremedzwe nadzo, kuitira kuti kereke igone kubatsira chirikadzi dziri kushayiwa zvechokwadi.

[17] Vakuru vanobata kereke zvakanaka vakafanira kukudzwa zvakapetwa kaviri, zvikuru sei vaya vanoita basa rokuparidza nokudzidzisa.

[18] Nokuti Rugwaro runoti, “Usasunga muromo wenzombe kana ichipura zviyo,” uye “Mushandi akafanirwa nomubayiro wake.”

[19] Usagamuchira mhaka inopomerwa mukuru kunze kwokunge yauyiswa nezvapupu zviviri kana zvitatu.

[20] Avo vanotadza vanofanira kutsiurwa pamberi pavanhu, kuitira kuti vamwe vagoyambirwa.

[21] Ndinokurayira, pamberi paMwari naKristu Jesu uye napamberi pavatumwa vakasanangurwa, kuti uchengete mirayiro iyi zvakanaka, uye usingaiti uchitsaura vanhu.

[22] Usakurumidza kuisa maoko pamusoro pomunhu, uye usabatana nezvivi zvavamwe. Zvichengete kuti uve wakachena.

[23] Rega kunwa mvura yoga, uye unwe waini shoma nokuda kwomudumbu mako uye nokurwara-rwara kwako.

[24] Zvivi zvavamwe vanhu zvinoonekwa pachena, zvichivatangira kusvika panzvimbo yokutongwa; zvivi zvavamwe zvinotevera mushure mavo.

[25] Nenzira imwe cheteyo, mabasa akanaka anoonekwawo pachena, uye kunyange naasina kudaro haangavanziki.

1 Timoti — Chapters